< תהילים 20 >

למנצח מזמור לדוד ב יענך יהוה ביום צרה ישגבך שם אלהי יעקב 1
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.
ישלח-עזרך מקדש ומציון יסעדך 2
Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.
יזכר כל-מנחתך ועולתך ידשנה סלה 3
Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera
יתן-לך כלבבך וכל-עצתך ימלא 4
Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.
נרננה בישועתך-- ובשם-אלהינו נדגל ימלא יהוה כל-משאלותיך 5
Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.
עתה ידעתי-- כי הושיע יהוה משיחו יענהו משמי קדשו-- בגברות ישע ימינו 6
Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.
אלה ברכב ואלה בסוסים ואנחנו בשם-יהוה אלהינו נזכיר 7
Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.
המה כרעו ונפלו ואנחנו קמנו ונתעודד 8
Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, asi isu tinosimuka tigomira takasimba.
יהוה הושיעה המלך יעננו ביום-קראנו 9
Haiwa Jehovha, ponesai mambo! Tipindurei patinodana!

< תהילים 20 >