< אֶל־הָעִבְרִים 4 >
על כן נירא נא בהמצא עוד ההבטחה לבוא אל מנוחתו פן יראה איש מכם מאחר פעמיו׃ | 1 |
Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.
כי גם אלינו באה הבשורה כמו אליהם אך לא הועיל להם דבר השמועה מפני אשר לא התערב באמונה לשמעים׃ | 2 |
Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.
כי באי המונה אנחנו המאמינים כמו שאמר אשר נשבעתי באפי אם יבאון אל מנוחתי אף כי נגמרו מעשי יהוה מעת הוסד העולם׃ | 3 |
Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti, “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.
כי על היום השביעי אמר במקום אחד וישבת ביום השביעי מכל מלאכתו׃ | 4 |
Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”
ובמקום הזה אמר עוד אם יבאון אל מנוחתי׃ | 5 |
Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”
ויען כי יש עוד מקום לבוא אליה ואשר התבשרו בראשונה המה לא באו שם בעבור המרי׃ | 6 |
Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.
לכן הוסיף לקבוע יום באמרו היום על ידי דוד מקץ ימים רבים כמו שנאמר היום אם בקלו תשמעו אל תקשו לבבכם׃ | 7 |
Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”
כי אלו יהושע הניח להם לא היה מדבר אחרי זאת על יום אחר׃ | 8 |
Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.
על כן נשארה עוד מנוחת שבת לעם אלהים׃ | 9 |
Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;
כי הבא אל מנוחתו גם הוא שבת ממלאכתו כמו האלהים משלו׃ | 10 |
nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.
לכן נשקדה נא לבוא אל המנוחה ההיא למען אשר לא יכשל איש והיה ממרה כמוהם׃ | 11 |
Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.
כי דבר האלהים חי הוא ופעל גבורות וחד מחרב פיפיות ונכנס עד להבדיל בין נפש לרוח ובין הדבקים למוח ובחן מחשבות לבב ומזמותיו׃ | 12 |
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
ואין כל נברא נסתר מנגדו כי הכל חשוף וגלוי לעיני בעל דברים שלנו׃ | 13 |
Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
ועתה בהיות לנו כהן ראש גדול אשר עבר בשמים הוא ישוע בן האלהים נחזיקה בהודאתנו׃ | 14 |
Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura.
כי אין לנו כהן גדול אשר לא יוכל להצטער על חליינו כי אם המנסה בכל כמונו אך בלי חטא׃ | 15 |
Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.
על כן נקרבה בבטחון אל כסא החסד לשאת רחמים ולמצא חסד לעזרה בעתה׃ | 16 |
Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.