< אֶל־הָעִבְרִים 7 >

כי זה מלכי צדק מלך שלם כהן לאל עליון אשר יצא לקראת אברהם בשובו מהכות את המלכים ויברכהו׃ 1
Nokuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahama achidzoka kubva kunouraya madzimambo, ndokumuropafadza,
ואשר חלק לו אברהם מעשר מכל שמו יפרש מלך הצדק ועוד מלך שלם הוא מלך השלום׃ 2
Abhurahama wakamugovera chegumi chezvese; iye pakutanga ari nekuturikirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremiwo, ndokuti mambo werugare;
באין אב באין אם באין יחש ולימיו אין תחלה ולחייו אין סוף כי אם נדמה לבן האלהים הוא עומד בכהנתו לנצח׃ 3
asina baba, asina mai, asina dzinza, asina mavambo amazuva, kana kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nekusingaperi.
ראו עתה מה גדול הוא אשר גם אברהם אבינו נתן לו מעשר מראשית השלל׃ 4
Zvino rangarirai kuti mukuru sei uyu, teteguru Abhurahama vaakapawo chegumi chezvakapambiwa.
הן אלה מבני לוי אשר נחלי את הכהנה יש להם חק על פי התורה לקחת את המעשרות מן העם מן אחיהם אשר אף הם יצאי ירך אברהם׃ 5
Zvino zvirokwazvo avo vanobva kuvanakomana VaRevhi vakagamuchira basa reupristi vane murairo wekutora chegumi kuvanhu zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahama;
ואשר איננו מתיחש למשפחתם הוא לקח את המעשר מן אברהם ויברך את אשר היתה לו ההבטחה׃ 6
asi iye dzinza rake risina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kuna Abhurahama, akamuropafadza iye wakange ane zvivimbiso.
והנה נכון הדבר כי הקטן יברך על ידי הגדול ממנו׃ 7
Zvino pasina kupikisa kwese, mudiki unoropafadzwa nemukuru.
ופה בני אדם שימותו לקחים את המעשר אבל שם לקחו מי שהועד עליו כי הוא חי׃ 8
Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo, anopupurirwa kuti mupenyu ndiye anogamuchira.
ויתכן לומר כי גם לוי הלקח את המעשרות היה מעשר בעשר אברהם׃ 9
Zvino, kunganzi, kubudikidza naAbhurahama Revhiwo anogamuchira zvegumi wakapa zvegumi;
כי עוד בירך האב היה בצאת מלכי צדק לקראתו׃ 10
nokuti wakange achiri muchiuno chababa, apo Merikizedheki akamuchingamidza.
על כן אלו היתה שלמות על ידי כהנת בני לוי אשר בה נתנה התורה לעם למה זה צריך לקום עוד כהן אחר על דברתי מלכי צדק ולא יאמר על דברתי אהרן׃ 11
Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hwaRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu rwakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei kubva kurudzi rwaMerikizedheki, uye asingaidzwi werudzi rwaAroni?
כי בהשתנות הכהנה מן הצרך שתשתנה גם התורה׃ 12
Nokuti kana upristi huchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.
כי אשר מדבר בו כזאת הוא משבט אחר אשר מעולם לא שרת איש ממנו את המזבח׃ 13
Nokuti iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndewerumwe rudzi, rwakange rusina munhu wakashumira paaritari.
כי גלוי לכל אשר אדנינו זרח מיהודה מן השבט אשר משה לא דבר אליו דבר על הכהנה׃ 14
Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu wakamuka kuna Judha, rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura pamusoro parwo maererano neupristi.
ועוד יותר ברור הוא אם יוקם על דמיון מלכי צדק כהן אחר׃ 15
Uye zvichiri pachena kwazvo kwazvo, kana kuchimuka umwe mupristi sewakatodzana naMerikizedheki,
אשר איננו על פי חקת בשר ודם אלא על פי כח חיים בלתי נפסקים׃ 16
asina kuitwa nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nenzira yesimba reupenyu husingaparadziki.
כי העיד עליו אתה כהן לעולם על דברתי מלכי צדק׃ (aiōn g165) 17
Nokuti anopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki. (aiōn g165)
בעבור כי המצוה הקדמת הוסרה בהיותה חלושה וקצרת יד מהועיל׃ 18
Nokuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakavapo nekuda kweutera nekusabatsira kwawo;
כי התורה לא השלימה דבר והנה נכנסה במקומה תקוה טובה ממנה אשר נקרב על ידה לאלהים׃ 19
nokuti murairo hauna kupedzeredza chinhu, asi kutangiswa kwetariro iri nani kwakazviita, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
וכפי אשר לא היתה זאת בלי שבועה׃ 20
Uye zvaasina kuitwa pasina mhiko,
כי המה נתכהנו בלי שבועה וזה בשבועה על ידי האמר לו נשבע יהוה ולא ינחם אתה כהן לעולם על דברתי מלכי צדק׃ (aiōn g165) 21
(nokuti ivo vakava vapristi pasina mhiko, asi iye nemhiko, kubudikidza naiye wakati kwaari: Ishe wakapika uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki); (aiōn g165)
גם הברית טובה ויתרה היא אשר ישוע ערב אותה׃ 22
saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuura pakunaka.
ושם נתכהנו רבים מפני אשר המות לא הניחם להותר בארץ׃ 23
Naivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa kugara nekuda kwerufu.
אבל זה בעמדו לעולם יש לו כהנה אשר לא תעבר ממנו׃ (aiōn g165) 24
Asi uyu, nokuti anogara nekusingaperi ane upristi husingapfuuri. (aiōn g165)
אשר על כן יוכל גם להושיע בכל וכל את הנגשים על ידו לאלהים כי חי הוא תמיד להפגיע בעדם׃ 25
Naizvozvo ane simbawo rekuponesa zvakakwana avo vanouya kuna Mwari nemaari, zvaanoraramira kuvareverera nekusingaperi.
כי נאוה לנו כהן כזה שהוא חסיד ותמים וטהור ונבדל מן החטאים ונשא מהשמים׃ 26
Nokuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;
אשר איננו צריך יום יום ככהנים הגדולים ההם להקריב בראשונה על חטאתיו ואחרי כן על חטאת העם כי זאת עשה בפעם אחת בהקריבו את נפשו׃ 27
asingafaniri zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru, kubaira chibairo pakutanga pamusoro pezvivi zvake pachake, pashure zvevanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, paakazvibaira iye.
כי התורה העמידה לכהנים גדולים בני אדם חלשים אבל דבר השבועה הבאה אחרי התורה העמיד את הבן המשלם לעולם׃ (aiōn g165) 28
Nokuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru, vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwana nekusingaperi. (aiōn g165)

< אֶל־הָעִבְרִים 7 >