< נחמיה 11 >

וישבו שרי העם בירושלם ושאר העם הפילו גורלות להביא אחד מן העשרה לשבת בירושלם עיר הקדש ותשע הידות בערים 1
Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo.
ויברכו העם--לכל האנשים המתנדבים לשבת בירושלם 2
Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema.
ואלה ראשי המדינה אשר ישבו בירושלם ובערי יהודה ישבו איש באחזתו בעריהם ישראל הכהנים והלוים והנתינים ובני עבדי שלמה 3
Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana,
ובירושלם ישבו מבני יהודה ומבני בנימן מבני יהודה עתיה בן עזיה בן זכריה בן אמריה בן שפטיה בן מהללאל--מבני פרץ 4
kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema): Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti: Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi;
ומעשיה בן ברוך בן כל חזה בן חזיה בן עדיה בן יויריב בן זכריה--בן השלני 5
naMaaseya mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKori-Hoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekaria, chizvarwa chaShera.
כל בני פרץ הישבים בירושלם--ארבע מאות ששים ושמנה אנשי חיל 6
Zvizvarwa zvaPerezi avo vaigara muJerusarema vaiva mazana mana namakumi matanhatu navasere vaiva varume voumhare.
ואלה בני בנימן סלא בן משלם בן יועד בן פדיה בן קוליה בן מעשיה בן איתיאל--בן ישעיה 7
Vaibva kuzvizvarwa zvaBhenjamini vaiti: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya,
ואחריו גבי סלי--תשע מאות עשרים ושמנה 8
nevaimutevera vaiti Gabhai naSarai, vaiva varume vanosvika mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere.
ויואל בן זכרי פקיד עליהם ויהודה בן הסנואה על העיר משנה 9
Joere mwanakomana waZikiri akanga ari mukuru wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua, aiva pamusoro peDunhu reChipiri reguta.
מן הכהנים ידעיה בן יויריב יכין 10
Vaibva kuvaprista ndeava: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi naJakini;
שריה בן חלקיה בן משלם בן צדוק בן מריות בן אחיטוב--נגד בית האלהים 11
Seraya mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mutariri weimba yaMwari,
ואחיהם עשה המלאכה לבית--שמנה מאות עשרים ושנים ועדיה בן ירחם בן פלליה בן אמצי בן זכריה בן פשחור בן מלכיה 12
nehama dzavo, avo vakaenderera mberi nebasa retemberi, vaiva varume vana mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPeraria, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikiya,
ואחיו ראשים לאבות מאתים ארבעים ושנים ועמשסי בן עזראל בן אחזי בן משלמות בן אמר 13
nehama dzake vaiva vakuru vedzimba, varume mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashisai mwanakomana waImeri,
ואחיהם גברי חיל מאה עשרים ושמנה ופקיד עליהם זבדיאל בן הגדולים 14
nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere. Mutariri wavo mukuru aiva Zadhidhieri mwanakomana waHagedhorimi.
ומן הלוים שמעיה בן חשוב בן עזריקם בן חשביה בן בוני 15
Vaibva kuvaRevhi ndeava: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;
ושבתי ויוזבד על המלאכה החיצנה לבית האלהים מראשי הלוים 16
Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari;
ומתניה בן מיכא בן זבדי בן אסף ראש התחלה יהודה לתפלה ובקבקיה משנה מאחיו ועבדא בן שמוע בן גלל בן ידיתון (ידותון) 17
Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera; Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake; naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.
כל הלוים בעיר הקדש מאתים שמנים וארבעה 18
VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana.
והשוערים עקוב טלמון ואחיהם השמרים בשערים--מאה שבעים ושנים 19
Vachengeti vamasuo: Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta masuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri.
ושאר ישראל הכהנים הלוים בכל ערי יהודה איש בנחלתו 20
Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake.
והנתינים ישבים בעפל וציחא וגשפא על הנתינים 21
Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo.
ופקיד הלוים בירושלם--עזי בן בני בן חשביה בן מתניה בן מיכא מבני אסף המשררים לנגד מלאכת בית האלהים 22
Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari.
כי מצות המלך עליהם ואמנה על המשררים דבר יום ביומו 23
Vaimbi vaiva pasi pomutemo wamambo, waivataurira zvokuita zuva nezuva.
ופתחיה בן משיזבאל מבני זרח בן יהודה ליד המלך לכל דבר לעם 24
Petahia mwanakomana waMeshezabheri, mumwe wezvizvarwa zvaZera mwanakomana waJudha, aiva mubati waMambo panyaya dzose dzavanhu.
ואל החצרים בשדתם--מבני יהודה ישבו בקרית הארבע ובנתיה ובדיבן ובנתיה וביקבצאל וחצריה 25
Kana iri misha neminda yavo, vanhu vokwaJudha vakagara muKiriati Abha namaruwa akaripoteredza, muDhibhoni namaruwa aro, muJekabhizeri nemisha yaro,
ובישוע ובמלדה ובבית פלט 26
muJeshua, muMoradha, nomuBheti Pereti,
ובחצר שועל ובבאר שבע ובנתיה 27
nomuHazari Shuari, nomuBheerishebha namaruwa aro,
ובצקלג ובמכנה ובבנתיה 28
nomuZikiragi, nomuMekona namaruwa aro,
ובעין רמון ובצרעה ובירמות 29
muEni Rimoni, nomuZora, nomuJarimuti,
זנח עדלם וחצריהם לכיש ושדתיה עזקה ובנתיה ויחנו מבאר שבע עד גיא הנם 30
Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi.
ובני בנימן מגבע מכמש ועיה ובית אל ובנתיה 31
Zvizvarwa zvaBhenjamini zvaibva kuGebha zvakagara muMikimashi, neAija neBheteri namaruwa acho,
ענתות נב ענניה 32
muAnatoti, neNobhi neAnania,
חצור רמה גתים 33
muHazori, neRama neGitaimi,
חדיד צבעים נבלט 34
muHadhidhi, Zebhoimi neNebharati,
לד ואונו גי החרשים 35
muRodhi neOno, nomuMupata weMhizha.
ומן הלוים--מחלקות יהודה לבנימין 36
Mamwe mapoka avaRevhi vokwaJudha akandogara muBhenjamini.

< נחמיה 11 >