< יחזקאל 5 >
ואתה בן אדם קח לך חרב חדה תער הגלבים תקחנה לך והעברת על ראשך ועל זקנך ולקחת לך מאזני משקל וחלקתם׃ | 1 |
“Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi.
שלשית באור תבעיר בתוך העיר כמלאת ימי המצור ולקחת את השלשית תכה בחרב סביבותיה והשלשית תזרה לרוח וחרב אריק אחריהם׃ | 2 |
Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa.
ולקחת משם מעט במספר וצרת אותם בכנפיך׃ | 3 |
Asi utore rimwe bvudzi shoma shoma uriise pamipendero yenguo dzako.
ומהם עוד תקח והשלכת אותם אל תוך האש ושרפת אתם באש ממנו תצא אש אל כל בית ישראל׃ | 4 |
Uyezve, utore rimwe shoma racho urikande mumoto ugoripisa. Moto uchapararira kubva ipapo uchienda kuimba yose yaIsraeri.
כה אמר אדני יהוה זאת ירושלם בתוך הגוים שמתיה וסביבותיה ארצות׃ | 5 |
“Zvanzi naIshe Jehovha: Iri ndiro Jerusarema, randakaisa pakati pendudzi, nenyika dzakaripoteredza.
ותמר את משפטי לרשעה מן הגוים ואת חקותי מן הארצות אשר סביבותיה כי במשפטי מאסו וחקותי לא הלכו בהם׃ | 6 |
Asi pakuipa kwaro rakamukira mirayiro yangu nemitemo yangu kupfuura ndudzi nenyika dzakaripoteredza. Rakaramba mirayiro yangu uye harina kutevera mitemo yangu.
לכן כה אמר אדני יהוה יען המנכם מן הגוים אשר סביבותיכם בחקותי לא הלכתם ואת משפטי לא עשיתם וכמשפטי הגוים אשר סביבותיכם לא עשיתם׃ | 7 |
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Wanga usingazvidzori kupfuura ndudzi dzakakupoteredza uye hauna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu. Hauna kana kumbotevedzera tsika dzendudzi dzakakupoteredza.
לכן כה אמר אדני יהוה הנני עליך גם אני ועשיתי בתוכך משפטים לעיני הגוים׃ | 8 |
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndinokurwisa iwe Jerusarema, uye ndichakuranga pamberi pedzimwe ndudzi.
ועשיתי בך את אשר לא עשיתי ואת אשר לא אעשה כמהו עוד יען כל תועבתיך׃ | 9 |
Nokuda kwezvifananidzo zvako zvinonyangadza, ndichakuitira zvandisina kumboita kare uye handichazozviitizve.
לכן אבות יאכלו בנים בתוכך ובנים יאכלו אבותם ועשיתי בך שפטים וזריתי את כל שאריתך לכל רוח׃ | 10 |
Naizvozvo pakati pako madzibaba vachadya vana vavo, uye vana vachadya madzibaba avo. Ndichakuranga uye ndichaparadzira vakasara vako vose kumhepo zhinji.
לכן חי אני נאם אדני יהוה אם לא יען את מקדשי טמאת בכל שקוציך ובכל תועבתיך וגם אני אגרע ולא תחוס עיני וגם אני לא אחמול׃ | 11 |
Naizvozvo noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvakaumbwa zvako zvinonyangadza uye namaitiro ako anosemesa, ini ndimene ndichabvisa nyasha dzangu kwauri handichakutarisi netsitsi kana kukuponesa.
שלשתיך בדבר ימותו וברעב יכלו בתוכך והשלשית בחרב יפלו סביבותיך והשלישית לכל רוח אזרה וחרב אריק אחריהם׃ | 12 |
Chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chavanhu vako vachafa nehosha kana kufa nenzara mukati mako; chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chichawa nokuda kwomunondo kunze kwamasvingo ako; uye chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu ndichachiparadzira kumhepo zhinji ndigochitevera nomunondo wakavhomorwa.
וכלה אפי והנחותי חמתי בם והנחמתי וידעו כי אני יהוה דברתי בקנאתי בכלותי חמתי בם׃ | 13 |
“Ipapo kutsamwa kwangu kuchapera uye hasha dzangu dzichabva pamusoro pavo, uye ndichange ndatsiva. Uye hasha dzangu padzichange dzapera pamusoro pavo, vachaziva kuti ini Jehovha ndazvitaura nokushingaira kwangu.
ואתנך לחרבה ולחרפה בגוים אשר סביבותיך לעיני כל עובר׃ | 14 |
“Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pendudzi dzakakupoteredza, pamberi pavose vanopfuura napo.
והיתה חרפה וגדופה מוסר ומשמה לגוים אשר סביבותיך בעשותי בך שפטים באף ובחמה ובתכחות חמה אני יהוה דברתי׃ | 15 |
Uchava chinhu chinoshorwa nechiseko, yambiro nechinhu chinotyisa kundudzi dzakakupoteredza pandinokuranga mukutsamwa nehasha dzangu uye nechituko chinobaya. Ini Jehovha ndataura.
בשלחי את חצי הרעב הרעים בהם אשר היו למשחית אשר אשלח אותם לשחתכם ורעב אסף עליכם ושברתי לכם מטה לחם׃ | 16 |
Pandinokupfura nemiseve yangu yenzara, inouraya uye inoparadza, ndichapfura kuti ndikuparadze. Ndichauyisa nzara pamusoro penzara pamusoro pako uye ndichamisa kupiwa kwako zvokudya.
ושלחתי עליכם רעב וחיה רעה ושכלך ודבר ודם יעבר בך וחרב אביא עליך אני יהוה דברתי׃ | 17 |
Ndichatuma nzara nezvikara kuti zvizokurwisa, uye zvichakusiya usisina mwana. Denda nokuteuka kweropa zvichapfuura nomauri, uye ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.”