< 2 טימותי 3 >
וזאת תדע כי באחרית הימים יבאו עתים קשות׃ | 1 |
Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira.
כי יהיו האנשים אהבי עצמם ואהבי בצע והוללים וגאים ומגדפים וממרים באבותם וכפויי טובה ולא חסידים׃ | 2 |
Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene,
חסרי אהבה ובוגדים ומלשינים וזוללים ואכרזים ושנאי טוב׃ | 3 |
vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka,
ומסרים ופחזים וגבהי רוח והלכים אחרי תענוגים יותר מאחרי האלהים׃ | 4 |
vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari;
ואשר דמיון חסידות להם ומכחשים בכחה ואתה סור מאלה׃ | 5 |
vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.
כי יש בהם הבאים בלאט אל הבתים ושבים נשים טעונות חטאים ונתעות בתאות שנות׃ | 6 |
Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji,
הלמדות תמיד ולעולם אינן יכלות לבוא לידיעת האמת׃ | 7 |
vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi.
כי כמו יניס וימבריס אשר קמו על משה כן גם אלה מתקוממים אל האמת אנשים אשר נשחתה דעתם ונמאסים בדבר האמונה׃ | 8 |
Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika.
אכן לא יוסיפו להצליח כי שגעונם יגלה לכל כאשר קרה גם את האנשים ההם׃ | 9 |
Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.
אבל אתה הלכת אחרי בהוראה ובהנהגה וברצון ובאמונה ובארך הרוח ובאהבה ובסבלנות׃ | 10 |
Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,
וברדיפות ובענוים אשר מצאוני באנטיוכיא ובאקוניא ובלוסטרא ואלה הרדיפות סבלתי ומכלן הצילני האדון׃ | 11 |
matambudziko, nhamo, nezvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, nokutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose.
וגם כל החפצים לחיות חיי חסידות במשיח ישוע המה ירדפו׃ | 12 |
Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,
ואנשים רעים וקסמים יוסיפו סרה מתעים ונתעים׃ | 13 |
asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa.
אבל אתה עמד במה שלמדת והבטחת כי יודע אתה מי הוא אשר למדת ממנו׃ | 14 |
Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani,
ומנעוריך ידעת את כתבי הקדש היכלים להחכימך אל הישועה על ידי האמונה במשיח ישוע׃ | 15 |
uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.
כי כל הכתוב נכתב ברוח אלהים גם מועיל להורת ולהוכיח ולישר וליסר בצדק׃ | 16 |
Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,
למען אשר יהיה איש האלהים תמים ומהיר לכל מעשה טוב׃ | 17 |
kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.