< תהילים 66 >
למנצח שיר מזמור הריעו לאלהים כל-הארץ | 1 |
Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema. Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
זמרו כבוד-שמו שימו כבוד תהלתו | 2 |
Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!
אמרו לאלהים מה-נורא מעשיך ברב עזך יכחשו לך איביך | 3 |
Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu.
כל-הארץ ישתחוו לך--ויזמרו-לך יזמרו שמך סלה | 4 |
Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera
לכו וראו מפעלות אלהים נורא עלילה על-בני אדם | 5 |
Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
הפך ים ליבשה--בנהר יעברו ברגל שם נשמחה-בו | 6 |
Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.
משל בגבורתו עולם-- עיניו בגוים תצפינה הסוררים אל-ירימו (ירומו) למו סלה | 7 |
Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
ברכו עמים אלהינו והשמיעו קול תהלתו | 8 |
Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
השם נפשנו בחיים ולא-נתן למוט רגלנו | 9 |
iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
כי-בחנתנו אלהים צרפתנו כצרף-כסף | 10 |
Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.
הבאתנו במצודה שמת מועקה במתנינו | 11 |
Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
הרכבת אנוש לראשנו באנו-באש ובמים ותוציאנו לרויה | 12 |
Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.
אבוא ביתך בעולות אשלם לך נדרי | 13 |
Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
אשר-פצו שפתי ודבר-פי בצר-לי | 14 |
mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
עלות מיחים אעלה-לך עם-קטרת אילים אעשה בקר עם-עתודים סלה | 15 |
Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondobwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
לכו-שמעו ואספרה כל-יראי אלהים אשר עשה לנפשי | 16 |
Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; ndikuudzei zvaakandiitira.
אליו פי-קראתי ורומם תחת לשוני | 17 |
Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
און אם-ראיתי בלבי-- לא ישמע אדני | 18 |
Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;
אכן שמע אלהים הקשיב בקול תפלתי | 19 |
asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
ברוך אלהים-- אשר לא-הסיר תפלתי וחסדו מאתי | 20 |
Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!