< הָרִאשׁוֹנָה אֶל־הַקּוֹרִנְתִּיִּים 15 >

ואני אחי אודיעכם את הבשורה אשר בשרתי אתכם אשר גם קבלתם אתה וגם עמדתם בה׃ 1
Naizvozvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;
אשר גם תושעו בה אם תחזיקו בדבר אשר בשרתי אתכם אך אם לא לשוא האמנתם׃ 2
uye yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa inzwi reevhangeri randakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.
כי מסרתי לכם בראשונה את אשר גם קבלתי כי המשיח מת בעד חטאתינו כפי הכתובים׃ 3
Nokuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;
וכי נקבר וכי הוקם ביום השלישי כפי הכתובים׃ 4
uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa nezuva retatu, zvichienderana nemagwaro;
וכי נראה אל כיפא ואחריו אל שנים העשר׃ 5
uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;
ואחרי כן נראה ליותר מחמש מאות אחים כאחד אשר רבם עודם בחיים ומקצתם ישנו׃ 6
shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu nguva imwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira ikozvino, asi vamwewo varara;
ואחרי כן נראה אל יעקב ואחריו אל כל השליחים׃ 7
shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; pashure kuvaapositori vese.
ואחרי כלם נראה גם אלי כמו אל הנפל׃ 8
Uye pakupedzisira kwevese akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.
כי אני הצעיר בשליחים ואינני כדי להקרא שליח באשר רדפתי את קהל האלהים׃ 9
Nokuti ini ndiri mudikisa wevaapositori, handifaniri kunzi muapositori, nokuti ndakashusha kereke yaMwari.
אבל בחסד אלהים הייתי מה שהייתי וחסדו עלי לא היה לריק כי יותר מכלם עבדתי ולא אני כי אם חסד אלהים אשר עמדי׃ 10
Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri pandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vese; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzineni.
והנה גם אני גם המה ככה משמיעים וככה האמנתם׃ 11
Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.
ואם הגד הגד כי הוקם המשיח מן המתים איך יאמרו אנשים מכם כי אין תחיה למתים׃ 12
Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kubva kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?
אם אין תחיה למתים גם המשיח לא הוקם׃ 13
Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;
ואם המשיח לא הוקם כי עתה ריק שמועתנו וגם ריק אמונתכם׃ 14
uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo.
וגם נמצא עדי שקר לאלהים יען אשר העידנו את האלהים כי הקים את המשיח אשר לא הקימו אם אמת הוא שהמתים לא יקומו׃ 15
Nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura zvaMwari kuti wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana kuri kuti vakafa havamutswi.
כי אם המתים לא יקומו גם המשיח לא קם׃ 16
Nokuti dai vakafa vasingamutswi, Kristu haanawo kumutswa;
ואם המשיח לא קם הבל אמונתכם ועודכם בחטאתיכם׃ 17
uye dai Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu haruna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
אזי גם אשר ישנו במשיח אבד אבדו׃ 18
Naizvozvo nevarere muna Kristu vaparara.
ואם בחיים האלה לבד בטחים אנחנו במשיח אמללים אנחנו מכל אדם׃ 19
Dai muupenyu huno tine tariro muna Kristu chete, tinonzwisa tsitsi kukunda vanhu vese.
ועתה המשיח הוקם מן המתים ויהי לראשית הישנים׃ 20
Asi ikozvinowo Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.
כי אחרי אשר בא המות על ידי אדם אחד גם תחית המתים באה על ידי אדם אחד׃ 21
Nokuti sezvo nemunhu rufu rwakauya, kumuka kwevakafawo kwakauya nemunhu.
כי כאשר באדם מתים כלם כן גם יחיו כלם במשיח׃ 22
Nokuti vese muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvowo vese muna Kristu vachararamiswa.
וכל אחד ואחד בסדרו ראשית כלם המשיח ואחרי כן אשר הם למשיח בבואו׃ 23
Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,
ואחרי כן הקץ כשימסר את המלכות אל האלהים האב אחרי בטלו כל משרה וכל שלטן וגבורה׃ 24
kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba, paachaparadza kutonga kwese neushe hwese nesimba.
כי הוא מלך ימלך עד כי ישית את כל איביו תחת רגליו׃ 25
Nokuti anofanira iye kutonga, kusvikira aisa vese vavengi pasi petsoka dzake.
ואחרון האיבים אשר יבטל הוא המות׃ 26
Muvengi wekupedzisira uchaparadzwa ndirwo rufu.
כי כל שת תחת רגליו ובאמרו כל הושת תחתיו ברור הוא שהשת כל תחתיו איננו בכלל׃ 27
Nokuti wakaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti ari kunze wakaisa zvinhu zvese pasi pake.
וכאשר יושת הכל תחתיו אז הבן גם הוא יושת תחת השת כל תחתיו למען יהיה האלהים הכל בכל׃ 28
Zvino kana zvinhu zvese zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye wakaisa zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvese mune zvese.
כי מה יעשו הנטבלים בעד המתים אם אמת הוא שהמתים קום לא יקומו למה זה יטבלו בעד המתים׃ 29
Ko, vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? Vakagobhabhatidzirwa vakafa nemhaka yei?
ולמה זה אנחנו בסכנה בכל שעה׃ 30
Nemhaka yei nesu tiri panjodzi awa rega-rega?
בתהלתנו אשר יש לי במשיח ישוע אדנינו מעיד אני עלי כי מת אנכי בכל יום ויום׃ 31
Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.
אם לפי ררכו של אדם נלחמתי עם החיות הרעות באפסוס מה תועלת יש לי אם המתים לא יקומו נאכלה ונשתה כי מחר נמות׃ 32
Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei, kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekunwa, nokuti mangwana tinofa.
אל נא תתעו חברת אנשים רעים משחתת מדות טבות׃ 33
Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.
הקיצו במישרים משכרון ואל תחטאו כי יש אנשים אשר אין בהם דעת אלהים לבשתכם אני אמר זאת׃ 34
Pengenukai nenzira yekururama uye musatadza, nokuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti muve nenyadzi.
ואם יאמר איש איך יקומו המתים ובאי זה גוף יבואו׃ 35
Asi umwe achati: Vakafa vanomutswa sei? Uye vanouya nemuviri wakaita sei?
אתה הסכל הן מה שתזרע לא יחיה בלתי אם ימות׃ 36
Dununu, icho chaunodzvara iwe hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;
ומה שתזרע אינך זרע את הגוף אשר יהיה כי אם כגרגר ערם של חטה או של אחד הזרעים׃ 37
uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yezviyo kana yezvimwe;
והאלהים יתן לו גוף כפי רצונו ולכל זרע וזרע את גופו למינהו׃ 38
asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo pachayo.
לא כל הבשר באשר אחד הוא כי מין אחר הוא בשר האדם ומין אחר בשר הבהמה ומין אחר בשר הדגה ומין אחר בשר העוף׃ 39
Nyama yese haisi nyama imwe; asi imwe inyama yevanhu, imwewo inyama yemhuka, imwewo yehove, imwewo yeshiri.
ויש גופות שבשמים וגופות שבארץ אבל אחר הוא כבוד הגופות שבשמים וגופות שבארץ אבל אחר הוא כבוד הגופות שבשמים ואחר הוא כבוד הגופות שבארץ׃ 40
Kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwe.
אחר הוא כבוד השמש ואחר הוא כבוד הירח ואחר הוא כבוד הכוכבים כי כוכב מכוכב נבדל בכבודו׃ 41
Kumwe kubwinya ndekwezuva, nekumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nokuti nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.
וכן גם בתחיה המתים הן יזרע בכליון ויקום בלא כליון׃ 42
Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;
יזרע בבזיון ויקום בכבוד יזרע בחלשה ויקום בגבורה׃ 43
kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.
יזרע גוף נפשי ויקום גוף רוחני יש גוף נפשי ויש גוף רוחני׃ 44
Kunodzvarwa kuri muviri wechisikirwo, kunomutswa kuri muviri wemweya. Kune muviri wechisikirwo, uye kune muviri wemweya.
כן גם כתוב ויהי האדם הוא אדם הראשון לנפש חיה אדם האחרון לרוח מחיה׃ 45
Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya unoraramisa.
אבל לא של הרוח היא הראשונה אלא של הנפש ואחרי כן של הרוח׃ 46
Asi zvinotanga hazvisi zvemweya asi zvechisikirwo; tevere zvemweya.
האדם הראשון מן האדמה הוא של עפר והאדם השני הוא האדון מן השמים׃ 47
Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe anobva kudenga.
וכמו אשר הוא מעפר ככה גם אשר הם מעפר וכמו אשר הוא מן השמים ככה גם אשר הם מן השמים׃ 48
Sewevhu, vakadarowo avo vevhu; uye sewekudenga, vakadarowo vekudenga.
וכאשר לבשנו דמות האדם אשר מעפר כן נלבש גם דמות האדם אשר מן השמים׃ 49
Uye sezvatakatakura chimiro chewevhu, tichatakurawo chimiro chewekudenga.
וזאת אני אמר אחי כי בשר ודם לא יוכל לרשת את מלכות האלהים ואשר יכלה לא יירש את אשר לא יכלה׃ 50
Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.
הנה סוד אגידה לכם הן לא כלנו נישן המות אבל כלנו נתחלף׃ 51
Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tese, asi tichashandurwa tese;
ברגע אחד כהרף עין כתקע השופר האחרון כי יתקע בשופר והמתים יחיו בלי כליון ואנחנו נתחלף׃ 52
nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.
כי מה שעתה לכליון לבוש ילבש אל כליון ואמר ימות יבוש ילבש אל מות׃ 53
Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, neichi chinofa chipfeke kusafa.
וכשילבש מה שעתה לכליון אל כליון ומה שעתה למות ילבש אל מות אז יהיה דבר הכתוב בלע המות לנצח׃ 54
Zvino kana ichi chinoora chapfeka kusaora, neichi chinofa chapfeka kusafa, ipapo kuchaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
איה עקצף המות איה שאול בצחונך׃ (Hadēs g86) 55
Iwe rufu, rumborera rwako rwuripi? Iwe guva, kukunda kwako kuripi? (Hadēs g86)
עקץ המות הוא החטא וכח החטא היא התורה׃ 56
Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.
אבל תודות לאלהים אשר נתן לנו הנצחון על ידי אדנינו ישוע המשיח׃ 57
Zvino ngaavongwe Mwari anotipa kukunda naIshe wedu Jesu Kristu.
על כן אחי חביבי התכוננו בל תמוטו והעדיפו בכל עת במעשה אדנינו מדעתכם כי לא לריק עמלכם באדנינו׃ 58
Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, simbai, musingazungunuswi, nguva dzese muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.

< הָרִאשׁוֹנָה אֶל־הַקּוֹרִנְתִּיִּים 15 >