< מארק 13 >

כשיצא ישוע מבית־המקדש באותו יום, אחד מתלמידיו העיר:”רבי, ראה אילו מבנים יפים ואיזו עבודת אבנים נפלאה!“ 1
Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
”הבט היטב, “ענה לו ישוע,”כי כול הבנינים הגדולים האלה ייהרסו; אף אבן לא תישאר במקומה.“ 2
Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.
ישוע ישב על הר הזיתים, מול בית־המקדש, ופטרוס, יעקב ויוחנן ואַנְדְּרֵי שנשארו איתו שאלו:”מתי יקרה הדבר? האם נקבל אזהרה מראש?“ 3
Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
4
Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvese zvozadziswa?
ישוע הסביר להם בהרחבה את העומד להתרחש:”אל תתנו לאיש לרמות אתכם! 5
Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.
אנשים רבים יבואו ויטענו:’אני הוא המשיח‘, ויוליכו שולל אנשים רבים. 6
Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.
במקומות שונים תפרוצנה מלחמות, אך אין זה עדיין הסוף. 7
Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
”מדינות וממלכות תילחמנה זו בזו, ובמקומות רבים יהיו רעידות אדמה ורעב. אלה יציינו רק את ראשית הצרות והסבל העתידים לבוא. 8
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
אולם כשיתחילו דברים אלה להתרחש, היזהרו! כי צפויה לכם סכנה גדולה. אויביכם יגררו אתכם בכוח לבתי המשפט, יכו אתכם בבתי־הכנסת, ויאשימו אתכם לפני השלטונות על היותכם תלמידי. אולם זו תהיה לכם הזדמנות לספר להם על הבשורה. 9
Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
אך צריך שקודם הבשורה תוכרז לכל הגויים. 10
Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ese.
כאשר יאסרו אתכם ויעמידו אתכם למשפט, אל תדאגו לעדותכם או להגנתכם מה להגיד, כי מה שיינתן לכם באותה שעה, את זה תגידו; כי לא אתם תדברו, אלא רוח הקודש ידבר בפיכם. 11
Asi kana vachikuuisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
”אח יבגוד באחיו ויסגירו למוות; אבות ימסרו את בניהם למוות; 12
Zvino mukoma achatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;
ילדים יקומו נגד הוריהם וייגרמו למותם. כולם ישנאו אתכם משום שאתם שייכים לי, אולם כל מי שיחזיק מעמד עד הסוף – ייוושע! 13
uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
”כאשר תראו את חילול הקודש בבית־המקדש שעליו דיבר דניאל, (הקורא – שים לב!) על כל תושבי יהודה לברוח להרים. 14
Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
אם אתה נמצא על גג ביתך – אל תיכנס הביתה; אם אתה בשדה – אל תחזור הביתה לקחת מעיל או כסף, כי אין זמן. 15
neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
16
Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
”אוי לנשים ההרות ולמניקות באותם ימים! 17
Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!
התפללו שכל זה לא יקרה בחורף, 18
Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
כי תקופה זאת תהיה איומה ונוראה; דבר כזה לא קרה מאז בריאת העולם, וגם לא יקרה אחר כך. 19
Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchatongovipo.
אם האדון לא יקצר את הימים הנוראים האלה – איש לא יינצל. אבל הוא אכן יקצר את הסבל למען עמו הנבחר. 20
Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
”אם מישהו יאמר לכם באותם ימים:’ראיתי את המשיח במקום פלוני!‘או’המשיח נמצא בכפר הסמוך!‘אל תאמינו לו, 21
Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;
כי משיחי־שקר ונביאי־שקר יקומו ויחוללו נסים ונפלאות אשר יתעו את האנשים, ואם יוכלו, הם יתעו אפילו את הנבחרים. 22
nokuti vana Kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
ראו הוזהרתם! 23
Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.
”לאחר הצרות של אותם ימים תחשך השמש, הירח ישחיר, 24
Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
הכוכבים יפלו מהשמים וכוחות השמים יתמוטטו. 25
nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
”ואז יראו אנשי הארץ את בן־האדם בא בעננים, בגבורה רבה ובכבוד. 26
Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,
ואז הוא ישלח את מלאכיו, ויאסף את בחיריו מכל קצוות תבל. 27
ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.
עץ התאנה ישמש לכם כדוגמה: כאשר הענפים מלבלבים והעלים ירוקים, אתם יודעים שהקיץ קרב. 28
Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
כאשר כל מה שסיפרתי לכם יתחיל להתרחש, דעו לכם שזה קרוב, שאני עומד בפתח. 29
Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.
”אני אומר לכם: כל הדברים האלה יתרחשו לפני שיחלוף הדור הזה. 30
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvese zvaitika.
השמים והארץ יחלפו, אבל דברי לא יחלפו. 31
Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
”איש אינו יודע את היום והשעה של התרחשויות אלה; המלאכים בשמים אינם יודעים זאת, ואפילו אני עצמי איני יודע את המועד המדויק. רק אבי שבשמים יודע זאת. 32
Asi zvezuva iro neawa, hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
עמדו על המשמר והיו מוכנים, מפני שאינכם יודעים מתי כל זה יתרחש. 33
Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.
”משל דומה לזה הוא של אדם היוצא למסע בחו״ל. הוא משאיר עבודה לשכיריו לתקופת העדרו, ומצווה על השוער לעמוד על המשמר לקראת שובו בכל רגע. 34
Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
היו מוכנים! הלא אינכם יודעים מתי ישוב בעל הבית: בבוקר, בערב, מוקדם או מאוחר, פן יבוא וימצא אתכם ישנים. אני אומר שוב לכולכם: עמדו על המשמר!“ 35
Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
36
kuti arege kuuya kamwe kamwe, akakuwanai murere.
37
Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vese: Rindai.

< מארק 13 >