< יהושע 23 >
ויהי מימים רבים אחרי אשר הניח יהוה לישראל מכל איביהם מסביב ויהושע זקן בא בימים | 1 |
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo.
ויקרא יהושע לכל ישראל--לזקניו ולראשיו ולשפטיו ולשטריו ויאמר אלהם--אני זקנתי באתי בימים | 2 |
Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji.
ואתם ראיתם את כל אשר עשה יהוה אלהיכם לכל הגוים האלה--מפניכם כי יהוה אלהיכם הוא הנלחם לכם | 3 |
Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kunyika idzi dzose nokuda kwenyu; ndiJehovha Mwari wenyu akakurwirai.
ראו הפלתי לכם את הגוים הנשארים האלה בנחלה--לשבטיכם מן הירדן וכל הגוים אשר הכרתי והים הגדול מבוא השמש | 4 |
Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva.
ויהוה אלהיכם הוא יהדפם מפניכם והוריש אתם מלפניכם וירשתם את ארצם כאשר דבר יהוה אלהיכם לכם | 5 |
Jehovha Mwari pachake achavadzinga pamberi penyu. Achavabvisa pamberi penyu, uye imi muchatora nyika yavo ive yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu.
וחזקתם מאד--לשמר ולעשות את כל הכתוב בספר תורת משה לבלתי סור ממנו ימין ושמאול | 6 |
“Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi, musingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
לבלתי בא בגוים האלה הנשארים האלה אתכם ובשם אלהיהם לא תזכירו ולא תשביעו ולא תעבדום ולא תשתחוו להם | 7 |
Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira.
כי אם ביהוה אלהיכם תדבקו כאשר עשיתם עד היום הזה | 8 |
Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi.
ויורש יהוה מפניכם גוים גדלים ועצומים ואתם לא עמד איש בפניכם עד היום הזה | 9 |
“Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi.
איש אחד מכם ירדף אלף כי יהוה אלהיכם הוא הנלחם לכם כאשר דבר לכם | 10 |
Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa.
ונשמרתם מאד לנפשתיכם לאהבה את יהוה אלהיכם | 11 |
Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.
כי אם שוב תשובו ודבקתם ביתר הגוים האלה הנשארים האלה אתכם והתחתנתם בהם ובאתם בהם והם בכם | 12 |
“Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo,
ידוע תדעו כי לא יוסיף יהוה אלהיכם להוריש את הגוים האלה מלפניכם והיו לכם לפח ולמוקש ולשטט בצדיכם ולצננים בעיניכם עד אבדכם מעל האדמה הטובה הזאת אשר נתן לכם יהוה אלהיכם | 13 |
ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
והנה אנכי הולך היום בדרך כל הארץ וידעתם בכל לבבכם ובכל נפשכם כי לא נפל דבר אחד מכל הדברים הטובים אשר דבר יהוה אלהיכם עליכם--הכל באו לכם לא נפל ממנו דבר אחד | 14 |
“Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona.
והיה כאשר בא עליכם כל הדבר הטוב אשר דבר יהוה אלהיכם אליכם כן יביא יהוה עליכם את כל הדבר הרע--עד השמידו אותכם מעל האדמה הטובה הזאת אשר נתן לכם יהוה אלהיכם | 15 |
Asi sezvo zvakanaka zvose zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu zvakaitika, saizvozvo Jehovha achauyisa pamusoro penyu zvakaipa zvose zvaakareva kusvikira akuparadzai panyika iyi yakanaka, yaakakupai.
בעברכם את ברית יהוה אלהיכם אשר צוה אתכם והלכתם ועבדתם אלהים אחרים והשתחויתם להם--וחרה אף יהוה בכם ואבדתם מהרה מעל הארץ הטובה אשר נתן לכם | 16 |
Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurayirai, mukandoshumira vamwe vamwari uye mukavapfugamira kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”