< 1 טימותי 3 >
אמת הדבר איש כי יבקש לו פקידות הוא מתאוה מעשה טוב׃ | 1 |
Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka.
ופקיד העדה צריך להיות איש אשר אין בו דפי בעל אשה אחת משל ברוחו צנוע ונחמד לבריות מכניס ארחים ומבין ללמד ולא אהב יין ולא נוח להכות ולא בצע בצע רע׃ | 2 |
Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa,
כי אם דן לכף זכות ולא בעל קטטה ולא אהב כסף׃ | 3 |
asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari;
ויהי מנהיג את ביתו בטוב ומדריך את בניו למשמעתו בכל הישר׃ | 4 |
anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwese,
כי אם לא ידע איש להנהיג את ביתו איככה יוכל לדאג לעדת אלהים׃ | 5 |
nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari?
ואל יהי תלמיד הדש למען לא ירהב לבו ויפל בדין המשטין׃ | 6 |
Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi.
והוא גם צריך לשם טוב בפי אלה אשר בחוץ פן יפל בחרפה ובמוקש המשטין׃ | 7 |
Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.
וכן גם השמשים יהיו ישרים ולא מחליקי לשון ולא אהבים סבא יין ולא נטים אחרי בצע רע׃ | 8 |
Saizvozvo vadhikoni ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa,
כי אם ישמרו את סוד האמונה ברוח טהורה׃ | 9 |
vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.
וגם אלה יבחנו בראשונה ואחר כן ישמשו אם אין בהם דפי׃ | 10 |
Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa.
וככה הנשים תהיינה ישרות ולא מלשינות משלות ברוחן ונאמנות בכל׃ | 11 |
Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvese.
השמשים יהיו כל אחד בעל אשה אחת ומנהלים בטוב את בניהם ואת בתיהם׃ | 12 |
Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka.
כי המשמשים היטב יקנו לעצמם מעלה טובה ובטחון רב באמונת המשיח ישוע׃ | 13 |
Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.
זאת אני כתב אליך ואקוה לבא אליך במהרה׃ | 14 |
Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;
ואם אחר הנה תדע איך להתנהג בבית האלהים שהיא עדת אלהים חיים עמוד האמת ומכונה׃ | 15 |
asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.
ובודי גדול סוד החסידות אלהים נגלה בבשר נצדק ברוח נראה למלאכים הגד בגוים נתקבל באמונה בעולם נעלה בכבוד׃ | 16 |
Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.