< הָרִאשׁוֹנָה לְפֶטְרוֹס 1 >
פטרוס שליח ישוע המשיח אל תושבי תפוצות פנטוס גלטיא קפודקיא אסיא וביתוניא׃ | 1 |
Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvaeni vakasanangurwa vekupararira kwePonto, Garatia, Kapadhokiasi, Asia, neBhitiniasi,
הנבחרים מקדם כפי דעת אלהים האב בקדוש הרוח אל משמעת ישוע המשיח ואל הזית דמו חסד ושלום למכביר יהיו לכם׃ | 2 |
maererano nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba, mukuita vatsvene kweMweya, pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri.
ברוך האלהים אבי אדנינו ישוע המשיח אשר כרב רחמיו שב והוליד אתנו לתקוה חיה בהקמת ישוע המשיח מעם המתים׃ | 3 |
Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro inorarama kubudikidza nekumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
לנחלה אשר לא תשחת ולא תגאל ולא תבל הצפונה בשמים לכם׃ | 4 |
panhaka isingaori neisina kusvibiswa uye isingabvuruvari, yakachengeterwa imwi kumatenga,
הנשמרים בעז אלהים על יד האמונה לתשועה העתידה להגלות בעת קץ׃ | 5 |
imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuzarurwa panguva yekupedzisira.
אשר בה תגילו אתם המתעצבים עתה מעט לפי הצרך במסת שנות׃ | 6 |
Yamunofara mairi zvikuru, kunyange ikozvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa mumiedzo yakasiyana-siyana,
למען תמצא אמונתכם המזקקה יקרה הרבה מן הזהב האבד הצרוף באש לתהלה ולכבוד ולתפארת בהתגלות ישוע המשיח׃ | 7 |
kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwegoridhe rinoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa nerukudzo nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu;
אשר אהבתם ולא ראיתם ואשר עתה תאמינו בו בלא ראות אתו ובכן תגילו בשמחה מפארה עצמה מספר׃ | 8 |
iye musina kumuona munomuda; iye ikozvino musingamuoni asi munotenda kwaari, munofara nemufaro usingatauriki uye unorumbidzwa,
בקחתכם עקב אמונתכם תשועה לנפשתיכם׃ | 9 |
muchigamuchira mugumo werutendo rwenyu, ruponeso rwemweya yenyu.
את התשועה אשר עליה חקרו ודרשו הנביאים הנבאים על החסד השמור לכם׃ | 10 |
Nezveruponeso urwu vaporofita vakabvunzisisa nekunzvera, ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri;
בחקרם לדעת מתי ואיך תהיה העת אשר הודיעה רוח המשיח אשר בקרבם בהגידו מראש את ענויי המשיח ואת הגדלות אשר אחריהם׃ | 11 |
vachinzvera kuti panguva ipi kana yakadini Mweya waKristu akange ari mavari yaakaratidza, paakagara apupura matambudziko maererano naKristu, nekubwinya shure kweizvi.
ונגלה להם כי לא לפנשם כי אם לנו שרתו בדברים ההם אשר הגד לכם עתה על פי המבשרים אתכם ברוח הקדש השלוח משמים דברים אשר מלאכי אלהים חמדו להשקיף אל תוכם׃ | 12 |
Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari ivo, asi kwatiri vaishandira zvinhu izvi, zvamunoparidzirwa ikozvino nevakakuparidzirai evhangeri neMweya Mutsvene wakatumwa kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kunyatsoongorora.
לכן חגרו מתני שכלכם התעוררו וקוו קוה לחסד אשר יבואכם בהתגלות ישוע המשיח׃ | 13 |
Naizvozvo masunga zviuno zvemurangariro wenyu, zvidzorei, mutaririre zvakakwana kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu;
כבני משמעת אל תתנהגו בתאות אשר התאויתם בעוד היותכם בבלי דעת׃ | 14 |
sevana vanoteerera, musingazvifananidzi nekuchiva kwakare pakusaziva kwenyu.
כי אם היו קדשים בכל דרכיכם כאשר קדוש הוא אשר קרא אתכם׃ | 15 |
Asi sezvo wakakudanai ari mutsvene, nemwiwo ivai vatsvene pamafambiro ese;
כי על כן כתוב והייתם קדשים כי קדוש אני׃ | 16 |
nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.
ואם אב תקראו לאלהים השפט בבלי משא פנים כפי מעללי איש ואיש התהלכו נא ביראה בימי מגוריכם׃ | 17 |
Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura anotonga zvinoenderana nebasa reumwe neumwe, garai panguva yeutorwa hwenyu mukutya;
מדעתכם כי לא בדבר נפסד בכסף או בזהב נפדיתם מדרך הבלכם אשר הנחלתם מאת אבותיכם׃ | 18 |
muchiziva kuti hamuna kudzikunurwa nezvinoora, sirivheri kana goridhe, pamafambiro enyu asina maturo amakagamuchira kumadzibaba enyu;
כי אם בדם יקר של שה תמים ומום אין בו בדם המשיח׃ | 19 |
asi neropa rinokosha raKristu seregwayana risina charinopomerwa uye risina gwapa.
הנודע מראש לפני מוסדות תבל ונגלה באחרית הימים למענכם׃ | 20 |
Iye zvirokwazvo wakagara azikanwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa panguva dzekupedzisira nekuda kwenyu,
המאמינים על פיו באלהים אשר הקים אתו מעם המתים ויתן לו כבוד למען היות אמונתכם גם תקוה לאלהים׃ | 21 |
iye wamunotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kubva kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti rutendo rwenyu netariro zvive kuna Mwari.
זכו את נפשתיכם על ידי הרוח בשמעכם בקול האמת לאהבת אחים בלא חנפה ואהבתם איש את רעהו אהבה חזקה בלב טהור׃ | 22 |
Manatsa mweya yenyu pakuteerera chokwadi kubudikidza neMweya mukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wakachena;
כנולדים מחדש לא מזרע נשחת כי אם מזרע לא ישחת במאמר אלהים החי והקים לעולם׃ (aiōn ) | 23 |
maberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi. (aiōn )
כי כל בשר חציר וכל כבוד איש כציץ השדה יבש חציר נבל ציץ׃ | 24 |
Nokuti nyama yese yakaita seuswa, nekubwinya kwese kwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha;
ודבר יהוה יקום לעולם וזה הוא הדבר אשר בשר לכם׃ (aiōn ) | 25 |
asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Uye iri ishoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri. (aiōn )