< הָרִאשׁוֹנָה לְיוֹחָנָן 3 >
ראו מה גדלה אהבת האב הנתונה לנו אשר נקרא בני האלהים על כן העולם איננו ידע אתנו יען כי אותו לא ידע׃ | 1 |
Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
אהובי עתה בנים לאלהים אנחנו ועוד לא נגלה מה נהיה אך ידענו כי בהגלותו נדמה לו כי נראהו כאשר הוא׃ | 2 |
Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
וכל אשר לו תקוה כזאת יטהר את עצמו כאשר טהור גם הוא׃ | 3 |
Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye.
כל העשה חטא גם פשע בתורה הוא והחטא הוא פשע בתורה׃ | 4 |
Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo.
וידעתם כי הוא נגלה לשאת את חטאינו ובו אין חטא׃ | 5 |
Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari.
כל העמד בו לא יחטא כל החוטא לא ראהו גם לא ידעו׃ | 6 |
Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, kana kumuziva.
בני אל יתעה אתכם איש העשה צדקה צדיק הוא כאשר הוא צדיק׃ | 7 |
Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama;
והעשה חטא מן השטן הוא כי השטן חטא מראש לזאת נגלה בן האלהים להפר את פעלות השטן׃ | 8 |
uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.
כל הנולד מאלהים לא יחטא כי זרעו בו יקום ולא יוכל לחטא כי מאלהים נולד׃ | 9 |
Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari.
ונודעו בזאת בני האלהים ובני השטן כל איש אשר לא יעשה צדקה איננו מאלהים וכן כל אשר לא יאהב את אחיו׃ | 10 |
Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake.
כי זאת היא השמועה אשר שמעתם מראש לאהבה איש את רעהו׃ | 11 |
Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;
לא כקין אשר היה מן הרע והרג את אחיו ומדוע הרגו יען כי מעשיו היו רעים ומעשי אחיו מעשי צדק׃ | 12 |
kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin'ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake akange akaipa, asi emunin'ina wake akange akarurama.
אל תתמהו אחי אם ישנא אתכם העולם׃ | 13 |
Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
אנחנו ידענו כי עברנו מן המות אל החיים על כי נאהב את אחינו איש אשר לא יאהב את אחיו ישאר במות׃ | 14 |
Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu.
כל השנא את אחיו רצח נפש הוא וידעתם כי כל רצח נפש לא יתקימו בו חיי עולמים׃ (aiōnios ) | 15 |
Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi. (aiōnios )
בזאת הכרנו את האהבה כי הוא נתן את נפשו בעדנו גם אנחנו חיבים לתת את נפשתינו בעד אחינו׃ | 16 |
Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu.
ואיש אשר לו נכסי העולם והוא ראה את אחיו חסר לחם וקפץ את רחמיו ממנו איך תעמד בו אהבת אלהים׃ | 17 |
Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari?
בני אל נא נאהב במלין ובלשון כי אם בפעל ובאמת׃ | 18 |
Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi.
ובזאת נדעה כי מן האמת אנחנו ולפניו נשקיט את לבותינו׃ | 19 |
Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake.
כי אם לבבנו ירשיע אתנו האלהים נשגב הוא מלבבנו וידע את כל׃ | 20 |
Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvese.
אהובי אם לבבנו לא ירשיענו בטחון לנו באלהים׃ | 21 |
Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari;
וכל אשר נשאל מאתו נקבל כי נשמר את מצותיו ונעשה את הרצוי לפניו׃ | 22 |
uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake.
וזאת היא מצותו להאמין בשם בנו ישוע המשיח ולאהבה איש את רעהו כאשר צונו׃ | 23 |
Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.
והשמר את מצותיו יקום בו והוא בו ובזאת נדע כי הוא שכן בנו ברוח אשר נתן לנו׃ | 24 |
Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa.