< איוב 3 >

אחרי כן פתח איוב את פיהו ויקלל את יומו׃ 1
Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.
ויען איוב ויאמר׃ 2
Akati:
יאבד יום אולד בו והלילה אמר הרה גבר׃ 3
“Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’
היום ההוא יהי חשך אל ידרשהו אלוה ממעל ואל תופע עליו נהרה׃ 4
Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.
יגאלהו חשך וצלמות תשכן עליו עננה יבעתהו כמרירי יום׃ 5
Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo.
הלילה ההוא יקחהו אפל אל יחד בימי שנה במספר ירחים אל יבא׃ 6
Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.
הנה הלילה ההוא יהי גלמוד אל תבא רננה בו׃ 7
Usiku uhwo ngahushaye chibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.
יקבהו אררי יום העתידים ערר לויתן׃ 8
Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.
יחשכו כוכבי נשפו יקו לאור ואין ואל יראה בעפעפי שחר׃ 9
Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;
כי לא סגר דלתי בטני ויסתר עמל מעיני׃ 10
nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
למה לא מרחם אמות מבטן יצאתי ואגוע׃ 11
“Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?
מדוע קדמוני ברכים ומה שדים כי אינק׃ 12
Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?
כי עתה שכבתי ואשקוט ישנתי אז ינוח לי׃ 13
Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora
עם מלכים ויעצי ארץ הבנים חרבות למו׃ 14
namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,
או עם שרים זהב להם הממלאים בתיהם כסף׃ 15
navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha.
או כנפל טמון לא אהיה כעללים לא ראו אור׃ 16
Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva?
שם רשעים חדלו רגז ושם ינוחו יגיעי כח׃ 17
Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora.
יחד אסירים שאננו לא שמעו קול נגש׃ 18
Nhapwa dzinofarirawo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomuchairi wenhapwa.
קטן וגדול שם הוא ועבד חפשי מאדניו׃ 19
Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.
למה יתן לעמל אור וחיים למרי נפש׃ 20
“Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,
המחכים למות ואיננו ויחפרהו ממטמונים׃ 21
kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,
השמחים אלי גיל ישישו כי ימצאו קבר׃ 22
vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva?
לגבר אשר דרכו נסתרה ויסך אלוה בעדו׃ 23
Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?
כי לפני לחמי אנחתי תבא ויתכו כמים שאגתי׃ 24
Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura.
כי פחד פחדתי ויאתיני ואשר יגרתי יבא לי׃ 25
Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri.
לא שלותי ולא שקטתי ולא נחתי ויבא רגז׃ 26
Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.”

< איוב 3 >