< בראשית 38 >

ויהי בעת ההוא וירד יהודה מאת אחיו ויט עד איש עדלמי ושמו חירה׃ 1
Panguva iyoyo, Judha akabva kuhama dzake akaburuka akandogara nomurume wokuAdhurama ainzi Hira.
וירא שם יהודה בת איש כנעני ושמו שוע ויקחה ויבא אליה׃ 2
Ikoko Judha akasangana nomwanasikana womumwe murume muKenani ainzi Shua. Akamuwana uye akavata naye;
ותהר ותלד בן ויקרא את שמו ער׃ 3
akava nemimba akabereka mwanakomana, zita rake rainzi Eri.
ותהר עוד ותלד בן ותקרא את שמו אונן׃ 4
Akaitazve imwe mimba akabereka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Onani.
ותסף עוד ותלד בן ותקרא את שמו שלה והיה בכזיב בלדתה אתו׃ 5
Akabereka mumwezve mwanakomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akamuberekera kuKezibhi.
ויקח יהודה אשה לער בכורו ושמה תמר׃ 6
Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi, uye zita rake ainzi Tamari.
ויהי ער בכור יהודה רע בעיני יהוה וימתהו יהוה׃ 7
Asi Eri, dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akamuuraya.
ויאמר יהודה לאונן בא אל אשת אחיך ויבם אתה והקם זרע לאחיך׃ 8
Ipapo Judha akati kuna Onani, “Vata nomukadzi womukoma wako uye umuitire zvawakafanira kuita kwaari somununʼuna, kuti uberekere mukoma wako vana.”
וידע אונן כי לא לו יהיה הזרע והיה אם בא אל אשת אחיו ושחת ארצה לבלתי נתן זרע לאחיו׃ 9
Asi Onani akaziva kuti vana havaizova vake; saka pose paaivata nomukadzi womukoma wake, aiteurira mbeu pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana.
וירע בעיני יהוה אשר עשה וימת גם אתו׃ 10
Zvaakaita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha; saka akamuurayawo.
ויאמר יהודה לתמר כלתו שבי אלמנה בית אביך עד יגדל שלה בני כי אמר פן ימות גם הוא כאחיו ותלך תמר ותשב בית אביה׃ 11
Ipapo Judha akati kuna Tamari mukadzi womwana wake, “Gara hako uri chirikadzi mumba mababa vako kusvikira mwanakomana wangu Shera akura.” Nokuti akafunga kuti, “Naiye angafawo, sezvakaita madzikoma ake.” Saka Tamari akaenda akandogara mumba mababa vake.
וירבו הימים ותמת בת שוע אשת יהודה וינחם יהודה ויעל על גזזי צאנו הוא וחירה רעהו העדלמי תמנתה׃ 12
Shure kwenguva refu mukadzi waJudha, mwanasikana waShua, akafa. Judha akati anyaradzwa kubva pakuchema kwake, akakwidza akaenda kuTimina kuvarume vakanga vachiveura makwai, uye shamwari yake Hira muAdhuramu akaenda naye.
ויגד לתמר לאמר הנה חמיך עלה תמנתה לגז צאנו׃ 13
Tamari akati audzwa kuti, “Vatezvara vako vari kuenda kuTimina kuti vandoveura makwai avo,”
ותסר בגדי אלמנותה מעליה ותכס בצעיף ותתעלף ותשב בפתח עינים אשר על דרך תמנתה כי ראתה כי גדל שלה והוא לא נתנה לו לאשה׃ 14
akabvisa nguo dzechirikadzi, akazvifukidza nechifukidzo chokumeso kuti azvivanze, uye ipapo akagara pasi pasuo rinopinda kuEnaimi, uri munzira inoenda kuTimina. Nokuti akaona kuti kunyange zvazvo Shera akanga akura, haana kunge apiwa kwaari kuti ave mukadzi wake.
ויראה יהודה ויחשבה לזונה כי כסתה פניה׃ 15
Judha akati amuona, akafunga kuti chifeve, nokuti akanga akafukidza uso hwake.
ויט אליה אל הדרך ויאמר הבה נא אבוא אליך כי לא ידע כי כלתו הוא ותאמר מה תתן לי כי תבוא אלי׃ 16
Asingazivi kuti akanga ari muroora wake, akaenda kwaari parutivi rwenzira akati, “Uya zvino, rega ndivate newe.” Iye akati, “Unozondipei kuti ndivate newe?”
ויאמר אנכי אשלח גדי עזים מן הצאן ותאמר אם תתן ערבון עד שלחך׃ 17
Iye akati, “Ndingakupa mbudzana kubva muboka rangu rembudzi.” Iye akati, “Ungandipa chimwe chinhu here kuti chive chitsidzo kusvikira wazonditumira?”
ויאמר מה הערבון אשר אתן לך ותאמר חתמך ופתילך ומטך אשר בידך ויתן לה ויבא אליה ותהר לו׃ 18
Iye akati, “Ndingakupa chitsidzo cheiko?” Akapindura akati, “Mhete yako yechisimbiso norutambo rwayo, netsvimbo iri muruoko rwako.” Saka akamupa izvozvo uye akavata naye, uye akava nemimba naye.
ותקם ותלך ותסר צעיפה מעליה ותלבש בגדי אלמנותה׃ 19
Shure kwokubva kwake ipapo akabvisa chifukidzo ndokubva apfekazve nguo dzake dzechirikadzi.
וישלח יהודה את גדי העזים ביד רעהו העדלמי לקחת הערבון מיד האשה ולא מצאה׃ 20
Zvichakadaro, Judha akatuma shamwari yake muAdhuramu nembudzana iya kuitira kuti chitsidzo chake chidzoswe kwaari kubva kumukadzi uya, asi haana kumuwana.
וישאל את אנשי מקמה לאמר איה הקדשה הוא בעינים על הדרך ויאמרו לא היתה בזה קדשה׃ 21
Akabvunza varume vaigara ikoko akati, “Chiripiko chifeve chaigara parutivi rwenzira yeEnaimi?” Ivo vakati, “Hapana kumbova nechifeve pano.”
וישב אל יהודה ויאמר לא מצאתיה וגם אנשי המקום אמרו לא היתה בזה קדשה׃ 22
Saka iye akadzokerazve kuna Judha akandoti, “Handina kumuwana. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanogara ikoko vakati, ‘Hakuna kumbova nechifeve kuno.’”
ויאמר יהודה תקח לה פן נהיה לבוז הנה שלחתי הגדי הזה ואתה לא מצאתה׃ 23
Ipapo Judha akati, “Regai achengete zvaanazvo, kuti arege kuzova chiseko. Zvakadaro ndanga ndamutumira mbudzana iyi, asi hauna kugona kumuwana.”
ויהי כמשלש חדשים ויגד ליהודה לאמר זנתה תמר כלתך וגם הנה הרה לזנונים ויאמר יהודה הוציאוה ותשרף׃ 24
Shure kwemwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari ane mhosva youfeve, uye nokuda kwaizvozvo ava nemimba.” Judha akati, “Mubudisei apiswe afe!”
הוא מוצאת והיא שלחה אל חמיה לאמר לאיש אשר אלה לו אנכי הרה ותאמר הכר נא למי החתמת והפתילים והמטה האלה׃ 25
Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.”
ויכר יהודה ויאמר צדקה ממני כי על כן לא נתתיה לשלה בני ולא יסף עוד לדעתה׃ 26
Judha akazviziva uye akati, “Iye akarurama kupfuura ini, sezvo ndanga ndisingadi kumupa kumwanakomana wangu Shera.” Uye haana kuzovata naye zvakare.
ויהי בעת לדתה והנה תאומים בבטנה׃ 27
Nguva yake yokupona yakati yasvika, mudumbu make makanga muna vanakomana vaviri.
ויהי בלדתה ויתן יד ותקח המילדת ותקשר על ידו שני לאמר זה יצא ראשנה׃ 28
Paakanga achipona, mumwe wavo akabudisa ruoko rwake; saka vanyamukuta vakatora rushinda rutsvuku vakamusunga paruoko rwake uye vakati, “Uyu ndiye atanga kubuda.”
ויהי כמשיב ידו והנה יצא אחיו ותאמר מה פרצת עליך פרץ ויקרא שמו פרץ׃ 29
Asi akati adzosera ruoko rwake mukati, mununʼuna wake akabuda, uye vakati, “Saka ndiwo mabudiro awaita nhai!” Uye akatumidzwa zita rokuti Perezi.
ואחר יצא אחיו אשר על ידו השני ויקרא שמו זרח׃ 30
Ipapo mukoma wake akanga ano rushinda rutsvuku paruoko rwake, akabuda uye akatumidzwa zita rokuti Zera.

< בראשית 38 >