< מלכים א 2 >

ויקרבו ימי דוד למות ויצו את שלמה בנו לאמר׃ 1
Zvino nguva yokufa kwaDhavhidhi yakati yoswedera, akarayira Soromoni mwanakomana wake,
אנכי הלך בדרך כל הארץ וחזקת והיית לאיש׃ 2
achiti, “Ndava pedyo nokuenda nenzira yenyika yose. Naizvozvo iva munhu akasimba, uve murume,
ושמרת את משמרת יהוה אלהיך ללכת בדרכיו לשמר חקתיו מצותיו ומשפטיו ועדותיו ככתוב בתורת משה למען תשכיל את כל אשר תעשה ואת כל אשר תפנה שם׃ 3
ucherechedze zvose zvinodiwa naJehovha Mwari wako: Famba munzira dzake, chengeta zvaakatema, mirayiro yake, mitemo yake nezvaanoda, sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, kuti ugobudirira pazvose zvaunoita nakwose kwaunoenda.
למען יקים יהוה את דברו אשר דבר עלי לאמר אם ישמרו בניך את דרכם ללכת לפני באמת בכל לבבם ובכל נפשם לאמר לא יכרת לך איש מעל כסא ישראל׃ 4
Uye kuti Jehovha agosimbisa shoko rake raakataura pamusoro pangu rokuti, ‘Kana vana vako vakachenjerera nzira yavo, vakafamba pamberi pangu nokutendeka, nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, hapangashayikwi munhu achakutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’
וגם אתה ידעת את אשר עשה לי יואב בן צרויה אשר עשה לשני שרי צבאות ישראל לאבנר בן נר ולעמשא בן יתר ויהרגם וישם דמי מלחמה בשלם ויתן דמי מלחמה בחגרתו אשר במתניו ובנעלו אשר ברגליו׃ 5
“Zvino iwe pachako unoziva zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, zvaakaita kuvatungamiri vaviri vehondo dzaIsraeri, Abhuna mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akateura ropa ravo panguva yorugare sokunge vakanga vari muhondo, uye ropa iroro akarizora pabhanhire raiva muchiuno chake napashangu dzetsoka dzake.
ועשית כחכמתך ולא תורד שיבתו בשלם שאל׃ (Sheol h7585) 6
Ita zvaunogona naye nouchenjeri hwako, asi usatendera musoro wake wachena kuti upinde muguva norugare. (Sheol h7585)
ולבני ברזלי הגלעדי תעשה חסד והיו באכלי שלחנך כי כן קרבו אלי בברחי מפני אבשלום אחיך׃ 7
“Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizira wokuGireadhi, uye ngavave pakati paavo vanodya patafura yako. Vakamira neni pandakatiza mukoma wako Abhusaromu.
והנה עמך שמעי בן גרא בן הימיני מבחרים והוא קללני קללה נמרצת ביום לכתי מחנים והוא ירד לקראתי הירדן ואשבע לו ביהוה לאמר אם אמיתך בחרב׃ 8
“Rangarira kuti unayewo Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini wokuBhahurimu, uyo akandituka zvakaipa kwazvo musi wandakaenda kuMahanaimi. Paakadzika kuzosangana neni paJorodhani, ndakapika kwaari naJehovha ndikati, ‘Handisi kuzokuuraya nomunondo.’
ועתה אל תנקהו כי איש חכם אתה וידעת את אשר תעשה לו והורדת את שיבתו בדם שאול׃ (Sheol h7585) 9
Asi zvino usamutora somunhu asina mhosva. Iwe uri murume ane uchenjeri, uchaziva zvokuita naye. Uburutsire musoro wake wachena, kuguva muropa.” (Sheol h7585)
וישכב דוד עם אבתיו ויקבר בעיר דוד׃ 10
Ipapo Dhavhidhi akavata namadzibaba ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi.
והימים אשר מלך דוד על ישראל ארבעים שנה בחברון מלך שבע שנים ובירושלם מלך שלשים ושלש שנים׃ 11
Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni namakumi matatu namatatu muJerusarema.
ושלמה ישב על כסא דוד אביו ותכן מלכתו מאד׃ 12
Naizvozvo Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, ushe hwake hukasimbiswa.
ויבא אדניהו בן חגית אל בת שבע אם שלמה ותאמר השלום באך ויאמר שלום׃ 13
Zvino Adhoniya, mwanakomana waHagiti, akaenda kuna Bhatishebha, mai vaSoromoni. Bhatishebha akamubvunza akati, “Ko, wauya norugare here?” Iye akapindura akati, “Hongu, norugare.”
ויאמר דבר לי אליך ותאמר דבר׃ 14
Ipapo akaenderera mberi akati, “Ndine zvimwe zvandinoda kutaura kwamuri.” Iyewo akapindura akati, “Taura zvako.”
ויאמר את ידעת כי לי היתה המלוכה ועלי שמו כל ישראל פניהם למלך ותסב המלוכה ותהי לאחי כי מיהוה היתה לו׃ 15
Iye akati, “Sezvamunoziva, umambo hwaiva hwangu. VaIsraeri vose vaitarisira kuti ndichatonga. Asi zvinhu zvakashanduka, umambo hukaenda kumununʼuna wangu; nokuti hwakava hwake nokuda kwaJehovha.
ועתה שאלה אחת אנכי שאל מאתך אל תשבי את פני ותאמר אליו דבר׃ 16
Asi zvino ndinokumbira chinhu chimwe chete kwamuri, musandirambira.” Iye akati kwaari, “Taura zvako.”
ויאמר אמרי נא לשלמה המלך כי לא ישיב את פניך ויתן לי את אבישג השונמית לאשה׃ 17
Saka akaenderera mberi akati, “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni, haambokurambirai, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.”
ותאמר בת שבע טוב אנכי אדבר עליך אל המלך׃ 18
Bhatishebha akapindura akati, “Zvakanaka, ndichandosuma nyaya iyi kuna mambo.”
ותבא בת שבע אל המלך שלמה לדבר לו על אדניהו ויקם המלך לקראתה וישתחו לה וישב על כסאו וישם כסא לאם המלך ותשב לימינו׃ 19
Naizvozvo Bhatishebha akaenda kuna Mambo Soromoni kundosuma nyaya yaAdhoniya. Mambo akasimuka akasangana naye, akakotamira mai vake, akagara pachigaro chake choushe. Akarayira kuti chigaro choushe chiunzirwe mai vamambo, ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.
ותאמר שאלה אחת קטנה אנכי שאלת מאתך אל תשב את פני ויאמר לה המלך שאלי אמי כי לא אשיב את פניך׃ 20
Ipapo vakati, “Ndine chikumbiro chidiki kwauri. Usandirambira zvako.” Mambo akapindura akati, “Kumbirai henyu, mai, handikurambiriyi.”
ותאמר יתן את אבישג השנמית לאדניהו אחיך לאשה׃ 21
Ivo vakati, “Adhoniya mukoma wako, ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.”
ויען המלך שלמה ויאמר לאמו ולמה את שאלת את אבישג השנמית לאדניהו ושאלי לו את המלוכה כי הוא אחי הגדול ממני ולו ולאביתר הכהן וליואב בן צרויה׃ 22
Mambo Soromoni akapindura mai vake akati, “Sei muchikumbirira Adhoniya, Abhishagi muShunami? Mungatomukumbirirawo umambo, zvaari mukoma wangu, mumukumbirire iye naAbhiatari muprista, naJoabhu mwanakomana waZeruya.”
וישבע המלך שלמה ביהוה לאמר כה יעשה לי אלהים וכה יוסיף כי בנפשו דבר אדניהו את הדבר הזה׃ 23
Zvino Mambo Soromoni akapika naJehovha akati, “Mwari ngaandirange zvakaomarara kana Adhoniya akasaripa chikumbiro ichi noupenyu hwake!
ועתה חי יהוה אשר הכינני ויושיביני על כסא דוד אבי ואשר עשה לי בית כאשר דבר כי היום יומת אדניהו׃ 24
Zvino kana Jehovha wangu ari mupenyu, uyo akandisimbisa zvakakwana pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandigadzirira umambo sezvaakavimbisa, Adhoniya achaurayiwa nhasi.”
וישלח המלך שלמה ביד בניהו בן יהוידע ויפגע בו וימת׃ 25
Naizvozvo Mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuuraya.
ולאביתר הכהן אמר המלך ענתת לך על שדיך כי איש מות אתה וביום הזה לא אמיתך כי נשאת את ארון אדני יהוה לפני דוד אבי וכי התענית בכל אשר התענה אבי׃ 26
Mambo akati kuna Abhiatari muprista, “Dzokera kuAnatoti, kunyika yako. Unofanira kufa. Asi handisi kuzokuuraya iye zvino, nokuti wakatakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi ukatambudzika navo pamatambudziko avo ose.”
ויגרש שלמה את אביתר מהיות כהן ליהוה למלא את דבר יהוה אשר דבר על בית עלי בשלה׃ 27
Naizvozvo Soromoni akabvisa Abhiatari pauprista hwaJehovha, akazadzisa shoko rakanga rataurwa naJehovha paShiro pamusoro peimba yaEri.
והשמעה באה עד יואב כי יואב נטה אחרי אדניה ואחרי אבשלום לא נטה וינס יואב אל אהל יהוה ויחזק בקרנות המזבח׃ 28
Zvino shoko iri rakati rasvika kuna Joabhu, uyo akanga aita rangano naAdhoniya asi kwete naAbhusaromu, iye akatizira kutende raJehovha akandobata nyanga dzearitari.
ויגד למלך שלמה כי נס יואב אל אהל יהוה והנה אצל המזבח וישלח שלמה את בניהו בן יהוידע לאמר לך פגע בו׃ 29
Mambo Soromoni akaudzwa kuti Joabhu akanga atizira kutende raJehovha uye kuti akanga ari paaritari. Ipapo Soromoni akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akati, “Enda undomuuraya!”
ויבא בניהו אל אהל יהוה ויאמר אליו כה אמר המלך צא ויאמר לא כי פה אמות וישב בניהו את המלך דבר לאמר כה דבר יואב וכה ענני׃ 30
Saka Bhenaya akapinda mutende raJehovha akati kuna Joabhu, “Zvanzi namambo, ‘Buda.’” Asi iye akapindura akati, “Kwete, ndichafira pano.” Bhenaya akandoti kuna mambo, “Aya ndiwo mapindurirwo andaitwa naJoabhu.”
ויאמר לו המלך עשה כאשר דבר ופגע בו וקברתו והסירת דמי חנם אשר שפך יואב מעלי ומעל בית אבי׃ 31
Ipapo mambo akarayira Bhenaya akati, “Ita sezvaareva. Muuraye ugomuviga, naizvozvo undichenese pamwe chete neimba yababa vangu pamhosva yeropa rakateurwa naJoabhu rakanga risina mhosva.
והשיב יהוה את דמו על ראשו אשר פגע בשני אנשים צדקים וטבים ממנו ויהרגם בחרב ואבי דוד לא ידע את אבנר בן נר שר צבא ישראל ואת עמשא בן יתר שר צבא יהודה׃ 32
Jehovha achadzorera ropa rake pamusoro wake, nokuti akauraya varume vaviri vakanga vakarurama kupfuura iye, vakanga vari nani pana iye, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, Abhuna mwanakomana waNeri, mutungamiri wehondo yeIsraeri naAmasa mwanakomana waJeteri, mutungamiri wehondo yeJudha.
ושבו דמיהם בראש יואב ובראש זרעו לעלם ולדוד ולזרעו ולביתו ולכסאו יהיה שלום עד עולם מעם יהוה׃ 33
Ropa ravo ngaridzokere pamusoro waJoabhu, napamusoro pemhuri yake nokusingaperi. Asi rugare runobva kuna Jehovha ngaruve pana Dhavhidhi, naparudzi rwake, napaimba yake, napachigaro chake choushe nokusingaperi.”
ויעל בניהו בן יהוידע ויפגע בו וימתהו ויקבר בביתו במדבר׃ 34
Naizvozvo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akaenda akandouraya Joabhu, akavigwa muguva rake murenje.
ויתן המלך את בניהו בן יהוידע תחתיו על הצבא ואת צדוק הכהן נתן המלך תחת אביתר׃ 35
Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha somukuru wehondo panzvimbo yaJoabhu, uye akagadza Zadhoki somuprista panzvimbo yaAbhiatari.
וישלח המלך ויקרא לשמעי ויאמר לו בנה לך בית בירושלם וישבת שם ולא תצא משם אנה ואנה׃ 36
Ipapo mambo akatuma munhu kuti andodana Shimei akati kwaari, “Zvivakire imba muJerusarema uye ugogaramo, asi usaenda kumwe kunhu.
והיה ביום צאתך ועברת את נחל קדרון ידע תדע כי מות תמות דמך יהיה בראשך׃ 37
Musi waunobvamo uchiyambuka Rukova rweKidhironi, ziva kuti uchafa; ropa rako richava pamusoro pako.”
ויאמר שמעי למלך טוב הדבר כאשר דבר אדני המלך כן יעשה עבדך וישב שמעי בירושלם ימים רבים׃ 38
Shimei akapindura mambo akati, “Zvamataura zvakanaka. Muranda wenyu achaita sezvataurwa naishe wangu mambo.” Naizvozvo Shimei akagara muJerusarema kwenguva yakareba.
ויהי מקץ שלש שנים ויברחו שני עבדים לשמעי אל אכיש בן מעכה מלך גת ויגידו לשמעי לאמר הנה עבדיך בגת׃ 39
Asi mushure mamakore matatu, varanda vaShimei vaviri vakatiza vakaenda kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati, Shimei akaudzwa kuti, “Varanda vako vari kuGati.”
ויקם שמעי ויחבש את חמרו וילך גתה אל אכיש לבקש את עבדיו וילך שמעי ויבא את עבדיו מגת׃ 40
Ipapo akasungira chigaro pambongoro yake akaenda kuna Akishi kuGati kundotsvaga varanda vake. Naizvozvo Shimei akaenda akandotora varanda vake kubva kuGati.
ויגד לשלמה כי הלך שמעי מירושלם גת וישב׃ 41
Soromoni akati audzwa kuti Shimei akanga abuda muJerusarema akaenda kuGati uye kuti akanga adzoka,
וישלח המלך ויקרא לשמעי ויאמר אליו הלוא השבעתיך ביהוה ואעד בך לאמר ביום צאתך והלכת אנה ואנה ידע תדע כי מות תמות ותאמר אלי טוב הדבר שמעתי׃ 42
Mambo akadana Shimei akati kwaari, “Handina here kukupikisa naJehovha ndikakuyambira ndichiti, ‘Nomusi wauchabva uchienda kumwe, ziva kuti uchafa.’ Panguva iyoyo wakati kwandiri, ‘Zvamataura zvakanaka. Ndichateerera.’
ומדוע לא שמרת את שבעת יהוה ואת המצוה אשר צויתי עליך׃ 43
Zvino sei usina kuchengeta mhiko yako kuna Jehovha nokutevera mutemo wandakakupa?”
ויאמר המלך אל שמעי אתה ידעת את כל הרעה אשר ידע לבבך אשר עשית לדוד אבי והשיב יהוה את רעתך בראשך׃ 44
Mambo akatiwo kuna Shimei, “Mumwoyo mako unoziva zvose zvawakatadzira baba vangu Dhavhidhi. Zvino Jehovha achadzosera kuipa kwako pamusoro pako.
והמלך שלמה ברוך וכסא דוד יהיה נכון לפני יהוה עד עולם׃ 45
Asi Mambo Soromoni acharopafadzwa, uye chigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.”
ויצו המלך את בניהו בן יהוידע ויצא ויפגע בו וימת והממלכה נכונה ביד שלמה׃ 46
Ipapo mambo akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda akandouraya Shimei. Naizvozvo umambo hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.

< מלכים א 2 >