< הַשֵּׁנִית לְפֶטְרוֹס 1 >

שמעון פטרוס עבד ישוע המשיח ושליחו אל אשר קבלו אמונה יקרה כשלנו בצדקת אלהינו ומושיענו ישוע המשיח׃ 1
Simoni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu mukururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu:
חסד ושלום יהיו לכם למכביר בדעת האלהים וישוע אדנינו׃ 2
Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu.
באשר גבורתו האלהית נתנה לנו את כל אשר לחיים ולחסידות על ידי דעת הקורא אתנו בכבודו וחילו׃ 3
Sesimba rake reuMwari rakatipa zvinhu zvese zveupenyu nekunamata Mwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidana kubudikidza nekubwinya uye kunaka;
אשר בהם נתן לנו הבטחות גדלות מאד ויקרות למען תקחו על ידן חלק בטבע אלהים בהמלטכם מכליון התאוה אשר בעולם׃ 4
akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti naizvozvi muve vagovani vechizvarirwo cheuMwari, mapukunyuka kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.
בעבור זאת השתדלו להעמיד באמונתכם את הצדקה ובצדקה את הדעת׃ 5
Zvino nekuda kweizviwo maita kushingaira kwese, wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo,
ובדעת את הפרישות ובפרישות את הסבלנות ובסבלנות את החסידות׃ 6
neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora moyo murefu, nepamoyo murefu kunamata Mwari,
ובחסידות את האחוה ובאחוה את האהבה׃ 7
nepakunamata Mwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo.
כי אם אלה תמצאנה ותרבינה בכם לא תתנה אתכם להיות בטלים ובלא עשות פרי לדעת אדנינו ישוע המשיח׃ 8
Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda, hazvikuitii vasingashandi kana vanoshaiwa zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
כי האיש אשר אין אלה לו עור הוא קצר הראות ושכח את טהרתו מחטאתיו הראשנות׃ 9
Nokuti asina zvinhu izvi, ibofu, anoonera pedo, wakanganwa kunatswa kwezvivi zvake zvekare.
לכן אחי הוסיפו והשתדלו לחזק את קריאתכם ובחירתכם כי בעשותכם זאת כשול לא תכשלו׃ 10
Naizvozvo, hama, shingairai zvikuru kusimbisa kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi narinhi.
כי כן יפתח לפניכם לרוחה המבוא אל מלכות עולם אשר לאדנינו ומושיענו ישוע המשיח׃ (aiōnios g166) 11
Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. (aiōnios g166)
על כן לא אחדל להזכירכם על אלה בכל עת גם כי ידעתם והתכוננתם באמת אשר היא לפנינו׃ 12
Naizvozvo handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzese, kunyange muchiziva, uye makasimbiswa pachokwadi chiripo.
ואחשב כי נכון להזכיר ולהעיר אתכם כל ימי היותי במשכן הזה׃ 13
Uye ndinoona zvakanaka kuti kana ndichingori mutabhenakeri ino chete ndikumutsei nechiyeuchidzo;
באשר ידעתי כי מהר יעתק משכני כאשר גם גלה לי אדנינו ישוע המשיח׃ 14
ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetabhenakeri yangu, Ishe wedu Jesu Kristuwo sezvaakandiratidza.
ואשתדל שיהיה לכם תמיד גם אחרי פטירתי זכרון הדברים האלה׃ 15
Asi neni ndichashingaira kuti nguva dzese shure kwekuenda kwangu muve nechiyeuchidzo chezvinhu izvi.
כי הודענו אתכם גבורת אדנינו ישוע המשיח ובאו לא בלכתנו אחרי הגדות מחכמות כי אם ראות היו עינינו את גדלתו׃ 16
Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nenjere patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takange tiri vakazvionera kubwinya kwake.
כי לקח מאת אלהים האב יקר וכבוד בבא אליו קול מתוך הדרת כבודו לאמר זה בני ידידי רצתה נפשי בו׃ 17
Nokuti wakagamuchira kubva kuna Mwari Baba rukudzo nekubwinya, inzwi rakadai parakasvika kwaari pakubwinya kukuru-kuru richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodika, wandinofara maari ini;
ואת הקול הזה שמענו באזנינו יצא משמים בהיותנו עמו בהר הקדש׃ 18
uye inzwi iri isu takarinzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene.
ועתה דבר הנבואה יותר קים אתנו והטיבתם עשות אשר שתם לבכם אליו כמו אל נר מאיר במקום אפל עד כי יבקע אור היום וזרח כוכב הנגה בלבבכם׃ 19
Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu;
וזאת תדעו ראשונה אשר כל נבואת המקרא איננה תלה בפתרון אדם מלבו׃ 20
muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yemwene wacho.
כי מעולם לא יצאה נבואה ברצון האדם כי אם ברוח הקדש אשר נשאם דברו אנשי אלהים הקדושים׃ 21
Nokuti hakuna kumbouyiswa chiporofita nechido chemunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachisundwa neMweya Mutsvene.

< הַשֵּׁנִית לְפֶטְרוֹס 1 >