< דברי הימים ב 31 >
וככלות כל זאת יצאו כל ישראל הנמצאים לערי יהודה וישברו המצבות ויגדעו האשרים וינתצו את הבמות ואת המזבחת מכל יהודה ובנימן ובאפרים ומנשה עד לכלה וישובו כל בני ישראל איש לאחזתו לעריהם׃ | 1 |
Izvi zvose pazvakapera, vaIsraeri vakanga varipo vakabuda vakaenda kumaguta eJudha vakaputsa matombo ose anoera uye vakatema matanda aAshera. Vakaparadza nzvimbo dzakakwirira nearitari muJudha yose neBhenjamini nomuEfuremu neManase. Vapedza kuparadza zvose vaIsraeri vakadzokera kumaguta avo nokuzvinhu zvavo.
ויעמד יחזקיהו את מחלקות הכהנים והלוים על מחלקותם איש כפי עבדתו לכהנים וללוים לעלה ולשלמים לשרת ולהדות ולהלל בשערי מחנות יהוה׃ | 2 |
Hezekia akaisa vaprista navaRevhi mumapoka avo mumwe nomumwe wavo mumabasa avo savaprista kana kuti vaRevhi kuti vape zvipiriso zvinopiswa nezvipo zvokuyananisa kuti vashumire, kuti varonge uye kuti vaimbe nziyo dzokurumbidza pamasuo enzvimbo yaJehovha yokugara.
ומנת המלך מן רכושו לעלות לעלות הבקר והערב והעלות לשבתות ולחדשים ולמעדים ככתוב בתורת יהוה׃ | 3 |
Mambo akapawo kubva mupfuma yake zvipiriso zvinoitwa mangwanani nemadekwana, nezvipiriso zvinopiswa zvamaSabata, zvoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakatarwa sezvazvakanyorwa muMurayiro waJehovha.
ויאמר לעם ליושבי ירושלם לתת מנת הכהנים והלוים למען יחזקו בתורת יהוה׃ | 4 |
Akarayira vanhu vaigara muJerusarema kuti vape zvakakodzera kupiwa vaprista navaRevhi kuti ivo vazvipire kuMurayiro waJehovha.
וכפרץ הדבר הרבו בני ישראל ראשית דגן תירוש ויצהר ודבש וכל תבואת שדה ומעשר הכל לרב הביאו׃ | 5 |
Shoko parakangoenda, vaIsraeri vakapa zvakawanda zvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvavo, waini itsva, mafuta nouchi nezvose zvakabuda muminda yavo. Vakauyisa zvakawanda, chegumi chezvose.
ובני ישראל ויהודה היושבים בערי יהודה גם הם מעשר בקר וצאן ומעשר קדשים המקדשים ליהוה אלהיהם הביאו ויתנו ערמות ערמות׃ | 6 |
Varume veIsraeri neJudha vaigara mumaguta eJudha vakauyisa chegumi chamatanga avo nechegumi chezvinhu zvitsvene zvakakumikidzwa kuna Jehovha Mwari wavo, uye vakazviisa mumatutu matatu.
בחדש השלשי החלו הערמות ליסוד ובחדש השביעי כלו׃ | 7 |
Vakatanga kuita izvi mumwedzi wechitatu vakazopedza mumwedzi wechinomwe.
ויבאו יחזקיהו והשרים ויראו את הערמות ויברכו את יהוה ואת עמו ישראל׃ | 8 |
Hezekia namakurukota ake pavakauya vakaona matutu ezvinhu, vakarumbidza Jehovha uye vakaropafadza vanhu vake Israeri.
וידרש יחזקיהו על הכהנים והלוים על הערמות׃ | 9 |
Hezekia akabvunza vaprista navaRevhi nezvamatutu aya.
ויאמר אליו עזריהו הכהן הראש לבית צדוק ויאמר מהחל התרומה לביא בית יהוה אכול ושבוע והותר עד לרוב כי יהוה ברך את עמו והנותר את ההמון הזה׃ | 10 |
Azaria muprista mukuru kubva kuimba yaZadhoki akapindura achiti, “Kubva zvakatanga vanhu kuuyisa zvipo zvavo kutemberi yaJehovha, takawana zvokudya zvakatiringana, nezvizhinji zvaisara, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake, uye izvi zvizhinji ndizvo zvakasara.”
ויאמר יחזקיהו להכין לשכות בבית יהוה ויכינו׃ | 11 |
Hezekia akarayira kuti kugadzirwe matura okuchengetera zvinhu mutemberi yaJehovha, izvi zvikaitwa.
ויביאו את התרומה והמעשר והקדשים באמונה ועליהם נגיד כונניהו הלוי ושמעי אחיהו משנה׃ | 12 |
Ipapo vakauyisa zvipo zvavo vakatendeka, nezvegumi nezvipo zvakakumikidzwa. Konania muRevhi ndiye aiva mutariri wezvinhu izvi uye mununʼuna wake Shimei ndiye aimutevera.
ויחיאל ועזזיהו ונחת ועשהאל וירימות ויוזבד ואליאל ויסמכיהו ומחת ובניהו פקידים מיד כונניהו ושמעי אחיו במפקד יחזקיהו המלך ועזריהו נגיד בית האלהים׃ | 13 |
Jehieri, Azazia, Nahati, Asaheri, Jerimoti, Jozabhadhi, Erieri, Isimakia, Mahati, naBhenaya vaiva vatariri vari pasi paKonania naShimei mununʼuna wake, sokupiwa basa kwavakaitwa naMambo Hezekia naAzaria muchinda aiona nezvetemberi yaMwari.
וקורא בן ימנה הלוי השוער למזרחה על נדבות האלהים לתת תרומת יהוה וקדשי הקדשים׃ | 14 |
Kore mwanakomana waImina muRevhi, muchengeti weSuo rokumabvazuva, ndiye aichengeta zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Mwari achizogovera zvipo zvaipiwa kuna Jehovha pamwe chete nezvipo zvakatsaurwa.
ועל ידו עדן ומנימן וישוע ושמעיהו אמריהו ושכניהו בערי הכהנים באמונה לתת לאחיהם במחלקות כגדול כקטן׃ | 15 |
Edheni, Miniamini, Jeshua, Shemaya, Amaria naShekania vakamubatsira vakatendeka mumaguta avaprista, vachigovera vamwe vaprista mumapoka avo, vakuru navadiki zvakafanana.
מלבד התיחשם לזכרים מבן שלוש שנים ולמעלה לכל הבא לבית יהוה לדבר יום ביומו לעבודתם במשמרותם כמחלקותיהם׃ | 16 |
Pamusoro pezvo vakagovera kuvanhurume vaiva namakore matatu zvichikwira avo vaiva namazita avo akanyorwa mumagwaro enhoroondo, vose avo vaizopinda mutemberi yaJehovha kuti vaite mabasa ezuva nezuva akasiyana-siyana, zvichienderana nezvavakatarirwa kuti vaite uye namapoka avo.
ואת התיחש הכהנים לבית אבותיהם והלוים מבן עשרים שנה ולמעלה במשמרותיהם במחלקותיהם׃ | 17 |
Uye vakagovera kuvaprista sokunyorwa kwazvakaitwa munhoroondo yavo mumhuri dzavo, uye saizvozvowo kuvaRevhi, vaiva namakore makumi maviri zvichikwira zvichienderana namabasa avo namapoka avo.
ולהתיחש בכל טפם נשיהם ובניהם ובנותיהם לכל קהל כי באמונתם יתקדשו קדש׃ | 18 |
Vaisanganiswa vadiki vose, vakadzi, navanakomana navanasikana venzvimbo yose vakanyorwa munhoroondo nokuti vakanga vakatendeka pakuzvinatsa.
ולבני אהרן הכהנים בשדי מגרש עריהם בכל עיר ועיר אנשים אשר נקבו בשמות לתת מנות לכל זכר בכהנים ולכל התיחש בלוים׃ | 19 |
Kuvaprista, zvizvarwa zvaAroni vaigara mumaruwa akanga akakomberedza maguta avo kana mune mamwe maguta, varume vakapiwa mabasa namazita avo kuti vape migove kuno murume mumwe nomumwe aiva pakati pavo nokuna vose vakanga vakanyorwa mumabhuku enhoroondo dzavaRevhi.
ויעש כזאת יחזקיהו בכל יהודה ויעש הטוב והישר והאמת לפני יהוה אלהיו׃ | 20 |
Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
ובכל מעשה אשר החל בעבודת בית האלהים ובתורה ובמצוה לדרש לאלהיו בכל לבבו עשה והצליח׃ | 21 |
Mune zvose zvaakaita mukushandira temberi yaMwari uye mukutevera murayiro nezvakarayirwa, akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira.