< תהילים 113 >

הללו-יה הללו עבדי יהוה הללו את-שם יהוה 1
Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.
יהי שם יהוה מברך-- מעתה ועד-עולם 2
Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini.
ממזרח-שמש עד-מבואו-- מהלל שם יהוה 3
Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
רם על-כל-גוים יהוה על השמים כבודו 4
Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.
מי כיהוה אלהינו-- המגביהי לשבת 5
Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,
המשפילי לראות-- בשמים ובארץ 6
anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?
מקימי מעפר דל מאשפת ירים אביון 7
Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;
להושיבי עם-נדיבים עם נדיבי עמו 8
anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo.
מושיבי עקרת הבית-- אם-הבנים שמחה הללו-יה 9
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.

< תהילים 113 >