< שמואל ב 22 >

וידבר דוד ליהוה את דברי השירה הזאת ביום הציל יהוה אתו מכף כל איביו ומכף שאול׃ 1
Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.
ויאמר יהוה סלעי ומצדתי ומפלטי לי׃ 2
Akati: “Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu;
אלהי צורי אחסה בו מגני וקרן ישעי משגבי ומנוסי משעי מחמס תשעני׃ 3
Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
מהלל אקרא יהוה ומאיבי אושע׃ 4
Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
כי אפפני משברי מות נחלי בליעל יבעתני׃ 5
“Mafungu orufu akandikomba; mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
חבלי שאול סבני קדמני מקשי מות׃ (Sheol h7585) 6
Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakandivinga. (Sheol h7585)
בצר לי אקרא יהוה ואל אלהי אקרא וישמע מהיכלו קולי ושועתי באזניו׃ 7
Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadanidzira kuna Mwari wangu. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.
ותגעש ותרעש הארץ מוסדות השמים ירגזו ויתגעשו כי חרה לו׃ 8
“Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka; dzakadedera nokuti akanga atsamwa.
עלה עשן באפו ואש מפיו תאכל גחלים בערו ממנו׃ 9
Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akapfutamo.
ויט שמים וירד וערפל תחת רגליו׃ 10
Akakamura matenga akaburuka pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
וירכב על כרוב ויעף וירא על כנפי רוח׃ 11
Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka mudenga denga pamapapiro emhepo.
וישת חשך סביבתיו סכות חשרת מים עבי שחקים׃ 12
Akaita kuti rima rimupoteredze setende, iwo makore matema emvura yokudenga.
מנגה נגדו בערו גחלי אש׃ 13
Kubva pakupenya kwokuvapo kwake mabhananʼana emheni akapenya.
ירעם מן שמים יהוה ועליון יתן קולו׃ 14
Jehovha akatinhira ari kudenga; inzwi reWokumusoro-soro rakanzwikazve.
וישלח חצים ויפיצם ברק ויהמם׃ 15
Akapfura miseve akaparadzira vavengi, mabhananʼana emheni akavaparadza.
ויראו אפקי ים יגלו מסדות תבל בגערת יהוה מנשמת רוח אפו׃ 16
Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha, nokufema kwomweya wemhino dzake.
ישלח ממרום יקחני ימשני ממים רבים׃ 17
“Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata; akandibudisa kubva pamvura yakadzika.
יצילני מאיבי עז משנאי כי אמצו ממני׃ 18
Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba.
יקדמני ביום אידי ויהי יהוה משען לי׃ 19
Vakandivinga muzuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
ויצא למרחב אתי יחלצני כי חפץ בי׃ 20
Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
יגמלני יהוה כצדקתי כבר ידי ישיב לי׃ 21
“Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu; maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
כי שמרתי דרכי יהוה ולא רשעתי מאלהי׃ 22
Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
כי כל משפטו לנגדי וחקתיו לא אסור ממנה׃ 23
Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka kubva pamitemo yake.
ואהיה תמים לו ואשתמרה מעוני׃ 24
Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
וישב יהוה לי כצדקתי כברי לנגד עיניו׃ 25
Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu, maererano nokuchema kwangu pamberi pake.
עם חסיד תתחסד עם גבור תמים תתמם׃ 26
“Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
עם נבר תתבר ועם עקש תתפל׃ 27
kune vakachena munozviratidza makachena, asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
ואת עם עני תושיע ועיניך על רמים תשפיל׃ 28
Munoponesa vanozvininipisa, asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
כי אתה נירי יהוה ויהוה יגיה חשכי׃ 29
Imi muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.
כי בכה ארוץ גדוד באלהי אדלג שור׃ 30
Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
האל תמים דרכו אמרת יהוה צרופה מגן הוא לכל החסים בו׃ 31
“Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
כי מי אל מבלעדי יהוה ומי צור מבלעדי אלהינו׃ 32
Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
האל מעוזי חיל ויתר תמים דרכו׃ 33
NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.
משוה רגליו כאילות ועל במותי יעמדני׃ 34
Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
מלמד ידי למלחמה ונחת קשת נחושה זרעתי׃ 35
Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.
ותתן לי מגן ישעך וענתך תרבני׃ 36
Munondipa nhoo yenyu yokukunda, munokotamira pasi kuti mundikurise.
תרחיב צעדי תחתני ולא מעדו קרסלי׃ 37
Munotambanudza nzira pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.
ארדפה איבי ואשמידם ולא אשוב עד כלותם׃ 38
“Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza; handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
ואכלם ואמחצם ולא יקומון ויפלו תחת רגלי׃ 39
Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
ותזרני חיל למלחמה תכריע קמי תחתני׃ 40
Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
ואיבי תתה לי ערף משנאי ואצמיתם׃ 41
Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.
ישעו ואין משיע אל יהוה ולא ענם׃ 42
Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.
ואשחקם כעפר ארץ כטיט חוצות אדקם ארקעם׃ 43
Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika; ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.
ותפלטני מריבי עמי תשמרני לראש גוים עם לא ידעתי יעבדני׃ 44
“Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu; makandichengetedza somutungamiri wendudzi. Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.
בני נכר יתכחשו לי לשמוע אזן ישמעו לי׃ 45
Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera.
בני נכר יבלו ויחגרו ממסגרותם׃ 46
Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.
חי יהוה וברוך צורי וירם אלהי צור ישעי׃ 47
“Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!
האל הנתן נקמת לי ומוריד עמים תחתני׃ 48
Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,
ומוציאי מאיבי ומקמי תרוממני מאיש חמסים תצילני׃ 49
anondisunungura kubva kuvavengi vangu. Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu; kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.
על כן אודך יהוה בגוים ולשמך אזמר׃ 50
Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi; ndicharumbidza zita renyu nenziyo.
מגדיל ישועות מלכו ועשה חסד למשיחו לדוד ולזרעו עד עולם׃ 51
“Iye anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”

< שמואל ב 22 >