< ירמיה 2 >

ויהי דבר יהוה אלי לאמר׃ 1
Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,
הלך וקראת באזני ירושלם לאמר כה אמר יהוה זכרתי לך חסד נעוריך אהבת כלולתיך לכתך אחרי במדבר בארץ לא זרועה׃ 2
“Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: “‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei uye uchinditevera nomukati merenje, uye nomunyika isina munhu anogaramo.
קדש ישראל ליהוה ראשית תבואתה כל אכליו יאשמו רעה תבא אליהם נאם יהוה׃ 3
Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’” ndizvo zvinotaura Jehovha.
שמעו דבר יהוה בית יעקב וכל משפחות בית ישראל׃ 4
Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho, nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri.
כה אמר יהוה מה מצאו אבותיכם בי עול כי רחקו מעלי וילכו אחרי ההבל ויהבלו׃ 5
Zvanzi naJehovha: “Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri, zvavakaenda kure neni? Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo vakava vasina maturo pachavo.
ולא אמרו איה יהוה המעלה אתנו מארץ מצרים המוליך אתנו במדבר בארץ ערבה ושוחה בארץ ציה וצלמות בארץ לא עבר בה איש ולא ישב אדם שם׃ 6
Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko, iye akatibudisa kubva munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti, nomunyika yamarenje namakoronga, iyo nyika yakaoma uye yerima, nyika isina munhu anofambamo uye isina munhu anogaramo?’
ואביא אתכם אל ארץ הכרמל לאכל פריה וטובה ותבאו ותטמאו את ארצי ונחלתי שמתם לתועבה׃ 7
Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza.
הכהנים לא אמרו איה יהוה ותפשי התורה לא ידעוני והרעים פשעו בי והנביאים נבאו בבעל ואחרי לא יועלו הלכו׃ 8
Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo.
לכן עד אריב אתכם נאם יהוה ואת בני בניכם אריב׃ 9
“Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichapazve mhosva vana vavana venyu.
כי עברו איי כתיים וראו וקדר שלחו והתבוננו מאד וראו הן היתה כזאת׃ 10
Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone, tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza; muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai:
ההימיר גוי אלהים והמה לא אלהים ועמי המיר כבודו בלוא יועיל׃ 11
Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo.
שמו שמים על זאת ושערו חרבו מאד נאם יהוה׃ 12
Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
כי שתים רעות עשה עמי אתי עזבו מקור מים חיים לחצב להם בארות בארת נשברים אשר לא יכלו המים׃ 13
“Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.
העבד ישראל אם יליד בית הוא מדוע היה לבז׃ 14
Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?
עליו ישאגו כפרים נתנו קולם וישיתו ארצו לשמה עריו נצתה מבלי ישב׃ 15
Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari. Dzakaparadza nyika yake; maguta ake akapiswa uye haachina vanhu.
גם בני נף ותחפנס ירעוך קדקד׃ 16
Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako.
הלוא זאת תעשה לך עזבך את יהוה אלהיך בעת מוליכך בדרך׃ 17
Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira?
ועתה מה לך לדרך מצרים לשתות מי שחור ומה לך לדרך אשור לשתות מי נהר׃ 18
Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva muShihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi?
תיסרך רעתך ומשבותיך תוכחך ודעי וראי כי רע ומר עזבך את יהוה אלהיך ולא פחדתי אליך נאם אדני יהוה צבאות׃ 19
Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
כי מעולם שברתי עלך נתקתי מוסרתיך ותאמרי לא אעבד כי על כל גבעה גבהה ותחת כל עץ רענן את צעה זנה׃ 20
“Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve.
ואנכי נטעתיך שרק כלה זרע אמת ואיך נהפכת לי סורי הגפן נכריה׃ 21
Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa, uri mbeu kwayo inovimbika. Ko, zvino wakazondishandukira sei ukava muzambiringa webundo wakaora?
כי אם תכבסי בנתר ותרבי לך ברית נכתם עונך לפני נאם אדני יהוה׃ 22
Kunyange ukazvishambidza nesoda uchishandisa sipo yakawanda, gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
איך תאמרי לא נטמאתי אחרי הבעלים לא הלכתי ראי דרכך בגיא דעי מה עשית בכרה קלה משרכת דרכיה׃ 23
“Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo,
פרה למד מדבר באות נפשו שאפה רוח תאנתה מי ישיבנה כל מבקשיה לא ייעפו בחדשה ימצאונה׃ 24
uri mbizi yakarovedzwa mugwenga, inofembedza mhepo mukushuva kwayo; ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo? Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa; panguva yokusangana uchaiwana.
מנעי רגלך מיחף וגורנך מצמאה ותאמרי נואש לוא כי אהבתי זרים ואחריהם אלך׃ 25
Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’
כבשת גנב כי ימצא כן הבישו בית ישראל המה מלכיהם שריהם וכהניהם ונביאיהם׃ 26
“Sokunyadziswa kwembavha yabatwa, saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa, ivo namadzimambo avo uye namachinda avo, vaprista vavo navaprofita vavo.
אמרים לעץ אבי אתה ולאבן את ילדתני כי פנו אלי ערף ולא פנים ובעת רעתם יאמרו קומה והושיענו׃ 27
Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’ uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’ Vakandifuratira ini asi zviso zvavo hazvina, nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri, ‘Uyai mutiponese!’
ואיה אלהיך אשר עשית לך יקומו אם יושיעוך בעת רעתך כי מספר עריך היו אלהיך יהודה׃ 28
Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi? Ngavauye kana vachigona kukuponesai pamunenge mava munhamo! Nokuti muna vamwari vakawanda kupfuura maguta amunawo, imi Judha.
למה תריבו אלי כלכם פשעתם בי נאם יהוה׃ 29
“Seiko muchindipa mhosva? Imi mose makandimukira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
לשוא הכיתי את בניכם מוסר לא לקחו אכלה חרבכם נביאיכם כאריה משחית׃ 30
“Ndakaranga vana venyu pasina; havana kuteerera kurangwa. Munondo wenyu wakamedza vaprofita, kufanana neshumba inoparadza.
הדור אתם ראו דבר יהוה המדבר הייתי לישראל אם ארץ מאפליה מדוע אמרו עמי רדנו לוא נבוא עוד אליך׃ 31
“Haiwa, imi vechizvarwa ichi, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israeri here kana nyika yerima guru? Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti, ‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’
התשכח בתולה עדיה כלה קשריה ועמי שכחוני ימים אין מספר׃ 32
Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here, nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini, mazuva asingaverengeki.
מה תיטבי דרכך לבקש אהבה לכן גם את הרעות למדתי את דרכיך׃ 33
Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo! Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu.
גם בכנפיך נמצאו דם נפשות אביונים נקיים לא במחתרת מצאתים כי על כל אלה׃ 34
Panguo dzako vanhu vanowanapo ropa ravarombo vasina mhaka, kunyange usina kuvabata vachipaza. Asi kunyange zvakadaro
ותאמרי כי נקיתי אך שב אפו ממני הנני נשפט אותך על אמרך לא חטאתי׃ 35
unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’
מה תזלי מאד לשנות את דרכך גם ממצרים תבושי כאשר בשת מאשור׃ 36
Ko, unofambireiko pose pose zvakadai, uchishandura nzira dzako? Iwe uchagumburwa neIjipiti, sezvawakaitwa neAsiria.
גם מאת זה תצאי וידיך על ראשך כי מאס יהוה במבטחיך ולא תצליחי להם׃ 37
Uchabvawo panzvimbo iyoyo wakaisa maoko ako pamusoro pako, nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo; iwe hauchazobatsirwi navo.

< ירמיה 2 >