< תהילים 54 >
למנצח בנגינת משכיל לדוד ב בבא הזיפים ויאמרו לשאול הלא דוד מסתתר עמנו ג אלהים בשמך הושיעני ובגבורתך תדינני | 1 |
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?” Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu.
אלהים שמע תפלתי האזינה לאמרי-פי | 2 |
Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu.
כי זרים קמו עלי-- ועריצים בקשו נפשי לא שמו אלהים לנגדם סלה | 3 |
Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera
הנה אלהים עזר לי אדני בסמכי נפשי | 4 |
Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.
ישוב (ישיב) הרע לשררי באמתך הצמיתם | 5 |
Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu.
בנדבה אזבחה-לך אודה שמך יהוה כי-טוב | 6 |
Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.
כי מכל-צרה הצילני ובאיבי ראתה עיני | 7 |
Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.