< הָרִאשׁוֹנָה אֶל־הַקּוֹרִנְתִּיִּים 5 >

שמועה נשמעת בארץ כי נמצאה זנות ביניכם ואף זנות אשר בגוים לא ספר כמוה כי יקח איש את אשת אביו׃ 1
Zvinonzwikwa chose kuti upombwe huripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro husingataurwi kunyange pakati pevahedheni, zvekuti umwe ave nemukadzi wababa vake.
ואתם עוד גבהי רוח תחת אשר היה לכם להתאבל למען יוסר מקרבכם עשה המעשה הזה׃ 2
Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu.
הן אנכי הרחוק מכם בגופי וקרוב ברוחי כבר דנתי כאלו הייתי אצלכם על האיש אשר עשה כדבר הזה׃ 3
Nokuti iniwo zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya ndatogura zveuyo wakaita chiito chakadai ichi, sendinenge ndiripo,
בשם אדנינו ישוע המשיח בהקהלתכם יחד ורוחי אתכם עם גבורת אדנינו ישוע המשיח׃ 4
muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu,
למסר את האיש ההוא לשטן לאבדן הבשר למען יושע הרוח ביום האדון ישוע׃ 5
kukumikidza wakadai kuna Satani mukuparadzwa kwenyama, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.
לא טוב התהללכם הלא ידעתם כי מעט שאר מחמץ את כל העסה׃ 6
Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wese?
בערו את השאור הישן למען תהיו עסה חדשה הלא לחם מצות אתם כי גם לנו פסחנו הנזבח בעדנו הוא המשיח׃ 7
Naizvozvo sukai kwazvo mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvamusina kuiswa mbiriso. Nokuti nepasika yedu yakabairwa isu, iye Kristu.
על כן נחגה נא החג לא בשאר ישן ולא בשאר הרע והרשע כי אם במצות הישר והאמת׃ 8
Saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina mbiriso chakatendeka nechechokwadi.
כתבתי לכם באגרת שלא תתערבו עם הזנים׃ 9
Ndakakunyorerai mutsamba kuti musafambidzana nemhombwe;
ואין דעתי בזאת על הזנים שבעולם הזה או על בצעי בצע וגזלנים ועבדי אלילים כי אז יהיה לכם לצאת מן העולם׃ 10
asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.
אך זאת כתבתי לכם לבלתי התערב עם איש אשר אח יקרא והוא זנה או בצע בצע או עבד אלילים או מגדף או סבא או גזלן עם האיש אשר כזה גם לא תאכלו׃ 11
Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai.
כי מה לי לשפט את אשר בחוץ הלא תשפטו את אשר בבית׃ 12
Nokuti ini ndinei nekutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?
ואשר בחוץ האלהים ישפטם ואתם תבערו את הרע מקרבכם׃ 13
Asi avo vari kunze Mwari anotonga. Uye dzingai wakaipa abve pakati penyu pachenyu.

< הָרִאשׁוֹנָה אֶל־הַקּוֹרִנְתִּיִּים 5 >