< מלכים א 5 >

וישלח חירם מלך צור את עבדיו אל שלמה כי שמע כי אתו משחו למלך תחת אביהו כי אהב היה חירם לדוד כל הימים׃ 1
Hiramu mambo weTire akati anzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi, akatuma nhume dzake kuna Soromoni, nokuti Hiramu akanga agara ano ushamwari naDhavhidhi.
וישלח שלמה אל חירם לאמר׃ 2
Soromoni akatuma shoko kuna Hiramu akati:
אתה ידעת את דוד אבי כי לא יכל לבנות בית לשם יהוה אלהיו מפני המלחמה אשר סבבהו עד תת יהוה אתם תחת כפות רגלו׃ 3
“Munoziva kuti nokuda kwehondo dzairwisana nababa vangu Dhavhidhi kubva kumativi ose, haana kuzokwanisa kuvakira Zita raJehovha Mwari wake temberi, kusvikira Jehovha aisa vavengi vake pasi petsoka dzake.
ועתה הניח יהוה אלהי לי מסביב אין שטן ואין פגע רע׃ 4
Asi zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ose, hapachisina muvengi kana dambudziko.
והנני אמר לבנות בית לשם יהוה אלהי כאשר דבר יהוה אל דוד אבי לאמר בנך אשר אתן תחתיך על כסאך הוא יבנה הבית לשמי׃ 5
Naizvozvo ndinoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu temberi, sezvo Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Mwanakomana wako, uyo wandichagadza pachigaro choushe panzvimbo yako, achavakira zita rangu temberi iyi.’
ועתה צוה ויכרתו לי ארזים מן הלבנון ועבדי יהיו עם עבדיך ושכר עבדיך אתן לך ככל אשר תאמר כי אתה ידעת כי אין בנו איש ידע לכרת עצים כצדנים׃ 6
“Naizvozvo chirayirai kuti nditemerwe matanda emisidhari yeRebhanoni. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete navanhu venyu uye ndichakuripirai mari yamunenge mati iripirwe vanhu venyu. Munoziva kuti hatina kana munhu mumwe anogona kutema matanda sezvinoitwa navaSidhoni.”
ויהי כשמע חירם את דברי שלמה וישמח מאד ויאמר ברוך יהוה היום אשר נתן לדוד בן חכם על העם הרב הזה׃ 7
Hiramu akati anzwa shoko raSoromoni, akafara zvikuru, uye akati, “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi, nokuti apa Dhavhidhi mwanakomana ane uchenjeri kuti atonge rudzi rukuru urwu.”
וישלח חירם אל שלמה לאמר שמעתי את אשר שלחת אלי אני אעשה את כל חפצך בעצי ארזים ובעצי ברושים׃ 8
Saka Hiramu akatuma shoko kuna Soromoni achiti: “Ndagamuchira shoko ramanditumira navamakatuma uye ndichaita zvose zvamunoda ndigokupai matanda emisidhari nemisipuresi.
עבדי ירדו מן הלבנון ימה ואני אשימם דברות בים עד המקום אשר תשלח אלי ונפצתים שם ואתה תשא ואתה תעשה את חפצי לתת לחם ביתי׃ 9
Vanhu vangu vachatakura kubva kuRebhanoni kusvika kugungwa, uye, ndichaayeredza negungwa kunzvimbo yamunenge masarudza. Ikoko ndichapatsanura kuti mugogona kuatora moenda nawo. Imi mugondiitirawo chishuvo changu mugopa muzinda wangu zvokudya.”
ויהי חירום נתן לשלמה עצי ארזים ועצי ברושים כל חפצו׃ 10
Nenzira iyi Hiramu akapa Soromoni matanda ose emisidhari nemisipuresi aaida,
ושלמה נתן לחירם עשרים אלף כר חטים מכלת לביתו ועשרים כר שמן כתית כה יתן שלמה לחירם שנה בשנה׃ 11
uye Soromoni akapa Hiramu zviyero zviuru makumi maviri zvegorosi kuti zvidyiwe mumuzinda wake, pamwe chete nezviyero makumi maviri zvamafuta omuorivhi akasvinwa zvakakwana. Soromoni akaramba achiitira Hiramu zvinhu izvi gore negore.
ויהוה נתן חכמה לשלמה כאשר דבר לו ויהי שלם בין חירם ובין שלמה ויכרתו ברית שניהם׃ 12
Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa. Pakati paHiramu naSoromoni pakava norugare, uye vaviri ava vakanyorerana chibvumirano.
ויעל המלך שלמה מס מכל ישראל ויהי המס שלשים אלף איש׃ 13
Mambo Soromoni akaunganidza vanhu vechibharo muIsraeri yose, vanhu zviuru makumi matatu.
וישלחם לבנונה עשרת אלפים בחדש חליפות חדש יהיו בלבנון שנים חדשים בביתו ואדנירם על המס׃ 14
Akavatumira kuRebhanoni, zviuru gumi pamwedzi, zvokuti vaipedza mwedzi mumwe chete vari kuRebhanoni nemwedzi miviri vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru wechibharo.
ויהי לשלמה שבעים אלף נשא סבל ושמנים אלף חצב בהר׃ 15
Soromoni aiva navatakuri vezvinhu zviuru makumi manomwe uye vavezi vamatombo zviuru makumi masere mumakomo,
לבד משרי הנצבים לשלמה אשר על המלאכה שלשת אלפים ושלש מאות הרדים בעם העשים במלאכה׃ 16
pamwe chete navatariri vebasa zviuru zvitatu namazana matatu vaitungamirira basa nokuudza vashandi zvokuita.
ויצו המלך ויסעו אבנים גדלות אבנים יקרות ליסד הבית אבני גזית׃ 17
Mambo akarayira vakaputsa matombo makuru kwazvo, anokosha, kuti vavake hwaro hwetemberi namatombo akavezwa.
ויפסלו בני שלמה ובני חירום והגבלים ויכינו העצים והאבנים לבנות הבית׃ 18
Vavaki vaSoromoni, navavaki vaHiramu navaGebhari vakaveza matanda namatombo okuvakisa temberi.

< מלכים א 5 >