< אסתר 9 >

ובשנים עשר חדש הוא חדש אדר בשלושה עשר יום בו אשר הגיע דבר המלך ודתו להעשות ביום אשר שברו איבי היהודים לשלוט בהם ונהפוך הוא אשר ישלטו היהודים המה בשנאיהם׃ 1
Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha vakava noruoko rune simba pamusoro paavo vaivavenga.
נקהלו היהודים בעריהם בכל מדינות המלך אחשורוש לשלח יד במבקשי רעתם ואיש לא עמד לפניהם כי נפל פחדם על כל העמים׃ 2
VaJudha vakaungana mumaguta avo munyika dzose dzaMambo Zekisesi kuti varwise avo vaitsvaka kuparadzwa kwavo.
וכל שרי המדינות והאחשדרפנים והפחות ועשי המלאכה אשר למלך מנשאים את היהודים כי נפל פחד מרדכי עליהם׃ 3
Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai.
כי גדול מרדכי בבית המלך ושמעו הולך בכל המדינות כי האיש מרדכי הולך וגדול׃ 4
Modhekai akanga ari mukuru mukuru mumuzinda; mbiri yake yakapararira munyika yose, uye akava nesimba rakaramba richikura.
ויכו היהודים בכל איביהם מכת חרב והרג ואבדן ויעשו בשנאיהם כרצונם׃ 5
VaJudha vakabaya vavengi vavo vose nomunondo, vakavauraya vakavaparadza, uye vakaita zvavaida kune avo vaivavenga.
ובשושן הבירה הרגו היהודים ואבד חמש מאות איש׃ 6
VaJudha vakauraya uye vakaparadza varume vanokwana mazana mashanu munhare yeShushani.
ואת פרשנדתא ואת דלפון ואת אספתא׃ 7
Vakaurayawo Parishandota, Dharifona, Asipata,
ואת פורתא ואת אדליא ואת ארידתא׃ 8
Porata, Adharia, Aridhata,
ואת פרמשתא ואת אריסי ואת ארדי ואת ויזתא׃ 9
Pamashita, Arisai, Aridhai naVhaizata,
עשרת בני המן בן המדתא צרר היהודים הרגו ובבזה לא שלחו את ידם׃ 10
vanakomana gumi vaHamani, mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha. Asi havana kubata zvakapambwa.
ביום ההוא בא מספר ההרוגים בשושן הבירה לפני המלך׃ 11
Vakaurayiwa munhare yeShushani vakaziviswa kuna mambo zuva iroro.
ויאמר המלך לאסתר המלכה בשושן הבירה הרגו היהודים ואבד חמש מאות איש ואת עשרת בני המן בשאר מדינות המלך מה עשו ומה שאלתך וינתן לך ומה בקשתך עוד ותעש׃ 12
Mambo akati kuna Esteri, “VaJudha vauraya uye vaparadza mazana mashanu avarume uye vanakomana gumi vaHamani munhare yeShushani. Vaitei kune dzimwe nzvimbo dzenyika yamambo? Zvino chikumbiro chako ndechei? Uchapiwa. Chichemo chako ndechei? Uchachiitirwawo.”
ותאמר אסתר אם על המלך טוב ינתן גם מחר ליהודים אשר בשושן לעשות כדת היום ואת עשרת בני המן יתלו על העץ׃ 13
Esteri akapindura akati, “Kana mambo achifara nazvo, ipai vaJudha vari muShushani mvumo yokuendererazve mberi mangwana nechirevo chezuva ranhasi, uye ngazviitike kuti vanakomana gumi vaHamani vasungirirwe pamatanda.”
ויאמר המלך להעשות כן ותנתן דת בשושן ואת עשרת בני המן תלו׃ 14
Saka mambo akarayira kuti izvi zviitwe. Chirevo chakapiwa muShushani, ndokubva vasungirira vanakomana gumi vaHamani.
ויקהלו היהודיים אשר בשושן גם ביום ארבעה עשר לחדש אדר ויהרגו בשושן שלש מאות איש ובבזה לא שלחו את ידם׃ 15
VaJudha vaiva muShushani vakaungana pamwe chete pazuva regumi namana romwedzi waAdhari, uye vakauraya mazana matatu avarume muShushani, asi havana kubata zvakapambwa.
ושאר היהודים אשר במדינות המלך נקהלו ועמד על נפשם ונוח מאיביהם והרג בשנאיהם חמשה ושבעים אלף ובבזה לא שלחו את ידם׃ 16
Zvichakadaro, vakasara vavaJudha vaiva munyika yamambo vakaunganawo kuti vazvidzivirire uye kuti vanunurwe kubva kuvavengi vavo. Vakauraya zviuru makumi manomwe nezvishanu asi havana kubata zvakapambwa.
ביום שלשה עשר לחדש אדר ונוח בארבעה עשר בו ועשה אתו יום משתה ושמחה׃ 17
Izvi zvakaitika pazuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, ndokubva vazorora pazuva regumi namana, vakariita zuva ramabiko nomufaro.
והיהודיים אשר בשושן נקהלו בשלשה עשר בו ובארבעה עשר בו ונוח בחמשה עשר בו ועשה אתו יום משתה ושמחה׃ 18
Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro.
על כן היהודים הפרוזים הישבים בערי הפרזות עשים את יום ארבעה עשר לחדש אדר שמחה ומשתה ויום טוב ומשלוח מנות איש לרעהו׃ 19
Ndokusaka vaJudha vomumaruwa, vanogara mumisha, vachicherechedza zuva regumi namana romwedzi waAdhari sezuva romufaro namabiko, zuva rokupana zvipo.
ויכתב מרדכי את הדברים האלה וישלח ספרים אל כל היהודים אשר בכל מדינות המלך אחשורוש הקרובים והרחוקים׃ 20
Modhekai akanyora zvakaitika izvi, ndokutuma matsamba kuvaJudha vose vaiva munyika yose yaMambo Zekisesi, vaiva pedyo nevaiva kure,
לקים עליהם להיות עשים את יום ארבעה עשר לחדש אדר ואת יום חמשה עשר בו בכל שנה ושנה׃ 21
achivaudza kuti vapemberere gore negore zuva regumi namana neregumi namashanu romwedzi waAdhari,
כימים אשר נחו בהם היהודים מאויביהם והחדש אשר נהפך להם מיגון לשמחה ומאבל ליום טוב לעשות אותם ימי משתה ושמחה ומשלוח מנות איש לרעהו ומתנות לאביונים׃ 22
senguva yakawanikwa rusununguko navaJudha kubva kuvavengi vavo, uye somwedzi uyo kusuruvara kwavo kwakashandurwa kukava mufaro, uye kuchema kwavo kukashandurwa kukava zuva rokupembera. Akavanyorera kuti vacherechedze mazuva aya samazuva amabiko nomufaro vachipana zvipo zvezvokudya, mumwe nomumwe, uyewo nokuvarombo.
וקבל היהודים את אשר החלו לעשות ואת אשר כתב מרדכי אליהם׃ 23
Naizvozvo vaJudha vakabvumirana kuita zvavakanga vatanga, nokuita zvavakanga vanyorerwa naModhekai.
כי המן בן המדתא האגגי צרר כל היהודים חשב על היהודים לאבדם והפיל פור הוא הגורל להמם ולאבדם׃ 24
Nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha vose, akanga aronga kuparadza vaJudha uye akanga akanda puri, ndiwo mujenya, kuti vaparadzwe uye vaparadzwe zvachose.
ובבאה לפני המלך אמר עם הספר ישוב מחשבתו הרעה אשר חשב על היהודים על ראשו ותלו אתו ואת בניו על העץ׃ 25
Asi shoko iri rakati rasvika munzeve dzamambo, akanyora achirayira kuti zano rakaipa iri rakanga rarongwa naHamani rokurwisa vaJudha ridzokere pamusoro pake iye uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda.
על כן קראו לימים האלה פורים על שם הפור על כן על כל דברי האגרת הזאת ומה ראו על ככה ומה הגיע אליהם׃ 26
(Naizvozvo mazuva aya akadaidzwa kuti Purimu, kubva pavara rokuti puri.) Nokuda kwezvakanyorwa zvose mutsamba uye nokuda kwezvavakanga vaona, nezvakaitika kwavari,
קימו וקבל היהודים עליהם ועל זרעם ועל כל הנלוים עליהם ולא יעבור להיות עשים את שני הימים האלה ככתבם וכזמנם בכל שנה ושנה׃ 27
vaJudha vakasarudza kusimbisa tsika yokuti ivo navana vavo navose vaizobatana navo vaifanira kucherechedza mazuva maviri aya gore negore vasingatongoregi, sezvazvakanga zvakanyorwa uye nenguva dzakatarwa.
והימים האלה נזכרים ונעשים בכל דור ודור משפחה ומשפחה מדינה ומדינה ועיר ועיר וימי הפורים האלה לא יעברו מתוך היהודים וזכרם לא יסוף מזרעם׃ 28
Mazuva aya anofanira kurangarirwa agocherechedzwa, murudzi rumwe norumwe, mumhuri imwe neimwe, munyika imwe neimwe uye nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo.
ותכתב אסתר המלכה בת אביחיל ומרדכי היהודי את כל תקף לקים את אגרת הפורים הזאת השנית׃ 29
Saka vaHosi Esteri, mwanasikana waAbhihairi, pamwe chete naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rizere vachisimbisa tsamba iyi yechipiri maererano nePurimu.
וישלח ספרים אל כל היהודים אל שבע ועשרים ומאה מדינה מלכות אחשורוש דברי שלום ואמת׃ 30
Uye Modhekai akatumira tsamba kuvaJudha vose vaiva munyika zana namakumi maviri nenomwe dzoumambo hwaZekisesi, mashoko orugare nezvokwadi,
לקים את ימי הפרים האלה בזמניהם כאשר קים עליהם מרדכי היהודי ואסתר המלכה וכאשר קימו על נפשם ועל זרעם דברי הצמות וזעקתם׃ 31
kuti asimbise mazuva aya ePurimu panguva dzaakatsaurirwa, sokurayirwa kwazvakaitwa naModhekai muJudha navaHosi Esteri, uye sezvavakanga vazvimisira ivo navana vavo munguva dzavo dzokutsanya nokuchema.
ומאמר אסתר קים דברי הפרים האלה ונכתב בספר׃ 32
Chirevo chaEsteri chakasimbisa mitemo yePurimu, uye chakanyorwa mubhuku.

< אסתר 9 >