< שמואל ב 9 >

ויאמר דוד הכי יש עוד אשר נותר לבית שאול ואעשה עמו חסד בעבור יהונתן׃ 1
Dhavhidhi akabvunza akati, “Ko, kuchine mumwe akasara here weimba yaSauro wandingaitira tsitsi nokuda kwaJonatani?”
ולבית שאול עבד ושמו ציבא ויקראו לו אל דוד ויאמר המלך אליו האתה ציבא ויאמר עבדך׃ 2
Zvino kwakanga kuno muranda weimba yaSauro ainzi Zibha. Vakamudana kuti auye kuna Dhavhidhi, mambo akati kwaari, “Ndiwe Zibha here?” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”
ויאמר המלך האפס עוד איש לבית שאול ואעשה עמו חסד אלהים ויאמר ציבא אל המלך עוד בן ליהונתן נכה רגלים׃ 3
Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari here?” Zibha akapindura mambo akati, “Kuchine mwanakomana waJonatani; akaremara makumbo ose.”
ויאמר לו המלך איפה הוא ויאמר ציבא אל המלך הנה הוא בית מכיר בן עמיאל בלו דבר׃ 4
Mambo akabvunza akati, “Aripiko?” Zibha akapindura akati, “Ari kuimba yaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo Dhebhari.”
וישלח המלך דוד ויקחהו מבית מכיר בן עמיאל מלו דבר׃ 5
Saka Mambo Dhavhidhi akarayira kuti andotorwa kubva kuRo Dhebhari, pamba paMakiri mwanakomana waAmieri.
ויבא מפיבשת בן יהונתן בן שאול אל דוד ויפל על פניו וישתחו ויאמר דוד מפיבשת ויאמר הנה עבדך׃ 6
Zvino Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro akati asvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake kuti aratidze rukudzo. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”
ויאמר לו דוד אל תירא כי עשה אעשה עמך חסד בעבור יהונתן אביך והשבתי לך את כל שדה שאול אביך ואתה תאכל לחם על שלחני תמיד׃ 7
Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.”
וישתחו ויאמר מה עבדך כי פנית אל הכלב המת אשר כמוני׃ 8
Mefibhosheti akakotamira pasi akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamunorangarira imbwa yakafa yakaita seni?”
ויקרא המלך אל ציבא נער שאול ויאמר אליו כל אשר היה לשאול ולכל ביתו נתתי לבן אדניך׃ 9
Ipapo mambo akadana Zibha, muranda waSauro, akati kwaari, “Ndapa muzukuru wavatenzi vako zvose zvakanga zviri zvaSauro nemhuri yake.
ועבדת לו את האדמה אתה ובניך ועבדיך והבאת והיה לבן אדניך לחם ואכלו ומפיבשת בן אדניך יאכל תמיד לחם על שלחני ולציבא חמשה עשר בנים ועשרים עבדים׃ 10
Iwe navana vako navaranda vako ndimi muchamurimira minda mugokohwa zvirimwa, kuti muzukuru wavatenzi vako awane zvokudya. Mefibhosheti, muzukuru wavatenzi vako, achadya patafura yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navanakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri.
ויאמר ציבא אל המלך ככל אשר יצוה אדני המלך את עבדו כן יעשה עבדך ומפיבשת אכל על שלחני כאחד מבני המלך׃ 11
Ipapo Zibha akati kuna mambo, “Muranda wenyu achaita zvose zvamunomurayira kuti aite imi, ishe wangu namambo. Naizvozvo Mefibhosheti akadya patafura yaDhavhidhi somumwe wavanakomana vamambo.”
ולמפיבשת בן קטן ושמו מיכא וכל מושב בית ציבא עבדים למפיבשת׃ 12
Mefibhosheti akanga ane mwanakomana mudiki ainzi Mika, uye vose veimba yaZibha vakanga vari varanda vaMefibhosheti.
ומפיבשת ישב בירושלם כי על שלחן המלך תמיד הוא אכל והוא פסח שתי רגליו׃ 13
Saka Mefibhosheti akagara muJerusarema nokuti aigara achidya patafura yamambo, uye akanga akaremara tsoka dzake dzose.

< שמואל ב 9 >