< קֹהֶלֶת 7 >

טוב שם משמן טוב ויום המות מיום הולדו׃ 1
Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.
טוב ללכת אל בית אבל מלכת אל בית משתה באשר הוא סוף כל האדם והחי יתן אל לבו׃ 2
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.
טוב כעס משחק כי ברע פנים ייטב לב׃ 3
Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo.
לב חכמים בבית אבל ולב כסילים בבית שמחה׃ 4
Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro.
טוב לשמע גערת חכם מאיש שמע שיר כסילים׃ 5
Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera, pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.
כי כקול הסירים תחת הסיר כן שחק הכסיל וגם זה הבל׃ 6
Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo.
כי העשק יהולל חכם ויאבד את לב מתנה׃ 7
Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo.
טוב אחרית דבר מראשיתו טוב ארך רוח מגבה רוח׃ 8
Magumo echinhu anopfuura mavambo acho, uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza.
אל תבהל ברוחך לכעוס כי כעס בחיק כסילים ינוח׃ 9
Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.
אל תאמר מה היה שהימים הראשנים היו טובים מאלה כי לא מחכמה שאלת על זה׃ 10
Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?” Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.
טובה חכמה עם נחלה ויתר לראי השמש׃ 11
Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka, uye hunobatsira avo vanoona zuva.
כי בצל החכמה בצל הכסף ויתרון דעת החכמה תחיה בעליה׃ 12
Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
ראה את מעשה האלהים כי מי יוכל לתקן את אשר עותו׃ 13
Cherechedza zvakaitwa naMwari: Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa?
ביום טובה היה בטוב וביום רעה ראה גם את זה לעמת זה עשה האלהים על דברת שלא ימצא האדם אחריו מאומה׃ 14
Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake.
את הכל ראיתי בימי הבלי יש צדיק אבד בצדקו ויש רשע מאריך ברעתו׃ 15
Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi: akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.
אל תהי צדיק הרבה ואל תתחכם יותר למה תשומם׃ 16
Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko?
אל תרשע הרבה ואל תהי סכל למה תמות בלא עתך׃ 17
Usava munhu akanyanyisa kuipa, uye usava benzi. Ungada kufa nguva yako isati yakwana?
טוב אשר תאחז בזה וגם מזה אל תנח את ידך כי ירא אלהים יצא את כלם׃ 18
Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu, uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda. Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza mwero.
החכמה תעז לחכם מעשרה שליטים אשר היו בעיר׃ 19
Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjera ave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta.
כי אדם אין צדיק בארץ אשר יעשה טוב ולא יחטא׃ 20
Hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka uye asingatadzi.
גם לכל הדברים אשר ידברו אל תתן לבך אשר לא תשמע את עבדך מקללך׃ 21
Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu, zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,
כי גם פעמים רבות ידע לבך אשר גם את קללת אחרים׃ 22
nokuti unoziva mumwoyo mako kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.
כל זה נסיתי בחכמה אמרתי אחכמה והיא רחוקה ממני׃ 23
Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati, “Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,” asi izvi zvaiva kure neni.
רחוק מה שהיה ועמק עמק מי ימצאנו׃ 24
Chii zvacho chingava uchenjeri, chiri kure kwazvo uye chakadzama, ndiani angachiwana?
סבותי אני ולבי לדעת ולתור ובקש חכמה וחשבון ולדעת רשע כסל והסכלות הוללות׃ 25
Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa, kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu, uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipa nomupengo hwoupenzi.
ומוצא אני מר ממות את האשה אשר היא מצודים וחרמים לבה אסורים ידיה טוב לפני האלהים ימלט ממנה וחוטא ילכד בה׃ 26
Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu, mukadzi anova musungo, mwoyo wake uri hunza uye maoko ake ari ngetani. Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari, asi mutadzi achabatwa naye.
ראה זה מצאתי אמרה קהלת אחת לאחת למצא חשבון׃ 27
Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana: “Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,
אשר עוד בקשה נפשי ולא מצאתי אדם אחד מאלף מצאתי ואשה בכל אלה לא מצאתי׃ 28
pandakanga ndichiri kutsvaka asi ndisina chandinowana, ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru, asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose.
לבד ראה זה מצאתי אשר עשה האלהים את האדם ישר והמה בקשו חשבנות רבים׃ 29
Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti: Mwari akaita vanhu vakarurama, asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.”

< קֹהֶלֶת 7 >