< אִיּוֹב 35 >
וַיַּ֥עַן אֱלִיה֗וּ וַיֹּאמַֽר׃ | 1 |
Ipapo Erihu akati:
הֲ֭זֹאת חָשַׁ֣בְתָּ לְמִשְׁפָּ֑ט אָ֝מַ֗רְתָּ צִדְקִ֥י מֵאֵֽל׃ | 2 |
“Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’
כִּֽי־תֹ֭אמַר מַה־יִּסְכָּן־לָ֑ךְ מָֽה־אֹ֝עִ֗יל מֵֽחַטָּאתִֽי׃ | 3 |
Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’
אֲ֭נִי אֲשִֽׁיבְךָ֣ מִלִּ֑ין וְֽאֶת־רֵעֶ֥יךָ עִמָּֽךְ׃ | 4 |
“Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo.
הַבֵּ֣ט שָׁמַ֣יִם וּרְאֵ֑ה וְשׁ֥וּר שְׁ֝חָקִ֗ים גָּבְה֥וּ מִמֶּֽךָּ׃ | 5 |
Tarira kumatenga uone; nanʼanidza makore ari pamusoro pako.
אִם־חָ֭טָאתָ מַה־תִּפְעָל־בֹּ֑ו וְרַבּ֥וּ פְ֝שָׁעֶ֗יךָ מַה־תַּעֲשֶׂה־לֹּֽו׃ | 6 |
Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?
אִם־צָ֭דַקְתָּ מַה־תִּתֶּן־לֹ֑ו אֹ֥ו מַה־מִיָּדְךָ֥ יִקָּֽח׃ | 7 |
Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?
לְאִישׁ־כָּמֹ֥וךָ רִשְׁעֶ֑ךָ וּלְבֶן־אָ֝דָ֗ם צִדְקָתֶֽךָ׃ | 8 |
Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.
מֵ֭רֹב עֲשׁוּקִ֣ים יַזְעִ֑יקוּ יְשַׁוְּע֖וּ מִזְּרֹ֣ועַ רַבִּֽים׃ | 9 |
“Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.
וְֽלֹא־אָמַ֗ר אַ֭יֵּה אֱלֹ֣והַּ עֹשָׂ֑י נֹתֵ֖ן זְמִרֹ֣ות בַּלָּֽיְלָה׃ | 10 |
Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku,
מַ֭לְּפֵנוּ מִבַּהֲמֹ֣ות אָ֑רֶץ וּמֵעֹ֖וף הַשָּׁמַ֣יִם יְחַכְּמֵֽנוּ׃ | 11 |
anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’
שָׁ֣ם יִ֭צְעֲקוּ וְלֹ֣א יַעֲנֶ֑ה מִ֝פְּנֵ֗י גְּאֹ֣ון רָעִֽים׃ | 12 |
Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.
אַךְ־שָׁ֭וְא לֹא־יִשְׁמַ֥ע ׀ אֵ֑ל וְ֝שַׁדַּ֗י לֹ֣א יְשׁוּרֶֽנָּה׃ | 13 |
Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo; Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.
אַ֣ף כִּֽי־תֹ֖אמַר לֹ֣א תְשׁוּרֶ֑נּוּ דִּ֥ין לְ֝פָנָ֗יו וּתְחֹ֥ולֵֽל לֹֽו׃ | 14 |
Ndoda, zvino, haangateereri kana uchiti hausi kumuona, mhaka yako iri pamberi pake zvokuti unofanira kumumirira,
וְעַתָּ֗ה כִּי־אַ֭יִן פָּקַ֣ד אַפֹּ֑ו וְלֹֽא־יָדַ֖ע בַּפַּ֣שׁ מְאֹֽד׃ | 15 |
uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi, uye haana hanya zvake nezvakaipa.
וְ֭אִיֹּוב הֶ֣בֶל יִפְצֶה־פִּ֑יהוּ בִּבְלִי־דַ֝֗עַת מִלִּ֥ין יַכְבִּֽר׃ פ | 16 |
Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo; anowanza mashoko ake asina zivo.”