< הָשֵּׁנִית אֶל־הַקּוֹרִנְתִּיִים 12 >

אמנם להתהלל לא יועיל לי כי אבוא למראות האדון וחזינותיו׃ 1
Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
ידעתי איש במשיח זה ארבע עשרה שנה אם היה בגוף לא ידעתי או מחוץ לגוף לא ידעתי האלהים יודע והאיש ההוא לקח עד לרקיע השלישי׃ 2
Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva.
וידעתי את האיש ההוא אם בגוף או מחוץ לגוף לא ידעתי האלהים יודע׃ 3
Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva,
אשר העלה אל הפרדס וישמע דברים נסתרים אשר נמנע מאיש למללם׃ 4
akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure.
על איש כמוהו אתהלל אך על עצמי לא אתהלל זולתי בחלשותי׃ 5
Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu.
כי לו חפצתי להתהלל לא אהיה סכל כי אמת אדבר אבל אתאפק פן יחשבני איש יותר ממה שיראה בי או שישמע ממני׃ 6
Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana zvandinotaura.
ולמען אשר לא אתרומם ברב גדל החזינות נתן לי סלון בבשרי מלאך השטן להכתני באגרוף למען לא אתרומם׃ 7
Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti unditambudze.
על זאת התחננתי שלש פעמים אל האדון להסירו ממני׃ 8
Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri.
ויאמר אלי די לך חסדי כי בחלשה תשלם גבורתי על כן שמח לבי להתהלל בחלשותי למען תשרה עלי גבורת המשיח׃ 9
Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
לכן רצתה נפשי בחלשות ובחרפות ובצרות וברדיפות ובמצוקות בעד המשיח כי כאשר חלשתי אז גבור אני׃ 10
Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.
סכל הייתי בהתהללי אתם הכרחתם אתי תחת אשר היה עליכם להזכירני לשבח כי לא נפל אנכי במאומה מן השליחים הגדולים כל כך אף כי כאין אנכי׃ 11
Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu.
הן אתות השליח נעשו בקרבכם בכל סבלנות באתות ובמופתים ובגבורות׃ 12
Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru.
כי במה נגרעתם מן הקהלות האחרות אם לא הלאיתי אתכם סלחו נא לי את העולה הזאת׃ 13
Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku!
הנני מוכן לבוא אליכם פעם שלישית ולא אלאה אתכם כי לא אבקש את אשר לכם כי אם אתכם כי הבנים אינם חיבים לאצר אוצרות לאבות כי אם האבות לבנים׃ 14
Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana.
אבל אני בכל חפץ לבבי אפזר וגם אפזר בעד נפשותיכם אף אם תחת אהבתי לכם היתרה אתם תמעיטו את אהבתכם אלי׃ 15
Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here?
אך אם כן הוא ואני לא הכבדתי עליכם אולי כאיש ערום במרמה לכדתי אתכם׃ 16
Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano!
האף הוניתי אתכם ביד אחד מאלה אשר שלחתי אליכם׃ 17
Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri?
בקשתי מן טיטוס ושלחתי אתו את האח הכי הונה אתכם טיטוס הלא ברוח אחד התהלכנו הלא במעגל אחד׃ 18
Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete?
התחשבו עוד כי מתנצלים אנחנו אליכם לא כי לפני האלהים נדבר במשיח וכל זאת חביבי למען תבנו׃ 19
Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe.
כי ירא אנכי פן בבאי לא אמצא אתכם כאשר חפצתי ואתם גם אתם לא תמצאו אתי כאשר חפצתם פן יהיה בכם מצה וקנאה ורגז ומריבות ודבה רעה ורכילות וגאות ומבוכה׃ 20
Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso.
פן אשוב לבוא וישפילני אלהי אצלכם ואתאבל על רבים אשר חטאו כבר ולא שבו מן הטמאה ומן הזנות ומן הזמה אשר עשו׃ 21
Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.

< הָשֵּׁנִית אֶל־הַקּוֹרִנְתִּיִים 12 >