< מַעֲשֵׂי הַשְּׁלִיחִים 14 >

ויהי באיקניון ויבאו יחדו אל בית כנסת היהודים וידברו שם עד כי האמין המון רב מן היהודים ומן היונים׃ 1
Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge reVaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru cheVaJudha necheVaGirikiwo chakatenda.
אך היהודים אשר לא האמינו עוררו והכעיסו את נפשות הגוים על האחים׃ 2
Asi VaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.
וישבו שם ימים רבים וילמדו בבטחונם ביהוה העמיד על דבר חסדו בעשותו על ידם אתות ומופתים׃ 3
Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.
ויחלק המון העיר לחצי אלה נטו אחרי היהודים ואלה אחרי השליחים׃ 4
Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva neVaJudha, vamwewo nevaapositori.
ויהי רגשת הגוים והיהודים עם ראשיהם להתעלל בהם ולסקלם׃ 5
Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekweVaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,
ויודע להם ויברחו לערי לוקוניא אל לוסטרא ודרבי וסביבותן׃ 6
vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;
ויבשרו שם הבשורה׃ 7
neipapo vakaparidza evhangeri.
ואיש נכה רגלים היה בלוסטרא והוא ישב פסח מבטן אמו ולא הלך מימיו׃ 8
Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
וישמע את פולוס מדבר והוא הסתכל בו וירא כי אמונה בו להושע׃ 9
Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe,
ויאמר בקול גדול עמד הכן על רגליך וידלג ויתהלך׃ 10
akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.
והמון העם כראותם את אשר עשה פולוס נשאו את קולם ויאמרו בלשון לוקונית ירדו אלינו האלהים בדמות אנשים׃ 11
Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.
ויקראו לבר נבא בל ולפולוס קראו הרמיס באשר הוא ראש המדברים׃ 12
Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.
וכהן בית בל אשר מחוץ לעירם הביא השערה שורים ועטרות ויחפץ לזבח הוא והמון העם׃ 13
Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga.
ויהי כשמע זאת השליחים פולוס ובר נבא ויקרעו את בגדיהם וירוצו אל תוך העם׃ 14
Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,
ויצעקו לאמר אנשים למה תעשו כזאת גם אנחנו בני אדם חלשים כמוכם ונבשרה אתכם למען שוב תשובו מן הבליכם אלה אל אלהים חיים אשר עשה את השמים ואת הארץ ואת הים ואת כל אשר בם׃ 15
ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri.
ואשר בדרות קדם הניח לכל הגוים ללכת בדרכיהם׃ 16
Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vese kufamba nenzira dzavo.
וגם לא חדל להעיד על עצמו וייטב לנו בתתו מטר מן השמים ועתות שבע וימלא לבותינו מזון וששון׃ 17
Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro.
ואף בדברים האלה כמעט לא עצרו כח לכלוא את העם מזבח להם׃ 18
Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.
ויבאו שמה יהודים מן אנטיוכיא ומן איקניון ויסיתו את העם וירגמו את פולוס באבנים ויסחבהו חוצה לעיר בחשבם כי מת׃ 19
Asi kwakasvika VaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa.
ויסבו אתו התלמידים ויקם ויבא העירה וממחרת יצא אל דרבי הוא ובר נבא׃ 20
Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.
ויבשרו את הבשורה בעיר ההיא ואחרי העמידם תלמידים הרבה שבו אל לוסטרא ואיקניון ואנטיוכיא׃ 21
Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya,
ויחזקו את נפשות התלמידים ויזהירו אתם לעמד באמונה וכי רק בצרות רבות בוא נבוא אל מלכות האלהים׃ 22
vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.
ויבחרו להם זקנים בכל קהלה וקהלה ויתפללו ויצומו ויפקידום ביד האדון אשר האמינו בו׃ 23
Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.
ויעברו בפיסדיא ויבאו אל פמפוליא׃ 24
Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.
וישמיעו את דבר יהוה בפרגי וירדו אל אטליא׃ 25
Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;
ומשם באו באניה אל אנטיוכיא אשר נמסרו שם לחסד אלהים על המלאכה אשר מלאו אתה׃ 26
vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravakange vapedzisa.
ובבאם שמה הקהילו את העדה ויגידו את כל אשר עשה אתם האלהים ואת אשר פתח לגוים פתח האמונה׃ 27
Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvese Mwari zvaakange aita navo, uye kuti wakange azarurira vahedheni mukova werutendo.
וישבו שם עם התלמידים ימים לא מעטים׃ 28
Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.

< מַעֲשֵׂי הַשְּׁלִיחִים 14 >