< מַעֲשֵׂי הַשְּׁלִיחִים 24 >
וירד חנניה הכהן הגדול אחרי חמשת ימים ואתו הזקנים וטרטלוס איש דברים ויודיעו את ההגמון את דבר ריבם עם פולוס׃ | 1 |
Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesaria navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati.
ויהי כאשר קראו לו ויחל טרטלוס לשטנו ויאמר׃ | 2 |
Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kunzwisisa kwenyu kwakashandura rudzi urwu.
את אשר ישבנו על ידך בשלום רב ואשר נעשו תקנות רבות לעם הזה בהשגחתך נקבל על כל פנים ובכל מקום בכל תודה פיליכס האדיר׃ | 3 |
Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitoo yose kwose kwose.
אך לבלתי הלאותך הרבה אתחנן אליך אשר תשמענו בקצר דברינו כחמלתך׃ | 4 |
Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku.
כי מצאנו את האיש הזה כקטב ומגרה מדינים בין כל היהודים על פני תבל והוא ראש כת הנצרים׃ | 5 |
“Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta
והוא גם נסה לחלל את המקדש ונתפש אותו ונחפץ לשפטו על פי תורתנו׃ | 6 |
uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata.
ויבא עלינו לוסיאס שר האלף ברב כח ויחטפהו מידינו׃ | 7 |
Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba.
ויצו את שטניו כי בוא יבאו לפניך ואתה כי תחקר אתו תוכל לדעת מפיהו את כל הדברים האלה אשר אנחנו טענים עליו׃ | 8 |
Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.”
וימלאו היהודים את דבריו לאמר כי כן הוא׃ | 9 |
VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.
וירמז ההגמון אל פולוס לדבר ויען ויאמר יען אשר ידעתי כי זה כמה שנים שופט אתה לעם הזה הנני מצטדק בלב בטוח על עניני׃ | 10 |
Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire.
אתה תוכל לדעת אשר לא עברו יותר משנים עשר יום מעת עלותי ירושלים להשתחות׃ | 11 |
Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema.
ולא במקדש מצאוני מתוכח עם איש או מעורר מהומה בעם ולא בבתי הכנסיות ולא בעיר׃ | 12 |
Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta.
גם אין ביכלתם להוכיח עלי את אשר עתה הם שטנים אותי׃ | 13 |
Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira.
אבל את זאת מודה אני לפניך כי בדרך ההיא אשר יקראוה בשם כת בה אני עבד את אלהי אבותינו בהאמיני בכל הכתוב בתורה ובנביאים׃ | 14 |
Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muVaprofita,
ותקותי לאלהים אשר גם הם יחכו לה זאת היא כי עתידה להיות תחית המתים לצדיקים ולרשעים׃ | 15 |
uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa.
ובזאת גם עמלתי להיות תמים לב לאלהים ולאדם תמיד׃ | 16 |
Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu.
ומקץ שנים רבות באתי להביא נדבות לעמי ולהקריב קרבן׃ | 17 |
“Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu.
ואהי מטהר במקדש לא בהמון עם ולא במהומה וכן מצאוני אנשים יהודים מאסיא׃ | 18 |
Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga.
אשר עליהם היה לעמד הנה לפניך ולענות בי אם היה להם דבר נגדי׃ | 19 |
Asi pane vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu, ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni.
או אלה ידברו נא המה מה מצאו בי עול בעמדי לפני הסנהדרין׃ | 20 |
Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha,
בלתי אם הדבר האחד ההוא אשר קראתי בעמדי בתוכם כי על תחית המתים אני נדון היום לפניכם׃ | 21 |
kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira pandakanga ndimire pamberi pavo kuti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’”
ויהי כשמע פיליכס את הדרים האלה ויאחר את דינם לעת אחרת כי עניני הדרך הזאת נודעו לו היטב ויאמר ברדת אלי לוסיאס שר האלף אשפט על דברכם׃ | 22 |
Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.”
ויצו את שר המאה לשום אתו במשמר ולתת לו רוחה ולבלתי מנע איש ממידעיו משרת אתו ומבוא אליו׃ | 23 |
Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi ave akasununguka uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda.
ואחרי ימים אחדים בא פיליכס עם אשתו דרוסלה והיא יהודית וישלח לקרא לפולוס וישמע אתו על דבר האמונה במשיח׃ | 24 |
Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu.
ויהי כדברו על הצדק והפרישות ועל הדין העתיד לבוא ויחרד פיליכס ויען עתה זה לך ולכשאפנה אשוב לקרא לך׃ | 25 |
Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.”
והוא מקוה כי פולוס יתן לו שחד למען יתירהו ובעבור זה קרא לו פעמים הרבה וידבר עמו׃ | 26 |
Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye.
ויהי מקץ שנתים ימים ויקם פרקיוס פסטוס תחת פיליכס ופיליכס חפץ להתרצות אל היהודים ויעזב את פולוס חבוש בבית האסורים׃ | 27 |
Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo.