< יחזקאל 30 >

ויהי דבר יהוה אלי לאמר׃ 1
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
בן אדם הנבא ואמרת כה אמר אדני יהוה הילילו הה ליום׃ 2
“Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ungudza uti, “Haiwa, zuva iro!”
כי קרוב יום וקרוב יום ליהוה יום ענן עת גוים יהיה׃ 3
Nokuti zuva rava pedyo, zuva raJehovha rava pedyo, zuva ramakore, nguva yokuparadzwa kwendudzi.
ובאה חרב במצרים והיתה חלחלה בכוש בנפל חלל במצרים ולקחו המונה ונהרסו יסודתיה׃ 4
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.
כוש ופוט ולוד וכל הערב וכוב ובני ארץ הברית אתם בחרב יפלו׃ 5
Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.
כה אמר יהוה ונפלו סמכי מצרים וירד גאון עזה ממגדל סונה בחרב יפלו בה נאם אדני יהוה׃ 6
“‘Zvanzi naJehovha: “‘Vanotsigira Ijipiti vachawa uye simba rainozvikudza naro richapera. Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, vachaurayiwa nomunondo mukati pake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
ונשמו בתוך ארצות נשמות ועריו בתוך ערים נחרבות תהיינה׃ 7
Vachaparadzwa pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta avo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.
וידעו כי אני יהוה בתתי אש במצרים ונשברו כל עזריה׃ 8
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.
ביום ההוא יצאו מלאכים מלפני בצים להחריד את כוש בטח והיתה חלחלה בהם ביום מצרים כי הנה באה׃ 9
“‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.
כה אמר אדני יהוה והשבתי את המון מצרים ביד נבוכדראצר מלך בבל׃ 10
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
הוא ועמו אתו עריצי גוים מובאים לשחת הארץ והריקו חרבותם על מצרים ומלאו את הארץ חלל׃ 11
Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyiswa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa.
ונתתי יארים חרבה ומכרתי את הארץ ביד רעים והשמתי ארץ ומלאה ביד זרים אני יהוה דברתי׃ 12
Ndichaomesa hova dzeNairi, uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa; namaoko avatorwa ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi. Ini Jehovha ndazvitaura.
כה אמר אדני יהוה והאבדתי גלולים והשבתי אלילים מנף ונשיא מארץ מצרים לא יהיה עוד ונתתי יראה בארץ מצרים׃ 13
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ndichaparadza zvifananidzo uye ndichagumisa mifananidzo yeMemufisi. MuIjipiti hamuchazovizve nomuchinda, uye ndichaparadzira kutya munyika yose.
והשמתי את פתרוס ונתתי אש בצען ועשיתי שפטים בנא׃ 14
Ndichaita kuti Patirosi ive dongo, ndichapisa Zoani, uye ndicharanga Tebhesi.
ושפכתי חמתי על סין מעוז מצרים והכרתי את המון נא׃ 15
Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami, iyo nhare yeIjipiti, uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.
ונתתי אש במצרים חול תחיל סין ונא תהיה להבקע ונף צרי יומם׃ 16
Ndichapisa Ijipiti; Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa. Tebhesi richakukurwa nedutu; Memufisi ichagara iri munhamo.
בחורי און ופי בסת בחרב יפלו והנה בשבי תלכנה׃ 17
Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi achaurayiwa nomunondo, uye maguta achatapwa.
ובתחפנחס חשך היום בשברי שם את מטות מצרים ונשבת בה גאון עזה היא ענן יכסנה ובנותיה בשבי תלכנה׃ 18
Zuva iroro richava rerima paTapanhesi, pandichavhuna joko reIjipiti; kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo. Richafukidzwa namakore, uye misha yaro ichatapwa.
ועשיתי שפטים במצרים וידעו כי אני יהוה׃ 19
Saka ndicharanga Ijipiti, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
ויהי באחת עשרה שנה בראשון בשבעה לחדש היה דבר יהוה אלי לאמר׃ 20
Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
בן אדם את זרוע פרעה מלך מצרים שברתי והנה לא חבשה לתת רפאות לשום חתול לחבשה לחזקה לתפש בחרב׃ 21
“Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo.
לכן כה אמר אדני יהוה הנני אל פרעה מלך מצרים ושברתי את זרעתיו את החזקה ואת הנשברת והפלתי את החרב מידו׃ 22
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake.
והפצותי את מצרים בגוים וזריתם בארצות׃ 23
Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose.
וחזקתי את זרעות מלך בבל ונתתי את חרבי בידו ושברתי את זרעות פרעה ונאק נאקות חלל לפניו׃ 24
Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa.
והחזקתי את זרעות מלך בבל וזרעות פרעה תפלנה וידעו כי אני יהוה בתתי חרבי ביד מלך בבל ונטה אותה אל ארץ מצרים׃ 25
Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.
והפצותי את מצרים בגוים וזריתי אותם בארצות וידעו כי אני יהוה׃ 26
Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

< יחזקאל 30 >