< אֶל־הַגָּלָטִיִּים 4 >
ואני אמר היורש כל עת היותו קטן אין הבדל בינו ובין העבד אף אם הוא אדון הכל׃ | 1 |
Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvese;
אלא הוא תחת יד אמנים ופקידי הבית עד לזמן המיעד לו מאת אביו׃ | 2 |
asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.
ככה גם אנחנו בעוד היותנו קטנים היינו משעבדים ליסדות העולם׃ | 3 |
Saizvozvo nesu, patakange tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika.
ובמלאת העת שלח האלהים את בנו אשר נולד מאשה ונתן תחת יד התורה׃ | 4 |
Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo,
לפדות את אשר היו תחת יד התורה למען נקבל את משפט הבנים׃ | 5 |
kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.
ויען כי בנים אתם שלח האלהים בלבבכם את רוח בנו הקורא אבא אבינו׃ | 6 |
Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha, Baba!
לכן אינך עוד עבד כי אם בן ואם בן אתה הנך גם יורש האלהים על ידי המשיח׃ | 7 |
Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu.
הן לפנים באין דעת אלהים הייתם עבדים את אשר בעצמותם אינם אלהים׃ | 8 |
Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo;
ועתה אחרי ידעתם את האלהים ויותר אחרי שנודעתם לאלהים איך תשובו אל היסדות הרפים והדלים ההם אשר תרצו להכנע להם מחדש׃ | 9 |
asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve?
ימים אתם שמרים וחדשים ומועדים ושנים׃ | 10 |
Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.
מתירא אני פן לריק עמלתי בכם׃ | 11 |
Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.
היו נא כמוני כי גם אני כמוכם מתחנן אני לכם אחי לא הרעתם לי מאומה׃ | 12 |
Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu;
אתם ידעתם אשר בחלשת בשרי בשרתי לכם את הבשורה לראשונה׃ | 13 |
munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,
ואתם לא בזיתם את נסיוני אשר נסיתי בבשרי ולא געלתם אתו כי אם קבלתם אתי כמלאך אלהים כמשיח ישוע׃ | 14 |
nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.
ועתה איה אשרכם כי מעיד אני עליכם אשר אם יכלתם הייתם עקרים את עיניכם לתתן לי׃ | 15 |
Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe.
ועתה הנהייתי לכם לאיב בדברי אמת אליכם׃ | 16 |
Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here?
אינם מקנאים לכם לטובה כי חפצם להפריד אתכם מעלינו למען תהיו מקנאים להם׃ | 17 |
Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo.
אבל טוב לקנא תמיד לטובה ולא לבד בהיותו אצלכם׃ | 18 |
Asi zvakanaka kushingairwa pachakanaka nguva dzese, uye kwete pakuvapo kwangu chete.
בני אשר אני מחולל שנית עד כי יוצר בכם המשיח׃ | 19 |
Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri,
אמנה חפצתי להיות עתה אצלכם לשנות את קול דברי כי נבוך אני בכם׃ | 20 |
asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu.
אמרו לי אתם החפצים להיות משעבדים לתורה הלא שמעתם את התורה׃ | 21 |
Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?
כי כתוב שהיו לאברהם שני בנים האחד מן האמה והשני מן החפשיה׃ | 22 |
Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama wakange ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka.
ואשר לאמה הוא נולד לפי הבשר ואשר לחפשיה על פי ההבטחה׃ | 23 |
Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso.
והדברים הם לרמז כי שתי הבריתות הנה האחת מן הר סיני היולדת לעבדות והיא הגר׃ | 24 |
Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari.
כי הגר סיני הר בערב הוא והוא כנגד ירושלים של עתה כי היא בעבדות עם בניה׃ | 25 |
Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.
אבל ירושלים של מעלה היא חפשיה והיא אם כלנו׃ | 26 |
Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tese.
כי כתוב רני עקרה לא ילדה פצחי רנה וצהלי לא חלה כי רבים בני שוממה מבני בעולה׃ | 27 |
Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume.
ואנחנו אחי הננו כיצחק בני ההבטחה׃ | 28 |
Asi isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.
וכאשר הנולד לפי הבשר אז היה רדף את הנולד לפי הרוח כן הוא גם עתה׃ | 29 |
Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.
אבל הכתוב מה הוא אמר גרש האמה ואת בנה כי לא יירש בן האמה עם בן החפשיה׃ | 30 |
Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.
על כן אחי לא בני האמה אנחנו כי אם בני החפשיה׃ | 31 |
Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.