< איוב 26 >

ויען איוב ויאמר׃ 1
Ipapo Jobho akapindura akati:
מה עזרת ללא כח הושעת זרוע לא עז׃ 2
“Ndiweka wakabatsira vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!
מה יעצת ללא חכמה ותושיה לרב הודעת׃ 3
Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri! Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo!
את מי הגדת מלין ונשמת מי יצאה ממך׃ 4
Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?
הרפאים יחוללו מתחת מים ושכניהם׃ 5
“Vakafa vari pakushungurudzika kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.
ערום שאול נגדו ואין כסות לאבדון׃ (Sheol h7585) 6
Sheori yakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidzwa. (Sheol h7585)
נטה צפון על תהו תלה ארץ על בלי מה׃ 7
Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu.
צרר מים בעביו ולא נבקע ענן תחתם׃ 8
Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.
מאחז פני כסה פרשז עליו עננו׃ 9
Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo.
חק חג על פני מים עד תכלית אור עם חשך׃ 10
Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
עמודי שמים ירופפו ויתמהו מגערתו׃ 11
Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhundutswa nokutuka kwake.
בכחו רגע הים ובתובנתו מחץ רהב׃ 12
Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.
ברוחו שמים שפרה חללה ידו נחש בריח׃ 13
Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.
הן אלה קצות דרכו ומה שמץ דבר נשמע בו ורעם גבורתו מי יתבונן׃ 14
Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”

< איוב 26 >