< תהילים 58 >

למנצח אל-תשחת לדוד מכתם ב האמנם--אלם צדק תדברון מישרים תשפטו בני אדם 1
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Ko, imi vatongi munotaura mukururama here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?
אף-בלב עולת תפעלון בארץ--חמס ידיכם תפלסון 2
Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika.
זרו רשעים מרחם תעו מבטן דברי כזב 3
Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.
חמת-למו כדמות חמת-נחש כמו-פתן חרש יאטם אזנו 4
Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,
אשר לא-ישמע לקול מלחשים חובר חברים מחכם 5
isingateereri maimbiro enʼanga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.
אלהים--הרס שנימו בפימו מלתעות כפירים נתץ יהוה 6
Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!
ימאסו כמו-מים יתהלכו-למו ידרך חצו כמו יתמללו 7
Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.
כמו שבלול תמס יהלך נפל אשת בל-חזו שמש 8
Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.
בטרם יבינו סירתכם אטד כמו-חי כמו-חרון ישערנו 9
Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.
ישמח צדיק כי-חזה נקם פעמיו ירחץ בדם הרשע 10
Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.
ויאמר אדם אך-פרי לצדיק אך יש-אלהים שפטים בארץ 11
Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”

< תהילים 58 >