< מתיו 21 >
כשהתקרבו ישוע ותלמידיו לירושלים ועברו ליד בית־פגי, שעל הר הזיתים, שלח ישוע שניים מתלמידיו אל הכפר ואמר: | 1 |
Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
”כשתיכנסו אל הכפר תראו אתון קשורה ולידה עיר. התירו אותם והביאו אלי. | 2 |
achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri.
אם מישהו ישאל אתכם מה אתם עושים, אמרו פשוט:’האדון זקוק להם‘. והוא יניח לכם מיד.“ | 3 |
Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.”
דבר זה בא לקיים את הנבואה: | 4 |
Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti:
”אמרו לבת ציון, הנה מלכך יבוא לך, עני ורוכב על חמור ועל עַיִר בן־אתנות.“ | 5 |
“Muti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, ari pamusoro pomwana wembongoro.’”
שני התלמידים הלכו אל הכפר ועשו כדברי ישוע. | 6 |
Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu.
הם הביאו אליו את העיר ואת האתון, ריפדו את גבם במעיליהם והושיבו עליהם את ישוע. | 7 |
Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo.
רבים מההמון השליכו את מעיליהם על הדרך לפני ישוע, ואחרים כרתו ענפים מהעצים ושטחו אותם לפניו. | 8 |
Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa.
ההמונים החלו להידחק מלפניו ומאחוריו וקראו:”הושע־נא לבן־דוד!“”ברוך הבא בשם ה׳!“”הושע־נא במרומים!“ | 9 |
Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!”
כשנכנס ישוע לתוך ירושלים, העיר כולה התרגשה מאוד.”מי האיש הזה?“שאלו האנשים. | 10 |
Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?”
וההמון השיב:”זהו ישוע – הנביא מנצרת שבגליל!“ | 11 |
Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”
ישוע הלך לבית־המקדש, גירש את כל הסוחרים והקונים, הפך את השולחנות של מחליפי הכספים ואת הדוכנים של סוחרי היונים. | 12 |
Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva.
”בכתבי־הקודש כתוב:’ביתי בית־תפלה ייקרא‘, “קרא ישוע,”ואילו אתם הפכתם אותו למאורת גנבים!“ | 13 |
Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’”
העיוורים ובעלי המום שהיו בבית־המקדש ניגשו אליו, והוא ריפא אותם שם. | 14 |
Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa.
אולם כשראו ראשי הכוהנים והסופרים את הניסים והנפלאות שחולל ישוע, וכששמעו את הילדים הקטנים קוראים במקדש:”הושע־נא לבן־דוד!“הם התרגזו מאוד ושאלו אותו: | 15 |
Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.
”האם אתה שומע את מה שהילדים האלה אומרים?“”כן“, ענה ישוע.”האם מעולם לא קראתם בכתבי־הקודש:’מפי עוללים ויונקים יסדת עֹז‘!“ | 16 |
Vakamubvunza vachiti, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?” Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti: “‘Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo’?”
ישוע עזב אותם והלך לבית־עניה – שם נשאר ללון באותו לילה. | 17 |
Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata.
כשחזר בבוקר לירושלים היה רעב. | 18 |
Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
הוא ראה עץ תאנה בצד הדרך, אבל כשניגש לחפש תאנים מצא עלים בלבד.”לעולם לא תישאי פרי!“אמר ישוע לתאנה, ומיד התייבש העץ. (aiōn ) | 19 |
Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava. (aiōn )
התלמידים נדהמו ושאלו:”כיצד יבשה התאנה לפתע?“ | 20 |
Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?”
וישוע ענה:”אני אומר לכם: אם באמת תאמינו ולא תטילו ספק, תוכלו גם אתם לעשות דברים כאלה ואף גדולים מאלה. אפילו תוכלו לומר להר הזה:’זוז, הזרק לים!‘והוא ישמע בקולכם. | 21 |
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika.
תוכלו לקבל כל דבר שתבקשו בתפילה – אם רק תאמינו.“ | 22 |
Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”
כשחזר ישוע לבית־המקדש ולימד את העם, באו אליו ראשי הכוהנים וזקני העם, ודרשו לדעת באיזו רשות הוא עושה את כל הדברים האלה. | 23 |
Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?”
”אני אענה לשאלתכם אם אתם תענו לשאלתי“, השיב להם ישוע. | 24 |
Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi.
”האם יוחנן המטביל נשלח על־ידי אלוהים או לא?“הם התייעצו ביניהם:”אם נאמר שאלוהים שלח את יוחנן, הוא ישאל אותנו מדוע לא האמנו בו. | 25 |
Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana pakati pavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga’ achazobvunza kuti, ‘Zvino makaregerei kumutenda?’
ואם נאמר שאלוהים לא שלח את יוחנן, העם יתנפל עלינו, כי כולם חושבים שיוחנן היה נביא.“ | 26 |
Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya vanhu, nokuti vose vanotenda kuti Johani aiva muprofita.”
לבסוף השיבו:”איננו יודעים.“אמר להם ישוע:”אם כך, גם אני לא אענה לשאלתכם. | 27 |
Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Ipapo iye akati, “Neni handingakuudzeiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.”
אולם מה דעתכם: לאב אחד היו שני בנים.’בני, לך היום לעבוד בכרם‘, ביקש האב מבנו הבכור. | 28 |
“Munofungei nazvo? Paiva nomurume aiva navanakomana vaviri. Akaenda kuno wokutanga akati, ‘Mwanangu, enda nhasi unoshanda mumunda wemizambiringa.’
’אינני רוצה‘, השיב הבן, אבל אחר כך שינה את דעתו והלך לעבוד בכרם. | 29 |
“Akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazvidemba uye akazoenda hake.
הלך האב אל הבן הצעיר וחזר על בקשתו.’טוב, אבא אני אלך‘, השיב הבן הצעיר, אולם לא הלך לכרם. | 30 |
“Ipapo baba vaya vakaenda kuno mumwe mwanakomana vakasvikomuudza zvimwe chetezvo. Iye akapindura achiti, ‘Ndichaenda, baba’ asi haana kuenda.
מי מהשניים שמע בקול אביו?“”הבן הבכור, כמובן“, השיבו.”אני אומר לכם שהמוכסים והזונות יכנסו למלכות השמים לפניכם“, הסביר להם ישוע את המשל. | 31 |
“Ndoupiko pavaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?” Vakapindura vachiti, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, vateresi nezvifeve vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari.
”כי יוחנן המטביל אמר לכם לחזור בתשובה ולהאמין באלוהים, ואתם לא שבתם; בעוד שפושעים וזונות כן שבו בתשובה. גם לאחר שראיתם כיצד הם שבו, לא נהגתם כמוהם ולא האמנתם לדברי יוחנן. | 32 |
Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda.
”הקשיבו עתה למשל הבא: בעל־אדמה נטע כרם, בנה גדר סביבו, הקים מגדל שמירה, הפקיד את הכרם בידי כורמים שכירים ונסע לארץ רחוקה. | 33 |
“Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari ndokuenda parwendo rurefu.
”בעת הבציר שלח בעל־הכרם אחדים מאנשיו אל הכורמים, כדי לאסוף את חלקו ביבול הענבים. | 34 |
Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora zvibereko zvake.
”אולם הכורמים הכו את האחד, סקלו באבנים את השני והרגו את השלישי. | 35 |
“Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe.
”בעל־הכרם שלח קבוצה גדולה יותר של אנשים כדי לאסוף את היבול, אך גורלם היה כגורל קודמיהם. | 36 |
Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo.
לבסוף שלח האיש את בנו, כי חשב שיכבדו אותו ויפחדו מפניו. | 37 |
Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’
”אולם כשראו הכורמים את הבן מרחוק, אמרו זה לזה:’הנה בא יורש הכרם; הבה נהרוג אותו, וכך נזכה אנחנו בירושה!‘ | 38 |
“Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’
הם גירשו את הבן מהכרם והרגו אותו. | 39 |
Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
”כשישוב בעל־הכרם, מה לדעתכם יעשה לאותם כורמים?“ | 40 |
“Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?”
השיבו המנהיגים:”הוא יוציא להורג את השכירים הרעים, וייתן את הכרם לפועלים נאמנים יותר, אשר יתנו לו בזמן את היבול המגיע לו.“ | 41 |
Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.”
ישוע המשיך ואמר:”האם מעולם לא קראתם בכתובים:’אבן מאסו הבונים היתה לראש פינה, מאת ה׳ היתה זאת; היא נפלאת בעינינו‘? | 42 |
Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti: “‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona. Ishe aita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’?
”אני מתכוון לומר שאלוהים ייקח מכם את המלכות, וייתן אותה לעם אשר ייתן לו את חלקו ביבול. | 43 |
“Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo.
מי שייפול על האבן הזאת יתנפץ לרסיסים, ומי שתיפול עליו האבן ישחק לאבק.“ | 44 |
Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.”
כשהבינו ראשי הכוהנים והפרושים שישוע התכוון אליהם – כלומר, שהם היו הכורמים במשל – | 45 |
Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo.
הם רצו לתפוס אותו, אבל פחדו לעשות דבר מפני ההמון אשר האמין כי ישוע הוא נביא. | 46 |
Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita.