< נחמיה 10 >
ועל החתומים נחמיה התרשתא בן חכליה וצדקיה | 1 |
Zvino avo vakaisa chisimbiso ndeava: Nehemia mubati, mwanakomana waHakaria, Zedhekia,
Pashuri, Amaria, Marikia,
Hakushi, Shebhania, Maruki,
Harimu, Meremoti, Obhadhia,
Dhanieri, Ginetoni, Bharuki,
Meshurami, Abhija, Mijamini,
מעזיה בלגי שמעיה אלה הכהנים | 8 |
Maazia, Bharigai naShemaya. Ava ndivo vaiva vaprista.
והלוים וישוע בן אזניה בנוי מבני חנדד קדמיאל | 9 |
VaRevhi vaiti: Jeshua mwanakomana waAzania, Bhinui wokuvanakomana vaHenadhadhi, Kadhimieri,
ואחיהם--שבניה הודיה קליטא פלאיה חנן | 10 |
nehama dzavo: Shebhania, Hodhia, Kerita, Peraya, Hanani,
Mika, Rehobhi, Hashabhia,
Zakuri, naSherebhia, Shebhania,
ראשי העם פרעש פחת מואב עילם זתוא בני | 14 |
Vatungamiri vavanhu vaiva ava: Paroshi, Pahati-Moabhu, Eramu, Zatu, Bhani,
Bhuni, Azigadhi, Bhebhai,
Adhoniya, Bhigivhai, Hadhini,
חריף ענתות נובי (ניבי) | 19 |
Harifi, Anatoti, Nebhai,
Magipiashi, Meshurami, Heziri,
Meshezabheri, Zadhoki, Jadhua,
Hoshea, Hanania, Hashubhi,
Harosheshi, Piriha, Shobheki,
Rehumi, Hashabhina, Maaseya,
ושאר העם הכהנים הלוים השוערים המשררים הנתינים וכל הנבדל מעמי הארצות אל תורת האלהים נשיהם בניהם ובנתיהם כל יודע מבין | 28 |
“Uye vamwe vanhu vose, vaiti vaprista, vaRevhi, vachengeti vemikova, vaimbi, vashandi vomutemberi, navose vakazvitsaura kubva kuvanhu vakavakidzana navo, nokuda kwomurayiro waMwari, pamwe chete navakadzi vavo, navanakomana vavo vose navanasikana vavo vose vaigona kunzwisisa.
מחזיקים על אחיהם אדיריהם ובאים באלה ובשבועה ללכת בתורת האלהים אשר נתנה ביד משה עבד האלהים ולשמור ולעשות את כל מצות יהוה אדנינו ומשפטיו וחקיו | 29 |
Zvino ava vose vakabatana pamwe chete nehama dzavo ivo vakuru, uye vakazvisunga nechituko nemhiko kuti vatevere Murayiro waMwari wakapiwa kubudikidza naMozisi muranda waMwari uye kuti vachenjerere kuteerera zvose zvakarayirwa, nezvakatemwa uye nemitemo yaJehovha Ishe wedu.
ואשר לא נתן בנתינו לעמי הארץ ואת בנתיהם לא נקח לבנינו | 30 |
“Tinovimbisa kuti hatizopa vanasikana vedu kuti vawanikwe navanhu vakatipoteredza kana kutorera vanakomana vedu vanasikana vavo.
ועמי הארץ המביאים את המקחות וכל שבר ביום השבת למכור--לא נקח מהם בשבת וביום קדש ונטש את השנה השביעית ומשא כל יד | 31 |
“Kana vanhu vatakavakidzana navo vakauya nezvokutengesa kana zviyo kuzotitengesera neSabata, hatizovatengeri nomusi weSabata kana pazuva ripi zvaro dzvene. Pagore rechinomwe roga roga ticharegedza kushanda muminda uye tichadzima zvikwereti zvose.
והעמדנו עלינו מצות לתת עלינו שלישית השקל בשנה לעבדת בית אלהינו | 32 |
“Tinozvipira kuita zvakarayirwa kuti tipe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu cheshekeri gore negore kushumiro yeimba yaMwari wedu:
ללחם המערכת ומנחת התמיד ולעולת התמיד השבתות החדשים למועדים ולקדשים ולחטאות--לכפר על ישראל וכל מלאכת בית אלהינו | 33 |
kuchingwa chakaiswa patafura, kuzvipiriso zvenguva nenguva zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nomoto, kuzvipiriso zvinopiwa pamaSabata nokumitambo yoKugara kwoMwedzi uye nokumitambo yakatarwa, kuzvipiriso zvitsvene; kuzvipiriso zvechivi zvokuyananisira Israeri, nokumabasa ose omuimba yaMwari.
והגורלות הפלנו על קרבן העצים הכהנים הלוים והעם--להביא לבית אלהינו לבית אבתינו לעתים מזמנים שנה בשנה לבער על מזבח יהוה אלהינו ככתוב בתורה | 34 |
“Isu vaprista, navaRevhi uye navanhu, takanda mijenya kuti tione kuti mhuri imwe neimwe yedu inouya rini kuimba yaJehovha Mwari wedu, nechipo chehuni dzinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wedu, panguva yakatarwa, gore negore, sezvazvakanyorwa mumurayiro.
ולהביא את בכורי אדמתנו ובכורי כל פרי כל עץ--שנה בשנה לבית יהוה | 35 |
“Tazvipirazve pabasa rokuuya kuimba yaJehovha nezvibereko zvokutanga zvezviyo nezvemiti yemichero yose gore negore.
ואת בכרות בנינו ובהמתנו ככתוב בתורה ואת בכורי בקרינו וצאנינו להביא לבית אלהינו לכהנים המשרתים בבית אלהינו | 36 |
“Tichauya namatangwe avanakomana vedu neemombe dzedu, neezvipfuwo zvedu neemakwai edu kuimba yaMwari wedu, nokuvaprista vanoshumira imomo, sezvazvakanyorwa muMurayiro.
ואת ראשית עריסתינו ותרומתינו ופרי כל עץ תירוש ויצהר נביא לכהנים אל לשכות בית אלהינו ומעשר אדמתנו ללוים והם הלוים המעשרים בכל ערי עבדתנו | 37 |
“Pamusoro pezvo, tichauyisa kumatura eimba yaMwari wedu, nokuvaprista, zvibereko zvokutanga zvevhu, zvipiriso zvedu zvezviyo, nezvemiti yose yemichero nezvewaini yedu itsva uye namafuta. Uye tichauyisa chegumi chezviyo zvedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanounganidza zvegumi mumaguta ose atinoshanda.
והיה הכהן בן אהרן עם הלוים בעשר הלוים והלוים יעלו את מעשר המעשר לבית אלהינו אל הלשכות לבית האוצר | 38 |
Muprista worudzi rwaAroni anofanira kuenda navaRevhi pavanogamuchira zvegumi, uye vaRevhi vanofanira kuuya nechegumi chezvegumi kuimba yaMwari wedu, kumatura eimba yepfuma.
כי אל הלשכות יביאו בני ישראל ובני הלוי את תרומת הדגן התירוש והיצהר ושם כלי המקדש והכהנים המשרתים והשוערים והמשררים ולא נעזב את בית אלהינו | 39 |
Vanhu vaIsraeri pamwe chete navaRevhi, vanofanira kuuya nezvipo zvavo zvezviyo, newaini itsva uye namafuta kumatura kunochengeterwa midziyo yose yenzvimbo tsvene, uye kunogara vaprista vanoshumira, navarindi vemikova navaimbi. “Hatizoshayiri hanya imba yaMwari wedu.”