< תהילים 50 >

מזמור לאסף אל אלהים יהוה-- דבר ויקרא-ארץ ממזרח-שמש עד-מבאו 1
Pisarema raAsafi. Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.
מציון מכלל-יפי-- אלהים הופיע 2
Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.
יבא אלהינו ואל-יחרש אש-לפניו תאכל וסביביו נשערה מאד 3
Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.
יקרא אל-השמים מעל ואל-הארץ לדין עמו 4
Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:
אספו-לי חסידי-- כרתי בריתי עלי-זבח 5
“Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”
ויגידו שמים צדקו כי-אלהים שפט הוא סלה 6
Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera
שמעה עמי ואדברה-- ישראל ואעידה בך אלהים אלהיך אנכי 7
“Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.
לא על-זבחיך אוכיחך ועולתיך לנגדי תמיד 8
Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.
לא-אקח מביתך פר ממכלאתיך עתודים 9
Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,
כי-לי כל-חיתו-יער בהמות בהררי-אלף 10
nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.
ידעתי כל-עוף הרים וזיז שדי עמדי 11
Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.
אם-ארעב לא-אמר לך כי-לי תבל ומלאה 12
Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.
האוכל בשר אבירים ודם עתודים אשתה 13
Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?
זבח לאלהים תודה ושלם לעליון נדריך 14
“Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,
וקראני ביום צרה אחלצך ותכבדני 15
uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”
ולרשע אמר אלהים מה-לך לספר חקי ותשא בריתי עלי-פיך 16
Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?
ואתה שנאת מוסר ותשלך דברי אחריך 17
Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.
אם-ראית גנב ותרץ עמו ועם מנאפים חלקך 18
Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.
פיך שלחת ברעה ולשונך תצמיד מרמה 19
Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.
תשב באחיך תדבר בבן-אמך תתן-דפי 20
Unogara uchipomera hama yako uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa.
אלה עשית והחרשתי-- דמית היות-אהיה כמוך אוכיחך ואערכה לעיניך 21
Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.
בינו-נא זאת שכחי אלוה פן-אטרף ואין מציל 22
“Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:
זבח תודה יכבדנני ושם דרך--אראנו בישע אלהים 23
Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”

< תהילים 50 >