< 2 טימותי 3 >

וזאת תדע כי באחרית הימים יבאו עתים קשות׃ 1
Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.
כי יהיו האנשים אהבי עצמם ואהבי בצע והוללים וגאים ומגדפים וממרים באבותם וכפויי טובה ולא חסידים׃ 2
Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,
חסרי אהבה ובוגדים ומלשינים וזוללים ואכרזים ושנאי טוב׃ 3
vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,
ומסרים ופחזים וגבהי רוח והלכים אחרי תענוגים יותר מאחרי האלהים׃ 4
vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari,
ואשר דמיון חסידות להם ומכחשים בכחה ואתה סור מאלה׃ 5
vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo.
כי יש בהם הבאים בלאט אל הבתים ושבים נשים טעונות חטאים ונתעות בתאות שנות׃ 6
Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana,
הלמדות תמיד ולעולם אינן יכלות לבוא לידיעת האמת׃ 7
vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.
כי כמו יניס וימבריס אשר קמו על משה כן גם אלה מתקוממים אל האמת אנשים אשר נשחתה דעתם ונמאסים בדבר האמונה׃ 8
Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo.
אכן לא יוסיפו להצליח כי שגעונם יגלה לכל כאשר קרה גם את האנשים ההם׃ 9
Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo.
אבל אתה הלכת אחרי בהוראה ובהנהגה וברצון ובאמונה ובארך הרוח ובאהבה ובסבלנות׃ 10
Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,
וברדיפות ובענוים אשר מצאוני באנטיוכיא ובאקוניא ובלוסטרא ואלה הרדיפות סבלתי ומכלן הצילני האדון׃ 11
kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese.
וגם כל החפצים לחיות חיי חסידות במשיח ישוע המה ירדפו׃ 12
Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa;
ואנשים רעים וקסמים יוסיפו סרה מתעים ונתעים׃ 13
asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.
אבל אתה עמד במה שלמדת והבטחת כי יודע אתה מי הוא אשר למדת ממנו׃ 14
Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,
ומנעוריך ידעת את כתבי הקדש היכלים להחכימך אל הישועה על ידי האמונה במשיח ישוע׃ 15
uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.
כי כל הכתוב נכתב ברוח אלהים גם מועיל להורת ולהוכיח ולישר וליסר בצדק׃ 16
Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama;
למען אשר יהיה איש האלהים תמים ומהיר לכל מעשה טוב׃ 17
kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka.

< 2 טימותי 3 >