< מַעֲשֵׂי הַשְּׁלִיחִים 25 >

ויבא פסטוס אל המדינה ויעל אחרי שלשת ימים מקסרין לירושלים׃ 1
Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.
והכהן הגדול וראשי היהודים הודיעהו את ריבם עם פולוס׃ 2
Zvino mupristi mukuru nevakuru veVaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,
ויפצרו בו וישאלו ממנו לעשות חסד עמהם להביאו ירושלים והמה מתנכלים אתו להמיתו בדרך׃ 3
vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira.
ויען אותם פסטוס כי עצור פולוס בקסרין וכי גם הוא ישוב שמה בקרוב׃ 4
Asi Fesitasi wakapindura, kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.
ויאמר לכן ירדו אתי העצומים שבכם ואם יש מאום באיש הזה יענו בו׃ 5
Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.
וישב בתוכם יותר מימים עשרה וירד אל קסרין וממחרת ישב על כסא המשפט ויצו להביא את פולוס׃ 6
Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe.
הוא בא והיהודים אשר ירדו מירושלים סבבהו ויאשימו את פולוס באשמות רבות וקשות אשר לא יכלו להוכיח׃ 7
Zvino wakati asvika, VaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavakange vasingagoni kusimbisa,
והוא הצטדק לאמר לא חטאתי במאומה לא לדת היהודים ולא למקדש ולא לקיסר׃ 8
iye achizvidavirira akati: Kumurairo weVaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu.
ופסטוס חפץ להתרצות אל היהודים ויען את פולוס ויאמר התחפץ לעלות ירושלים להשפט על אלה לפני שמה׃ 9
Asi Fesitasi achida kufadza VaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?
ויאמר פולוס לפני כסא משפט הקיסר אני עמד ושם נכון לי להשפט לא הרעתי ליהודים כאשר ידעת היטב גם אתה׃ 10
Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuVaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo.
אם הרעתי ויש בי דבר משפט מות בל אחשך נפשי ממות ואם אין בי מאומה מכל אשר הם ענים בי איש לא יוכל להסגירני אל ידם את הקיסר אני קורא לדיני׃ 11
Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari.
ויועץ פסטוס עם יועציו ויען אתו לאמר את הקיסר קראת אל הקיסר תלך׃ 12
Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.
ויהי אחרי ימים וירדו המלך אגרפס וברניקה אל קסרין לשאל לשלום פסטוס׃ 13
Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi.
ויהי כי ארכו להם הימים שם ויספר פסטוס למלך את ריב פולוס לאמר יש פה איש אשר פיליכס הניחו אסור׃ 14
Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa,
ובהיותי בירושלים דברו אלי ראשי הכהנים וזקני היהודים על אדותיו ויבקשו ממני לחרץ משפטו׃ 15
wandakati pandakange ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru veVaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye.
ואען אותם כי אין מנהג הרומיים למגן איש לאבד בטרם יעמד הנשטן לנכח שטניו ונתן לו מקום להצטדק מן השטנה׃ 16
Vandakapindura, kuti haisi tsika yeVaRoma kukumikidza pachena chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva.
ולכן כאשר באו הנה יחד חשתי ולא התמהמהתי כי ממחרת היום ישבתי על כסא המשפט ואצוה להביא את האיש׃ 17
Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe.
ויעמדו עליו שטניו ולא הביאו עליו דבר רע מאשר הייתי חשד אתו׃ 18
Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini,
רק היו להם דברי ריבת לנגדו על עבודת אלהיהם ועל מת אחד ישוע שמו אשר אמר עליו פולוס כי הוא חי׃ 19
asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu wakange afa, Pauro waaiti mupenyu.
ותכבד בעיני השאלה הזאת ואמר החפץ אתה ללכת ירושלים ולהשפט שם על אלה׃ 20
Zvino ini zvandakange ndisina chokwadzi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.
אבל פולוס שאל להניחו במשמר עד צאת משפטו מלפני אגוסטוס ואצוה לשמרו עד אשר אשלח אתו אל הקיסר׃ 21
Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
ויאמר אגרפס אל פסטוס גם אני חפץ לשמע את האיש ויאמר מחר תשמענו׃ 22
Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
ויהי ממחרת כבוא אגרפס וברניקה בהוד גדול ויבאו אל אלם המשמעת המה ושרי האלף ונגידי העיר ויצו פסטוס ויביאו את פולוס׃ 23
Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, vakauya naPauro.
ויאמר פסטוס אגרפס המלך וכל האישים אשר אתם פה אתנו הנכם ראים את האיש אשר בעבורו פגעו בי כל המון היהודים גם בירושלים וגם פה ויצעקו כי אינו בדין שיחיה עוד׃ 24
Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vese vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chese cheVaJudha wachakandikumbira zvese paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.
ואני כאשר הכרתי כי לא עשה דבר לחיבו מיתה והוא גם הוא קרא את אגוסטוס לדינו יעצתי לשלח אתו שמה׃ 25
Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira.
אך אין לי לכתב עליו דבר נכון לאדנינו ובעבור זאת הביאתיו לפניכם וביותר לפניך המלך אגרפס למען יחקר וידעתי מה אכתב׃ 26
Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora.
כי לא יתכן בעיני לשלוח אסיר מבלי הודיע גם את עלילת הדברים אשר שמו לו׃ 27
Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.

< מַעֲשֵׂי הַשְּׁלִיחִים 25 >