< תהילים 32 >
לדוד משכיל אשרי נשוי-פשע כסוי חטאה | 1 |
Pisarema raDhavhidhi neMasikiri. Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.
אשרי אדם--לא יחשב יהוה לו עון ואין ברוחו רמיה | 2 |
Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.
כי-החרשתי בלו עצמי-- בשאגתי כל-היום | 3 |
Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.
כי יומם ולילה-- תכבד עלי ידך נהפך לשדי-- בחרבני קיץ סלה | 4 |
Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera
חטאתי אודיעך ועוני לא-כסיתי-- אמרתי אודה עלי פשעי ליהוה ואתה נשאת עון חטאתי סלה | 5 |
Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
על-זאת יתפלל כל-חסיד אליך-- לעת מצא רק לשטף מים רבים-- אליו לא יגיעו | 6 |
Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwavari.
אתה סתר לי-- מצר תצרני רני פלט תסובבני סלה | 7 |
Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera
אשכילך ואורך--בדרך-זו תלך איעצה עליך עיני | 8 |
Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.
אל-תהיו כסוס כפרד-- אין הבין במתג-ורסן עדיו לבלום בל קרב אליך | 9 |
Rega kuva sebhiza kana senyurusi, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.
רבים מכאובים לרשע והבוטח ביהוה--חסד יסובבנו | 10 |
Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye.
שמחו ביהוה וגילו צדיקים והרנינו כל-ישרי-לב | 11 |
Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama; imbai, imi mose makarurama pamwoyo!