< יחזקאל 36 >

ואתה בן אדם הנבא אל הרי ישראל ואמרת הרי ישראל שמעו דבר יהוה׃ 1
“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha.
כה אמר אדני יהוה יען אמר האויב עליכם האח ובמות עולם למורשה היתה לנו׃ 2
Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava dzedu.”’
לכן הנבא ואמרת כה אמר אדני יהוה יען ביען שמות ושאף אתכם מסביב להיותכם מורשה לשארית הגוים ותעלו על שפת לשון ודבת עם׃ 3
Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai uye vakakudzingirai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu, nechinorehwa,
לכן הרי ישראל שמעו דבר אדני יהוה כה אמר אדני יהוה להרים ולגבעות לאפיקים ולגאיות ולחרבות השממות ולערים הנעזבות אשר היו לבז וללעג לשארית הגוים אשר מסביב׃ 4
naizvozvo, imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata, kumatongo akaparadzwa okumaguta akasiyiwa akanga apambwa uye akasekwa nendudzi dzose dzakakupoteredzai,
לכן כה אמר אדני יהוה אם לא באש קנאתי דברתי על שארית הגוים ועל אדום כלא אשר נתנו את ארצי להם למורשה בשמחת כל לבב בשאט נפש למען מגרשה לבז׃ 5
zvanzi naIshe Jehovha: Mumoto wokushingaira kwangu, ndakataura pamusoro pendudzi dzakasara, uye pamusoro peEdhomu yose, nokuti nomufaro uye negodo remwoyo yavo vakaita nyika yangu nhaka yavo kuitira kuti vapambe mafuro avo.’
לכן הנבא על אדמת ישראל ואמרת להרים ולגבעות לאפיקים ולגאיות כה אמר אדני יהוה הנני בקנאתי ובחמתי דברתי יען כלמת גוים נשאתם׃ 6
Naizvozvo profita pamusoro penyika yeIsraeri uti kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata: ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndinotaura negodo nehasha dzangu nokuti makashorwa nendudzi.
לכן כה אמר אדני יהוה אני נשאתי את ידי אם לא הגוים אשר לכם מסביב המה כלמתם ישאו׃ 7
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndinopika noruoko rwakasimudzwa kuti ndudzi dzakakupoteredza naidzo dzichashorwawo.
ואתם הרי ישראל ענפכם תתנו ופריכם תשאו לעמי ישראל כי קרבו לבוא׃ 8
“‘Asi imi, iyemi makomo eIsraeri, muchabudisa matavi nemichero yavanhu vangu ivo Israeri, nokuti vachakurumidza kudzokera kumusha.
כי הנני אליכם ופניתי אליכם ונעבדתם ונזרעתם׃ 9
Ndine hanya newe uye ndichakutarira neziso rine tsitsi; ucharimwa ugodyarwa,
והרביתי עליכם אדם כל בית ישראל כלה ונשבו הערים והחרבות תבנינה׃ 10
uye ndichawanza vanhu pamusoro pako, kunyange iyo imba yose yaIsraeri. Maguta achagarwa uye matongo achavakwazve.
והרביתי עליכם אדם ובהמה ורבו ופרו והושבתי אתכם כקדמותיכם והיטבתי מראשתיכם וידעתם כי אני יהוה׃ 11
Ndichawedzera kuwanda kwavanhu nezvipfuwo pamusoro pako uye vachava nezvibereko vagowanda kwazvo. Ndichagarisa vanhu mauri sezvazvakanga zvakaita kare uye ndichaita kuti mubudirire kupfuura pakutanga. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
והולכתי עליכם אדם את עמי ישראל וירשוך והיית להם לנחלה ולא תוסף עוד לשכלם׃ 12
Ndichaita kuti vanhu, ivo vanhu vangu Israeri, vafambe pamusoro pako. Vachakutora uye muchava nhaka yavo; hamuchazovatorerizve vana vavo.
כה אמר אדני יהוה יען אמרים לכם אכלת אדם אתי ומשכלת גויך היית׃ 13
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuti vanhu vanoti kwauri, “Iwe unodya vanhu uye unotorera rudzi rwako vana,”
לכן אדם לא תאכלי עוד וגויך לא תכשלי עוד נאם אדני יהוה׃ 14
naizvozvo hauchazodyi vanhu kana kushayisa rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
ולא אשמיע אליך עוד כלמת הגוים וחרפת עמים לא תשאי עוד וגויך לא תכשלי עוד נאם אדני יהוה׃ 15
Handichazoiti kuti unzwe kutuka kwendudzi, hauchazoshorwi navanhu uye handichazoiti kuti rudzi rwako ruwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
ויהי דבר יהוה אלי לאמר׃ 16
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
בן אדם בית ישראל ישבים על אדמתם ויטמאו אותה בדרכם ובעלילותם כטמאת הנדה היתה דרכם לפני׃ 17
“Mwanakomana womunhu, vanhu vaIsraeri pavaigara munyika yavo chaiyo, vakaisvibisa namaitiro avo uye namabasa avo. Maitiro avo akanga akaita sokusachena kwomukadzi ari kumwedzi pamberi pangu.
ואשפך חמתי עליהם על הדם אשר שפכו על הארץ ובגלוליהם טמאוה׃ 18
Saka ndakadurura hasha dzangu pamusoro pavo nokuti vakanga vateura ropa munyika uye nokuti vakanga vakaisvibisa nezvifananidzo zvavo.
ואפיץ אתם בגוים ויזרו בארצות כדרכם וכעלילותם שפטתים׃ 19
Ndakavaparadzira pakati pendudzi, uye vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo namabasa avo.
ויבוא אל הגוים אשר באו שם ויחללו את שם קדשי באמר להם עם יהוה אלה ומארצו יצאו׃ 20
Uye kwose kwose kwavakaenda pakati pendudzi, vakasvibisa zita rangu dzvene, nokuti zvakanzi pamusoro pavo, ‘Ava ndivo vanhu vaJehovha, asi vakatonzi vabve munyika yake.’
ואחמל על שם קדשי אשר חללוהו בית ישראל בגוים אשר באו שמה׃ 21
Ndakanga ndine hanya nezita rangu dzvene, rakanga rasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pendudzi kwavakanga vaenda.
לכן אמר לבית ישראל כה אמר אדני יהוה לא למענכם אני עשה בית ישראל כי אם לשם קדשי אשר חללתם בגוים אשר באתם שם׃ 22
“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakusi kuda kwenyu, imi imba yaIsraeri, kuti ndiite zvinhu izvi, asi imhaka yezita dzvene, ramakasvibisa pakati pendudzi kwamakaenda.
וקדשתי את שמי הגדול המחלל בגוים אשר חללתם בתוכם וידעו הגוים כי אני יהוה נאם אדני יהוה בהקדשי בכם לעיניהם׃ 23
Ndicharatidza utsvene hwezita rangu guru, rakanga rasvibiswa pakati pendudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pavo. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ndini Jehovha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, panguva yandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
ולקחתי אתכם מן הגוים וקבצתי אתכם מכל הארצות והבאתי אתכם אל אדמתכם׃ 24
“‘Nokuti ndichakubudisa pakati pendudzi; ndichakuunganidzai kubva kunyika dzose ndigokudzoserai munyika yangu chaiyo.
וזרקתי עליכם מים טהורים וטהרתם מכל טמאותיכם ומכל גלוליכם אטהר אתכם׃ 25
Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu.
ונתתי לכם לב חדש ורוח חדשה אתן בקרבכם והסרתי את לב האבן מבשרכם ונתתי לכם לב בשר׃ 26
Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu.
ואת רוחי אתן בקרבכם ועשיתי את אשר בחקי תלכו ומשפטי תשמרו ועשיתם׃ 27
Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu uye ndichakuitai kuti mutevere mitemo yangu mugochenjerera kuchengeta mirayiro yangu.
וישבתם בארץ אשר נתתי לאבתיכם והייתם לי לעם ואנכי אהיה לכם לאלהים׃ 28
Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wenyu.
והושעתי אתכם מכל טמאותיכם וקראתי אל הדגן והרביתי אתו ולא אתן עליכם רעב׃ 29
Ndichakuponesai kubva pakusachena kwenyu kwose. Ndichadana zviyo ndigozviwanza uye handingauyisi nzara pamusoro penyu.
והרביתי את פרי העץ ותנובת השדה למען אשר לא תקחו עוד חרפת רעב בגוים׃ 30
Ndichawanza zvibereko zvemiti uye nezvirimwa zveminda, kuitira kuti murege kuzoshorwazve pakati pendudzi nokuda kwenzara.
וזכרתם את דרכיכם הרעים ומעלליכם אשר לא טובים ונקטתם בפניכם על עונתיכם ועל תועבתיכם׃ 31
Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakaipa namabasa enyu akaipa, uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvivi zvenyu namabasa enyu anonyangadza.
לא למענכם אני עשה נאם אדני יהוה יודע לכם בושו והכלמו מדרכיכם בית ישראל׃ 32
Ndinoda kuti muzive kuti handisi kuita izvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Nyaraiwo uye munyadziswe nokuda kwamaitiro enyu, imi, imba yaIsraeri!
כה אמר אדני יהוה ביום טהרי אתכם מכל עונותיכם והושבתי את הערים ונבנו החרבות׃ 33
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randinokunatsai pazvivi zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta enyu uye matongo achavakwazve.
והארץ הנשמה תעבד תחת אשר היתה שממה לעיני כל עובר׃ 34
Nyika yakanga yava dongo icharimwazve pachinzvimbo chokugara iri dongo pamberi pavose vanopfuura napo.
ואמרו הארץ הלזו הנשמה היתה כגן עדן והערים החרבות והנשמות והנהרסות בצורות ישבו׃ 35
Vachati, “Nyika iyi yakanga yaparara iye zvino yafanana nebindu reEdheni; maguta akanga ava matongo aparadzwa, zvino akomberedzwa uye ogarwa.”
וידעו הגוים אשר ישארו סביבותיכם כי אני יהוה בניתי הנהרסות נטעתי הנשמה אני יהוה דברתי ועשיתי׃ 36
Ipapo ndudzi dzakasara, dzakakupoteredzai dzichaziva kuti ini Jehovha ndakavakazve zvakanga zvaparadzwa uye ndakadyarazve zvakanga zvaparadzwa. Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’
כה אמר אדני יהוה עוד זאת אדרש לבית ישראל לעשות להם ארבה אתם כצאן אדם׃ 37
“Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichagamuchirazve chikumbiro cheimba yaIsraeri ndigovaitira izvi: Ndichawanza kwazvo vanhu vavo sokuwanda kwamakwai,
כצאן קדשים כצאן ירושלם במועדיה כן תהיינה הערים החרבות מלאות צאן אדם וידעו כי אני יהוה׃ 38
sokuwanda kwakaita mapoka ezvipiriso paJerusarema panguva yemitambo yaro yakatarwa. Saka maguta akaparadzwa achazadzwa namapoka avanhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

< יחזקאל 36 >