< הָרִאשׁוֹנָה לְיוֹחָנָן 2 >

בני הנני כתב אליכם את זאת לבלתי תחטאו ואם יחטא איש יש לנו מליץ לפני אבינו ישוע המשיח הצדיק׃ 1
Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;
והוא כפרה על חטאתינו ולא על חטאתינו לבד כי גם על חטאת כל העולם׃ 2
uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yese.
ובזאת נדע כי הכרנו אותו אם נשמר את מצותיו׃ 3
Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
האמר הכרתיו ואת מצותיו לא ישמר כזב הוא והאמת אין בו׃ 4
Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo;
אבל השמר את דברו בו נשלמה באמת אהבת אלהים ובזאת נדע כי בו אנחנו׃ 5
asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari.
האמר כי בו יעמד עליו להתהלך בדרך אשר גם הוא הלך׃ 6
Uyo anoti anogara maari iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo.
אחי אינני כתב לכם מצוה חדשה כי אם מצוה ישנה אשר היתה לכם מראש והמצוה הישנה היא הדבר אשר שמעתם מראש׃ 7
Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamakange munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.
ועוד מצוה חדשה אני כתב לכם אשר היא אמת גם בו גם בכם כי החשך עבר והאור האמתי כבר זורח׃ 8
Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera.
האומר כי ישנו באור והוא שנא את אחיו עודנו בחשך׃ 9
Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvikira zvino.
האהב את אחיו יעמד באור ומכשול אין בו׃ 10
Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari.
והשנא את אחיו בחשך הוא ובחשך יתהלך ולא ידע אנה הוא הלך כי החשך עור את עיניו׃ 11
Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
הנני כתב אליכם הבנים יען כי נסלחו לכם חטאתיכם למען שמו׃ 12
Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake.
כתב אני אליכם האבות יען כי הכרתם אתו אשר הוא מראש כתב אני אליכם הבחורים יען כי התגברתם על הרע כתב אני אליכם הילדים יען כי הכרתם את האב׃ 13
Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba.
כתבתי אליכם האבות יען כי הכרתם אתו אשר הוא מראש כתבתי אליכם הבחורים יען כי חזקתם ודבר האלהים שכן בקרבכם והתגברתם על הרע׃ 14
Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa.
אל תאהבו את החלד ואת דברי החלד אם יאהב איש את החלד אין בו אהבת האב׃ 15
Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari.
כי כל אשר בחלד תאות הבשר ותאות העינים וגאות ההון איננו מן אבינו כי אם מן החלד׃ 16
Nokuti zvese zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika.
והחלד עבור יעבר עם תאותיו והעשה רצון אלהים יעמד לעד׃ (aiōn g165) 17
Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi. (aiōn g165)
ילדי הנה השעה האחרונה באה וכאשר שמעתם כי יבא צר המשיח כן עתה רבו צרי המשיח ובזאת נדע כי היא השעה האחרונה׃ 18
Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.
מאתנו יצאו אך לא משלנו היו כי אלו היו משלנו כי אז היו עמדים עמנו אבל למען יגלו כי לא כלם משלנו המה׃ 19
Vakabuda kwatiri, asi vakange vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vese vanobva kwedu.
ואתם המשחה לכם מאת הקדוש וידעתם הכל׃ 20
Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvese.
לא כתבתי אליכם יען כי לא ידעתם את האמת אך יען כי ידעתם אתה ואשר כל כזב איננו מן האמת׃ 21
Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi.
מי הוא הכזב אם לא המכחש בישוע לאמר כי איננו המשיח זה הוא צר המשיח המכחש באב ובבן׃ 22
Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana.
כל המכחש בבן גם האב אין לו׃ 23
Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo.
ואתם יקם נא בכם הדבר אשר שמעתם מראש ואם יקום בכם אשר שמעתם מראש אז גם אתם תקומו בבן ובאב׃ 24
Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba.
וההבטחה אשר הבטיחנו היא חיי עולמים׃ (aiōnios g166) 25
Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
זאת כתבתי אליכם מפני המתעים אתכם׃ 26
Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai.
ואתם המשחה אשר קבלתם מאתו עמדת בכם ולא תצטרכו לאיש אשר ילמדכם כי אם כאשר תלמד אתכם המשחה בכל דבר היא האמת ואיננה כזב וכאשר למדה אתכם כן תעמדו בו׃ 27
Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvese, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.
ועתה בנים עמדו בו למען יאמץ לבנו בהראותו ולא נבוש מפניו בבואו׃ 28
Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake.
אם ידעתם כי צדיק הוא דעו כי כל עשה צדקה נולד ממנו׃ 29
Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye.

< הָרִאשׁוֹנָה לְיוֹחָנָן 2 >