< בראשית 40 >

ויהי אחר הדברים האלה חטאו משקה מלך מצרים והאפה לאדניהם למלך מצרים׃ 1
Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti.
ויקצף פרעה על שני סריסיו על שר המשקים ועל שר האופים׃ 2
Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru,
ויתן אתם במשמר בית שר הטבחים אל בית הסהר מקום אשר יוסף אסור שם׃ 3
akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa.
ויפקד שר הטבחים את יוסף אתם וישרת אתם ויהיו ימים במשמר׃ 4
Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva.
ויחלמו חלום שניהם איש חלמו בלילה אחד איש כפתרון חלמו המשקה והאפה אשר למלך מצרים אשר אסורים בבית הסהר׃ 5
Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva.
ויבא אליהם יוסף בבקר וירא אתם והנם זעפים׃ 6
Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa.
וישאל את סריסי פרעה אשר אתו במשמר בית אדניו לאמר מדוע פניכם רעים היום׃ 7
Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?”
ויאמרו אליו חלום חלמנו ופתר אין אתו ויאמר אלהם יוסף הלוא לאלהים פתרנים ספרו נא לי׃ 8
Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.” Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.”
ויספר שר המשקים את חלמו ליוסף ויאמר לו בחלומי והנה גפן לפני׃ 9
Saka mudiri mukuru akataurira Josefa kurota kwake. Akati kwaari, “Mukurota kwangu ndaona muzambiringa pamberi pangu,
ובגפן שלשה שריגם והיא כפרחת עלתה נצה הבשילו אשכלתיה ענבים׃ 10
uye mumuzambiringa manga mune matavi matatu. Wati uchangobuka, waita maruva, uye masumbu awo aibva akava mazambiringa.
וכוס פרעה בידי ואקח את הענבים ואשחט אתם אל כוס פרעה ואתן את הכוס על כף פרעה׃ 11
Mukombe waFaro wanga uri muruoko rwangu, uye ndatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFaro uye ndikaisa mukombe muruoko rwake.”
ויאמר לו יוסף זה פתרנו שלשת השרגים שלשת ימים הם׃ 12
Josefa akati kwavari, “Uku ndiko kududzirwa kwadzo. Matavi matatu ndiwo mazuva matatu.
בעוד שלשת ימים ישא פרעה את ראשך והשיבך על כנך ונתת כוס פרעה בידו כמשפט הראשון אשר היית משקהו׃ 13
Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako agokudzosera pabasa rako, uye uchaisa mukombe waFaro muruoko rwake, sezvawaisimboita pawakanga uri mudiri wake.
כי אם זכרתני אתך כאשר ייטב לך ועשית נא עמדי חסד והזכרתני אל פרעה והוצאתני מן הבית הזה׃ 14
Asi pazvinenge zvakunakira iwe, undirangarire uye undiitirewo ngoni; undireverere kuna Faro kuti ndigobudiswa mutorongo rino.
כי גנב גנבתי מארץ העברים וגם פה לא עשיתי מאומה כי שמו אתי בבור׃ 15
Nokuti ndakatorwa nokumanikidzwa kubva kunyika yavaHebheru, kunyange pano handina kuita chinhu chakafanira kuti ndipinzwe mugomba rino.”
וירא שר האפים כי טוב פתר ויאמר אל יוסף אף אני בחלומי והנה שלשה סלי חרי על ראשי׃ 16
Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pane matengu matatu echingwa.
ובסל העליון מכל מאכל פרעה מעשה אפה והעוף אכל אתם מן הסל מעל ראשי׃ 17
Mudengu rapamusoro manga mune mhando dzose dzezvinhu zvakabikwa zvaFaro, asi shiri dzanga dzichidya kubva mudengu ranga riri pamusoro pangu.”
ויען יוסף ויאמר זה פתרנו שלשת הסלים שלשת ימים הם׃ 18
Josefa akati, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo. Matengu matatu ndiwo mazuva matatu.
בעוד שלשת ימים ישא פרעה את ראשך מעליך ותלה אותך על עץ ואכל העוף את בשרך מעליך׃ 19
Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako kubva pauri agokuturika pamuti. Uye shiri dzichadya nyama yako.”
ויהי ביום השלישי יום הלדת את פרעה ויעש משתה לכל עבדיו וישא את ראש שר המשקים ואת ראש שר האפים בתוך עבדיו׃ 20
Zvino zuva rechitatu rakanga riri zuva rokuzvarwa kwaFaro, uye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza misoro yavaranda vake vaiti mudiri mukuru nomubiki mukuru pamberi pavaranda vake.
וישב את שר המשקים על משקהו ויתן הכוס על כף פרעה׃ 21
Akadzosera mudiri mukuru pabasa rake, zvokuti akaisazve mukombe muruoko rwaFaro,
ואת שר האפים תלה כאשר פתר להם יוסף׃ 22
asi akaturika mubiki mukuru pamuti, sezvazvakanga zvataurwa naJosefa kwavari mukududzira kwake.
ולא זכר שר המשקים את יוסף וישכחהו׃ 23
Kunyange zvakadaro hazvo, mudiri mukuru haana kurangarira Josefa; akamukanganwa.

< בראשית 40 >