< 1 סלוניס 2 >

כי אתם אחי הנכם ידעים את מבואנו אליכם כי לא היה לריק׃ 1
Nokuti munoziva imwi, hama, kupinda kwedu kwamuri, kuti hakuna kuva pasina;
אך אחרי אשר ענינו ולחרפות היינו בפילפי כאשר ידעתם התחזקנו באלהינו להגיד גם לכם את הבשורה בנפתולים רבים׃ 2
asi kunyange takambotambudzika nekuitirwa zvakaipa, sezvamunoziva, paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari pakati pekupikiswa kukuru.
כי תוכחתנו איננה מתוך טעות וגם לא מתוך טמאה ולא ברמיה׃ 3
Nokuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, uye haina kubva patsvina, hainawo kubva pamano-mano;
כי אם כאשר נחשבנו נאמנים לאלהים להפקיד בידנו את הבשורה כן נדבר ולא כחפצים להיות רצוים לבני אדם כי אם לאלהים הבחן לבותנו׃ 4
asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozvo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari anoidza moyo yedu.
כי מעולם לא דברנו בשפת חלקות כאשר ידעתם וגם לא למען בצע בצע האלהים עד׃ 5
Nokuti hatina kutongouya nemashoko ekubata kumeso, sezvamunoziva, kana nemano-mano eruchiva; Mwari chapupu;
גם לא בקשנו מן האדם כבוד לא מכם ולא מאחרים אף כי היה לנו מקום להתכבד כשליחי המשיח׃ 6
tisingatsvaki rukudzo kuvanhu, kana rwunobva kwamuri kana kuvamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu.
אבל הלכנו לאט בתוככם כאמנת מפנקת את בניה׃ 7
Asi takange tiri vanyoro pakati penyu, semureri achivaraidza vana vake;
ובחבבנו ככה אתכם חפצנו לתת לכם לא לבד את בשורת האלהים כי גם את נפשתינו יען כי הייתם חביבים עלינו׃ 8
sezvatinokushuvai kwazvo, takada zvikuru kukupai kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yedu pacheduwo, nokuti makange muri vadikanwi kwatiri.
הלא תזכרו אחי את יגיעתנו ואת תלאתנו אשר היינו עמלים לילה ויומם לבלתי היות למשא לאיש בבשרנו בקרבכם את בשורת האלהים׃ 9
Nokuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwisa kwedu; nokuti taibata siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari.
עדים אתם ועד האלהים כי בקדש ובצדק ובתמים היינו עמכם המאמינים׃ 10
Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taiva vatsvene sei uye takarurama tisina chatingapomerwa kwamuri vanotenda.
ואתם ידעתם כי כאב את בניו הזהרנו את כל אחד מכם ודברנו על לבו׃ 11
Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu, sababa kuvana vavo takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura,
ונעד בכם ללכת כראוי לפני האלהים הקורא אתכם למלכותו ולכבודו׃ 12
kuti mufambe zvakafanira Mwari, anokudanirai kuushe hwake nekubwinya.
בעבור זאת גם נודה תמיד לאלהים כי אתם בקבלכם מאתנו דבר שמועת האלהים לא קבלתם אותו כדבר בני אדם כי אם כמו שהוא באמת כדבר האלהים אשר הוא גם פעל בכם המאמינים׃ 13
Nekuda kwaizvozvi nesu hatimiri kuvonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira kwete seshoko revanhu, asi seriri chokwadi, shoko raMwari rinoshandawo mamuri imwi munotenda.
כי אתם אחי הלכתם בעקבי קהלות האלהים אשר בארץ יהודה במשיח ישוע כי סבלתם גם אתם כאלה על ידי בני שבטכם כאשר סבלו גם המה על ידי היהודים׃ 14
Nokuti imwi, hama, makava vateveri vemakereke aMwari ari muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti imwiwo makatambudzika zvakadaro kune vekwenyu momene, sezvavakatambudzwa ivowo neVaJudha,
אשר אף המיתו את האדון ישוע ואת נביאיהם ואותנו רדפו ואינם טובים בעיני אלהים ואיבים לכל אדם׃ 15
ndivowo vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishushawo isu, vasingafadziwo Mwari, uye vachipesana nevanhu vese,
המנעים אתנו מדבר אל הגוים כי יושעו למען אשר ימלאו את חטאתיהם בכל עת וישיגם החרון עד לכלה׃ 16
vachitidzivisa kutaurira vahedheni kuti vaponeswe, kuti vagare vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakasvika pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
ואנחנו אחי אחרי אשר שכלנו אתכם לזמן מעט בפנים ולא בלב השתדלנו ביותר לראות פניכם בתשוקה רבה׃ 17
Zvino isu, hama, sezvo takaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu.
ועל כן חפצנו לבוא אליכם אני פולוס פעם ושתים והשטן עצרנו׃ 18
Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru ini Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa.
כי מי תקותנו ומי שמחתנו ועטרת תפארתנו הלא גם אתם לפני אדנינו ישוע המשיח בבואו׃ 19
Nokuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamusi imwizve here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?
אמנם אתם כבודנו ושמחתנו׃ 20
Nokuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu.

< 1 סלוניס 2 >