< יַעֲקֹב 3 >

אחי אל יהיו רבים מכם למורים באשר ידעתם כי בזאת נכביד עלינו את הדין׃ 1
Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kukuru.
כי כלנו מרבים להכשל ואשר לא יכשל בדבור הוא איש תמים וביכלתו לשום רסן גם לכל גופו׃ 2
Nokuti tese tinogumburwa pazvinhu zvizhinji. Kana umwe asingagumburwi pashoko, ndiye murume wakaperedzerwa, anogona kudzorawo muviri wese.
הנה בפי הסוסים נשים את הרסן למען אשר ישמעו לנו ונהגנו בו את כל גויתם׃ 3
Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, ndokutenderedza muviri wawo wese.
והנה האניות אף כי גדלות הנה ורוחות קשות יהדפום ינהג אתן משוט קטן אל כל אשר יחפץ החבל כן גם הלשון אבר קטן היא וגדלות תדבר׃ 4
Tarirai, nezvikepe, kunyange zviri zvikuru zvakadai, uye zvichitinhwa nemhepo dzine simba, zvinonangiswa nechidzoreso chidiki diki, chero kupi kunodikanwa nechishuwo chemufambisi.
ראה מה גדול היער ואש קטנה תבעירנו גם הלשון אש היא עולם מלא עולה׃ 5
Rwakadarowo rurimi rwuri mutezo mudiki, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto mudiki unotungidza matanda akakura sei!
כן הלשון נצבת בין אברינו המגאלת את כל הגוף ומלהטת את גלגל הויתנו והיא להוטה באש גיהנם׃ (Geenna g1067) 6
Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wese, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena. (Geenna g1067)
כי מין כל בהמה ועוף ורמש וחיות הים יכבש ונכבשים הם על ידי מין האדם׃ 7
Nokuti marudzi ese emhuka neeshiriwo, neezvesewo zvinokambaira neezvisikwa zvegungwa anopingudzwa uye akapingudzwa nechisikirwo chevanhu;
אבל הלשון אין אדם יכל לכבשה אין מעצור לרעה הזאת וסם המות מלאה׃ 8
asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi; uipi husingadzoreki, rwuzere nechepfu inouraya.
בה נברך את האלהים אבינו ובה נקלל את האנשים העשוים בצלם אלהים׃ 9
Narwo tinorumbidza Mwari uye Baba, narwowo tinotuka vanhu vakaitwa nemufananidzo waMwari;
מפה אחד יצאת ברכה וקללה וכן לא יעשה אחי׃ 10
mumuromo umwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hazvina kufanira, hama dzangu, izvi zvive saizvozvo.
היביע המעין מתוקים ומרים ממוצא אחד׃ 11
Chitubu chingadzutura pamuromo umwe chinonaka nechinovava here?
אחי היוכל עץ התאנה להוציא זיתים או התוכל הגפן להוציא תאנים כן גם מעין אחד לא יוכל נבע מים מלוחים ומתוקים׃ 12
Hama dzangu, muonde unogona kubereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo hakuna chitubu chinobudisa mvura inovava neinonaka.
מי בכם חכם ונבון יראה בדרכו הטובה את מעשיו בענות החכמה׃ 13
Ndiani wakachenjera neanonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.
ואם קנאה מרה ומריבה בלבבכם אל תתהללו ואל תשקרו באמת׃ 14
Asi kana mune godo rinovava nerukave mumoyo wenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.
אין זאת החכמה הירדת ממעל כי אם חכמת אדמה היא וחכמת היצר והשדים׃ 15
Uhu hausi uchenjeri hunoburuka kubva kumusoro, asi hwenyika, hwechisikirwo, hweudhimoni.
כי במקום קנאה ומריבה שם מהומה וכל מעשה רע׃ 16
Nokuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nekuita kwese kwakaipa.
אבל החכמה אשר ממעל בראשונה צנועה היא אף אהבת שלום ומכרעת לכף זכות ואיננה עמדת על דעתה ומלאה רחמים ופרי טוב בלא לב ולב ובלי חנפה׃ 17
Asi uchenjeri hunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, husina kutsaura, uye husina kunyengera.
ופרי הצדקה בשלום יזרע לעשי השלום׃ 18
Uye chibereko chekururama chinodzvarwa murugare kune vanoita rugare.

< יַעֲקֹב 3 >