< חזוֹן יוֹחָנָן 10 >
לאחר מכן ראיתי מלאך גיבור אחר יורד מן השמים. הוא היה עטוף בענן, ומעל ראשו מעין קשת; פניו זרחו כשמש, רגליו דמו לעמודי אש | 1 |
Zvino ndakaona umwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga, akapfekedzwa gore; nemurarabungu uri mumusoro make, uye chiso chake chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzemoto;
ובידו החזיק ספר קטן פתוח. רגלו הימנית דרכה על הארץ, | 2 |
uye wakange ane bhuku diki rakazaruka muruoko rwake; ndokuisa rutsoka rwake rwerudyi pamusoro pegungwa, nerweruboshwe pamusoro penyika;
והוא קרא קריאה אדירה כשאגת אריה. בתגובה לקריאתו הרימו שבעת הרעמים את קולם והחלו לדבר. | 3 |
zvino akadanidzira nenzwi guru seshumba inodzvova; wakatiwo adanidzira, kutinhira kunomwe kukareva manzwi ako.
בשעה שדיברו שבעת הרעמים רציתי לכתוב את דבריהם, אך שמעתי קול מן השמים שציווה עלי:”דברי הרעמים הם סוד. אל תעלה אותם על הנייר!“ | 4 |
Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndakange ndododa kunyora; ndokunzwa inzwi kubva kudenga richiti kwandiri: Zarira nemucherechedzo kutinhira kunomwe zvakwareva, uye usanyora zvinhu izvi.
המלאך הגיבור, שראיתיו עומד על הים ועל הארץ, הרים את יד ימינו כלפי השמים | 5 |
Zvino mutumwa wandakaona amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika wakasimudzira ruoko rwake kudenga,
ונשבע בשמו של החי לנצח, האלוהים אשר ברא את השמים, הארץ, הים ואת כל אשר בהם:”לא יהיה עיכוב נוסף! (aiōn ) | 6 |
ndokupika naiye anorarama kusvikira rinhi narinhi, wakasika denga nezviri mariri, nenyika nezviri mairi, negungwa nezviri mariri, kuti nguva haichazovipo. (aiōn )
בימי תקיעת המלאך השביעי בשופרו, כאשר יחל לתקוע, יתגלה סודו של אלוהים, כפי שבישר לעבדיו הנביאים.“ | 7 |
Asi pamazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana woda kuridza, ipapo chakavanzika chaMwari chapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake vaporofita.
הקול אשר שמעתי מן השמים דיבר אלי שנית:”לך, קח את הספר הקטן ופתוח מיד המלאך שעומד על הים ועל הארץ.“ | 8 |
Zvino inzwi randakanzwa kubva kudenga, rakataura kwandirizve, ndokuti: Enda, tora bhuku diki rakazaruka riri muruoko rwemutumwa amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika.
ניגשתי אליו וביקשתי ממנו את הספר.”קח ואכול אותו“, אמר לי המלאך.”בפיך יהיה טעמו כדבש, אך לאחר שתבלע אותו הוא יהיה מר בבטנך!“ | 9 |
Zvino ndakaenda kumutumwa, ndichiti kwaari: Ndipe bhuku diki. Zvino akati kwandiri: Tora ugoridya uripedze; zvino richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira seuchi.
לקחתי את הספר מהמלאך ואכלתי אותו. בפי היה טעמו כדבש, אך לאחר שבלעתי אותו כאבה בטני וחשתי במרירות. | 10 |
Zvino ndakatora bhuku diki kubva muruoko rwemutumwa, ndokuridya rikapera; ndokuva mumuromo mangu seuchi, kutapira; asi ndaridya, dumbu rangu rakavava.
”עליך לשוב ולנבא על ארצות, עמים, שבטים, שפות ומלכים רבים“, אמר אלי המלאך. | 11 |
Zvino akati kwandiri: Iwe unofanira kuporofitazve pamberi pevanhu nendudzi nendimi nemadzimambo mazhinji.