< מִשְׁלֵי 13 >
בֵּ֣ן חָ֭כָם מ֣וּסַר אָ֑ב וְ֝לֵ֗ץ לֹא־שָׁמַ֥ע גְּעָרָֽה׃ | 1 |
Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.
מִפְּרִ֣י פִי־אִ֭ישׁ יֹ֣אכַל טֹ֑וב וְנֶ֖פֶשׁ בֹּגְדִ֣ים חָמָֽס׃ | 2 |
Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.
נֹצֵ֣ר פִּ֭יו שֹׁמֵ֣ר נַפְשֹׁ֑ו פֹּשֵׂ֥ק שְׂ֝פָתָ֗יו מְחִתָּה־לֹֽו׃ | 3 |
Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.
מִתְאַוָּ֣ה וָ֭אַיִן נַפְשֹׁ֣ו עָצֵ֑ל וְנֶ֖פֶשׁ חָרֻצִ֣ים תְּדֻשָּֽׁן׃ | 4 |
Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.
דְּבַר־שֶׁ֭קֶר יִשְׂנָ֣א צַדִּ֑יק וְ֝רָשָׁ֗ע יַבְאִ֥ישׁ וְיַחְפִּֽיר׃ | 5 |
Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.
צְ֭דָקָה תִּצֹּ֣ר תָּם־דָּ֑רֶךְ וְ֝רִשְׁעָ֗ה תְּסַלֵּ֥ף חַטָּֽאת׃ | 6 |
Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
יֵ֣שׁ מִ֭תְעַשֵּׁר וְאֵ֣ין כֹּ֑ל מִ֝תְרֹושֵׁ֗שׁ וְהֹ֣ון רָֽב׃ | 7 |
Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.
כֹּ֣פֶר נֶֽפֶשׁ־אִ֣ישׁ עָשְׁרֹ֑ו וְ֝רָ֗שׁ לֹא־שָׁמַ֥ע גְּעָרָֽה׃ | 8 |
Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haana chinomutyisidzira.
אֹור־צַדִּיקִ֥ים יִשְׂמָ֑ח וְנֵ֖ר רְשָׁעִ֣ים יִדְעָֽךְ׃ | 9 |
Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.
רַק־בְּ֭זָדֹון יִתֵּ֣ן מַצָּ֑ה וְאֶת־נֹ֖ועָצִ֣ים חָכְמָֽה׃ | 10 |
Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.
הֹ֭ון מֵהֶ֣בֶל יִמְעָ֑ט וְקֹבֵ֖ץ עַל־יָ֣ד יַרְבֶּֽה׃ | 11 |
Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.
תֹּוחֶ֣לֶת מְ֭מֻשָּׁכָה מַחֲלָה־לֵ֑ב וְעֵ֥ץ חַ֝יִּ֗ים תַּאֲוָ֥ה בָאָֽה׃ | 12 |
Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
בָּ֣ז לְ֭דָבָר יֵחָ֣בֶל לֹ֑ו וִירֵ֥א מִ֝צְוָ֗ה ה֣וּא יְשֻׁלָּֽם׃ | 13 |
Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.
תֹּורַ֣ת חָ֭כָם מְקֹ֣ור חַיִּ֑ים לָ֝ס֗וּר מִמֹּ֥קְשֵׁי מָֽוֶת׃ | 14 |
Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu.
שֵֽׂכֶל־טֹ֭וב יִתֶּן־חֵ֑ן וְדֶ֖רֶךְ בֹּגְדִ֣ים אֵיתָֽן׃ | 15 |
Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.
כָּל־עָ֭רוּם יַעֲשֶׂ֣ה בְדָ֑עַת וּ֝כְסִ֗יל יִפְרֹ֥שׂ אִוֶּֽלֶת׃ | 16 |
Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.
מַלְאָ֣ךְ רָ֭שָׁע יִפֹּ֣ל בְּרָ֑ע וְצִ֖יר אֱמוּנִ֣ים מַרְפֵּֽא׃ | 17 |
Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.
רֵ֣ישׁ וְ֭קָלֹון פֹּורֵ֣עַ מוּסָ֑ר וְשֹׁומֵ֖ר תֹּוכַ֣חַת יְכֻבָּֽד׃ | 18 |
Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.
תַּאֲוָ֣ה נִ֭הְיָה תֶעֱרַ֣ב לְנָ֑פֶשׁ וְתֹועֲבַ֥ת כְּ֝סִילִ֗ים ס֣וּר מֵרָֽע׃ | 19 |
Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.
הָלֹוךְ (הֹולֵ֣ךְ) אֶת־חֲכָמִ֣ים וַחֲכָם (יֶחְכָּ֑ם) וְרֹעֶ֖ה כְסִילִ֣ים יֵרֹֽועַ׃ | 20 |
Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.
חַ֭טָּאִים תְּרַדֵּ֣ף רָעָ֑ה וְאֶת־צַ֝דִּיקִ֗ים יְשַׁלֶּם־טֹֽוב׃ | 21 |
Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.
טֹ֗וב יַנְחִ֥יל בְּנֵֽי־בָנִ֑ים וְצָפ֥וּן לַ֝צַּדִּ֗יק חֵ֣יל חֹוטֵֽא׃ | 22 |
Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.
רָב־אֹ֭כֶל נִ֣יר רָאשִׁ֑ים וְיֵ֥שׁ נִ֝סְפֶּ֗ה בְּלֹ֣א מִשְׁפָּֽט׃ | 23 |
Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.
חֹושֵׂ֣ךְ שִׁ֭בְטֹו שֹׂונֵ֣א בְנֹ֑ו וְ֝אֹהֲבֹ֗ו שִֽׁחֲרֹ֥ו מוּסָֽר׃ | 24 |
Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
צַדִּ֗יק אֹ֭כֵל לְשֹׂ֣בַע נַפְשֹׁ֑ו וּבֶ֖טֶן רְשָׁעִ֣ים תֶּחְסָֽר׃ פ | 25 |
Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu reakaipa richanzwa nzara.