< תהילים 116 >

אהבתי כי-ישמע יהוה-- את-קולי תחנוני 1
Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.
כי-הטה אזנו לי ובימי אקרא 2
Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.
אפפוני חבלי-מות--ומצרי שאול מצאוני צרה ויגון אמצא (Sheol h7585) 3
Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. (Sheol h7585)
ובשם-יהוה אקרא אנה יהוה מלטה נפשי 4
Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!”
חנון יהוה וצדיק ואלהינו מרחם 5
Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi.
שמר פתאים יהוה דלתי ולי יהושיע 6
Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.
שובי נפשי למנוחיכי כי-יהוה גמל עליכי 7
Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
כי חלצת נפשי ממות את-עיני מן-דמעה את-רגלי מדחי 8
Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,
אתהלך לפני יהוה-- בארצות החיים 9
kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.
האמנתי כי אדבר אני עניתי מאד 10
Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
אני אמרתי בחפזי כל-האדם כזב 11
Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
מה-אשיב ליהוה-- כל-תגמולוהי עלי 12
Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?
כוס-ישועות אשא ובשם יהוה אקרא 13
Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.
נדרי ליהוה אשלם נגדה-נא לכל-עמו 14
Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose.
יקר בעיני יהוה-- המותה לחסידיו 15
Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake.
אנה יהוה כי-אני עבדך אני-עבדך בן-אמתך פתחת למוסרי 16
Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; makandisunungura pangetani dzangu.
לך-אזבח זבח תודה ובשם יהוה אקרא 17
Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri, uye ndichadana kuzita raJehovha.
נדרי ליהוה אשלם נגדה-נא לכל-עמו 18
Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose,
בחצרות בית יהוה-- בתוככי ירושלם הללו-יה 19
pavanze dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema. Rumbidzai Jehovha.

< תהילים 116 >