< תהילים 108 >

שיר מזמור לדוד נכון לבי אלהים אשירה ואזמרה אף-כבודי 1
Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi. Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.
עורה הנבל וכנור אעירה שחר 2
Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza.
אודך בעמים יהוה ואזמרך בלאמים 3
Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
כי-גדול מעל-שמים חסדך ועד-שחקים אמתך 4
Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;
רומה על-שמים אלהים ועל כל-הארץ כבודך 5
Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
למען יחלצון ידידיך הושיעה ימינך וענני 6
Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi, kuti vamunoda varwirwe.
אלהים דבר בקדשו--אעלזה אחלקה שכם ועמק סכות אמדד 7
Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti, “Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu, uye ndigoyera Mupata weSukoti.
לי גלעד לי מנשה ואפרים מעוז ראשי יהודה מחקקי 8
Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu, Judha itsvimbo yangu.
מואב סיר רחצי--על-אדום אשליך נעלי עלי-פלשת אתרועע 9
Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera, pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu; pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”
מי יבלני עיר מבצר מי נחני עד-אדום 10
Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo? Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?
הלא-אלהים זנחתנו ולא-תצא אלהים בצבאתינו 11
Ko, hamusimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?
הבה-לנו עזרת מצר ושוא תשועת אדם 12
Tibatsirei pamuvengi wedu, nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.
באלהים נעשה-חיל והוא יבוס צרינו 13
Tichapiwa kukunda naMwari, uye achatsika-tsika vavengi vedu.

< תהילים 108 >